Uri Kugadzirira Chirangaridzo Here?
Wakanga uri musi waNisani 13 mugore ra33 C.E. Jesu aiziva kuti akanga asarirwa neusiku humwe chete hwokuti ave neshamwari dzake dzepedyo asati aurayiwa. Aizochengeta Paseka kekupedzisira navo, otanga musangano waifanira kuzogara uchiitwa, weKudya kwaShe Kwemanheru. Musangano uyu waifanira kugadzirirwa. Saka akatuma Petro naJohani kuti vanogadzirira. (Ruka 22:7-13) Gore negore kubvira ipapo, vaKristu vanoda kuchengeta Chirangaridzo vanogadzirira. (Ruka 22:19) Ndezvipi zvinokosha zvatinofanira kuita pakugadzirira Chirangaridzo chatichaita musi wa3 April?
Zvinofanira Kuitwa Nevaparidzi:
Ronga kuti uzoshanda nesimba pamushandirapamwe wekukoka vanhu kuChirangaridzo.
Nyora mazita evaunodzidza navo Bhaibheri, veukama, vekuchikoro, vekubasa, nevamwe vaunoziva, wovakoka.
Verenga wofungisisa purogiramu yekuverenga Bhaibheri kweChirangaridzo.
Uya kuChirangaridzo wakagadzirira kugamuchira vaenzi.