Kukoka Munhu Mumwe Nemumwe
1. Mushandirapamwe wekukoka vanhu kugungano uchatanga riini?
1 Ngatitii uri kuronga kuva nemabiko nehama kana kuti shamwari asi mabiko acho achida kuti ushande nesimba uye ubudise mari yakawanda pakuagadzirira. Zviri pachena kuti unozokoka vanhu vacho nechido. Saizvozvowo, pane basa rakawanda rakaitwa pakugadzirira mabiko ekunamata atichava nawo pagungano redu remunharaunda riri kuuya. Jehovha akatipawo mukana wekuti tizokokawo vamwe mavhiki matatu gungano risati ratanga. Chii chichatibatsira kuti tikoke vamwe nechido?
2. Chii chichaita kuti tishande nesimba pamushandirapamwe?
2 Tichashanda nesimba pamushandirapamwe uyu kana tikafungisisa kusimbiswa kwatinoitwa nezvatinodzidziswa naJehovha pamagungano edu toona kuti zvinotibatsira sei semunhu mumwe nemumwe. (Isa. 65:13, 14) Tinofanira kuyeukawo kuti mushandirapamwe uyu watinoita gore negore unobatsira. (Ona bhokisi rakanzi “Kubatsira Kwemushandirapamwe Wacho.”) Vamwe vatichakoka vachauya uye vamwe havauyi. Pasinei nokuti vangani vachauya, kana tikashanda nesimba pamushandirapamwe uyu zvichaita kuti Jehovha arumbidzwe uye zvicharatidza rupo rwake.—Pis. 145:3, 7; Zvak. 22:17.
3. Mushandirapamwe wacho uchaitwa sei?
3 Dare revakuru rinofanira kuronga zvichaitwa neungano kuti ikoke vanhu vakawanda, roonawo kana zvichiita kusiya mapepa ekukoka padzimba dzinenge dzisina vanhu kana kuti kuapa vanhu munzvimbo dzinowanika vakawanda mundima yenyu. Pakupera kwevhiki ipai vanhu magazini pamwe chete nepepa rokukoka pazvinenge zvakakodzera. Pachapera mushandirapamwe, tichafara zvikuru kuti vakawanda vatinenge takoka vanenge vauya kumabiko ekunamata atakapiwa naJehovha!