RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mwb21 March p. 5
  • Uri Kugadzirira Chirangaridzo Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Uri Kugadzirira Chirangaridzo Here?
  • Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2021
  • Mashoko Akafanana
  • Ndiani Wandichakoka kuChirangaridzo?
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2020
  • Jehovha Anokomborera Zvatinoita Kuti Tipinde Chirangaridzo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2023
  • “Rambai Muchiita Izvi Muchindiyeuka”
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
  • “Rambai Muchiita Izvi”—Chirangaridzo Chichaitwa Musi waApril 5
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2012
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2021
mwb21 March p. 5
Petro naJohani vachiisa chingwa nemakapu patafura.

Petro naJohani vari muimba yepamusoro vachigadzirira Paseka ya33 C.E.

KURARAMA KWECHIKRISTU

Uri Kugadzirira Chirangaridzo Here?

Paseka yekupedzisira yakachengetwa naJesu yakanga yakasiyana chaizvo nedzimwe. Sezvo akanga ava pedyo nekufa, akaronga kuti adye Paseka nevaapostora vake, achibva atanga chiitiko chaizoitwa gore negore cheKudya kwaShe Kwemanheru. Saka akatuma Petro naJohani kuti vanogadzirira Paseka muimba yavaizoshandisa. (Ru 22:7-13; ona mufananidzo uri pakavha.) Izvi zvinotibatsira kuona kuti tinofanira kugadzirira Chirangaridzo chichaitwa musi wa27 March. Ungano dzinogona kunge dzakatoronga nezvemukurukuri, chingwa newaini, uye zvimwewo zvinodiwa. Asi mumwe nemumwe wedu angaitei kuti agadzirire Chirangaridzo?

Gadzirira mwoyo wako. Verenga uye fungisisa mavhesi anenge ari pakuverenga Bhaibheri kweChirangaridzo. Purogiramu yacho inowanikwa mubhuku raKuongorora Magwaro Zuva Nezuva. Mashoko Ekuwedzera B12 ari muShanduro Yenyika Itsva yakadzokororwa ane purogiramu ine zvakawanda zvekuverenga. (Onawo Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa yaApril 2020.) Mhuri dzinogona kuwana zvimwe zvekukurukura pakunamata kwemhuri zvinoratidza kukosha kwerudzikinuro kana vakatarisa muWatch Tower Publications Index kana kuti muBhuku Rinobatsira Zvapupu zvaJehovha Pakutsvakurudza.

Mhuri iri kutaura nezveChirangaridzo pairi kuita kunamata kwemhuri.

Koka vamwe. Shanda nesimba pamushandirapamwe wekukoka vanhu. Funga nezvevaya vaunogona kukoka vakadai sevaunodzokera kunoona, vawakambodzidza navo Bhaibheri, vaunozivana navo, uye veukama. Vakuru vanofanira kuva nechokwadi chekuti vakoka vaya vasingachaiti basa. Yeuka kuti kana munhu asingagari munharaunda yenyu, unogona kuwana nguva nenzvimbo zvichaitirwa Chirangaridzo kwaanogara kana ukaenda pajw.org wobaya pakanzi NEZVEDU nechekumusoro kwepeji yekutanga, wozobaya pakanzi “Chirangaridzo.”

Vakuru vaviri vashanyira hama isingachaiti basa uye vari kuikoka kuChirangaridzo.

Zvii zvimwe zvatingaita kuti tigadzirire?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe