RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 3/15 p. 1
  • Uri Kugadzirira Chirangaridzo Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Uri Kugadzirira Chirangaridzo Here?
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2015
  • Mashoko Akafanana
  • Uri Kugadzirira Chirangaridzo Here?
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2021
  • Nakidzwa Nokugadzirira Chirangaridzo
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2013
  • Zviyeuchidzo zveChirangaridzo
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
  • Zviyeuchidzo zveChirangaridzo
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2015
km 3/15 p. 1

Uri Kugadzirira Chirangaridzo Here?

Wakanga uri musi waNisani 13 mugore ra33 C.E. Jesu aiziva kuti akanga asarirwa neusiku humwe chete hwokuti ave neshamwari dzake dzepedyo asati aurayiwa. Aizochengeta Paseka kekupedzisira navo, otanga musangano waifanira kuzogara uchiitwa, weKudya kwaShe Kwemanheru. Musangano uyu waifanira kugadzirirwa. Saka akatuma Petro naJohani kuti vanogadzirira. (Ruka 22:7-13) Gore negore kubvira ipapo, vaKristu vanoda kuchengeta Chirangaridzo vanogadzirira. (Ruka 22:19) Ndezvipi zvinokosha zvatinofanira kuita pakugadzirira Chirangaridzo chatichaita musi wa3 April?

Zvinofanira Kuitwa Nevakuru:

  • Rongai kuti muzoshandisa Imba yoUmambo kana kuti imwe nzvimbo yakakodzera. Panofanira kunge paine pokugara panokwana, chiedza chakakwana, uye pokuti vanhu vanofema zvakanaka. Rongai kuti nzvimbo yacho yamuchaitira inyatsocheneswa pachine nguva.

  • Sarudzai munhu anonyatsokwanisa kupa hurukuro, sachigaro, uye hama dzichanyengeterera chingwa newaini.

  • Kana pamuchaitira paine dzimwe ungano dzichapindira ipapo, rongai nguva dzamuchatanga, kwamuchapinda nakwo uye kwamuchabuda nakwo, nekwamuchapaka motokari.

  • Sarudzai vachava varindiri uye vachafambisa chingwa newaini, movaudza kuti vachaita sei basa ravo.

  • Rongai kuti pazova nechingwa newaini zvakakodzera, ndiro dzacho, magirazi ewaini, tafura yakakodzera nejira rayo.

Zvinofanira Kuitwa Nevaparidzi:

  • Ronga kuti uzoshanda nesimba pamushandirapamwe wekukoka vanhu kuChirangaridzo.

  • Nyora mazita evaunodzidza navo Bhaibheri, veukama, vekuchikoro, vekubasa, nevamwe vaunoziva, wovakoka.

  • Verenga wofungisisa purogiramu yekuverenga Bhaibheri kweChirangaridzo.

  • Uya kuChirangaridzo wakagadzirira kugamuchira vaenzi.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe