RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 4/15 p. 4
  • Kukoka Munhu Mumwe Nemumwe

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kukoka Munhu Mumwe Nemumwe
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2015
  • Mashoko Akafanana
  • Kukokera Vanhu Kugungano Reruwa ra2014
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2014
  • Mushandirapamwe Unobudirira
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2013
  • Mushandirapamwe Wekukoka Vanhu Kugungano Remunharaunda
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa (2016)
  • Kuparadzirwa Kwemapepa Okukokera kuChirangaridzo Kuchatanga Pana April 2
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2011
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2015
km 4/15 p. 4

Kukoka Munhu Mumwe Nemumwe

1. Mushandirapamwe wekukoka vanhu kugungano uchatanga riini?

1 Ngatitii uri kuronga kuva nemabiko nehama kana kuti shamwari asi mabiko acho achida kuti ushande nesimba uye ubudise mari yakawanda pakuagadzirira. Zviri pachena kuti unozokoka vanhu vacho nechido. Saizvozvowo, pane basa rakawanda rakaitwa pakugadzirira mabiko ekunamata atichava nawo pagungano redu remunharaunda riri kuuya. Jehovha akatipawo mukana wekuti tizokokawo vamwe mavhiki matatu gungano risati ratanga. Chii chichatibatsira kuti tikoke vamwe nechido?

2. Chii chichaita kuti tishande nesimba pamushandirapamwe?

2 Tichashanda nesimba pamushandirapamwe uyu kana tikafungisisa kusimbiswa kwatinoitwa nezvatinodzidziswa naJehovha pamagungano edu toona kuti zvinotibatsira sei semunhu mumwe nemumwe. (Isa. 65:13, 14) Tinofanira kuyeukawo kuti mushandirapamwe uyu watinoita gore negore unobatsira. (Ona bhokisi rakanzi “Kubatsira Kwemushandirapamwe Wacho.”) Vamwe vatichakoka vachauya uye vamwe havauyi. Pasinei nokuti vangani vachauya, kana tikashanda nesimba pamushandirapamwe uyu zvichaita kuti Jehovha arumbidzwe uye zvicharatidza rupo rwake.—Pis. 145:3, 7; Zvak. 22:17.

3. Mushandirapamwe wacho uchaitwa sei?

3 Dare revakuru rinofanira kuronga zvichaitwa neungano kuti ikoke vanhu vakawanda, roonawo kana zvichiita kusiya mapepa ekukoka padzimba dzinenge dzisina vanhu kana kuti kuapa vanhu munzvimbo dzinowanika vakawanda mundima yenyu. Pakupera kwevhiki ipai vanhu magazini pamwe chete nepepa rokukoka pazvinenge zvakakodzera. Pachapera mushandirapamwe, tichafara zvikuru kuti vakawanda vatinenge takoka vanenge vauya kumabiko ekunamata atakapiwa naJehovha!

Uchatii?

Wakwazisa munhu, unogona kuti: “Tiri kuita mushandirapamwe wemunyika yose wokukoka vanhu kumusangano unokosha zvikuru. Musi, nguva uye nzvimbo yacho zviri papepa iri.”

Kubatsira Kwemushandirapamwe Wacho

  • Makore akati kuti akapfuura, imwe hanzvadzi ichiita mushandirapamwe wakadai, yaisava nechokwadi chekuti iri kushandira zviripo here. Yaizvibvunza kuti, ‘Vanhu vatiri kukoka ivava vachauya here kuzopinda nesu gungano?’ Pagungano, musi weMugovera mangwanani, hanzvadzi iyi yakaona mumwe murume wechechi yeSikh akanga akagara pedyo, ndokumukwazisa. Pavaikurukura, zvakava pachena kuti murume wacho ainge apiwa pepa rekukoka. Hanzvadzi iyi yakapindura mibvunzo yakati kuti yakabvunzwa nemurume uyu. Murume uyu akataura kuti ainakidzwa nepurogiramu uye aiyemura zvainge zvakapfekwa nevaivapo uye unhu hwavo. Gare gare, hanzvadzi iyi yakatanga nyaya nemumwe murume nemudzimai wake vainge vakagara pedyo. Vakanga vapiwawo pepa rekukoka, vakauya kugungano nebhazi. Vakanga vachinakidzwa negungano, uye vakaronga kuuyazve mangwana acho. Izvi zvakaita kuti hanzvadzi yedu ione kuti mushandirapamwe wedu wekukoka vanhu gore negore unokosha.

  • Pagungano remunharaunda richangopfuura, mumwe murume nemudzimai, mapiyona enguva dzose, vakakwazisa mumwe murume nemudzimai wake vati kurei. Vakaudza mapiyona aya kuti kaiva kekutanga kupinda gungano rakadai. Mapiyona acho akabvunza kuti, “Ndiani akakukokai?” Vakapindura kuti, “Rimwe zuva takawana pasi pedhoo redu paine pepa raitikoka.” Vakaverenga pepa racho ndokunyora fomu riri kuseri kwaro vachikumbira zvinyorwa uye kudzidza Bhaibheri. Vamwe vaiva pagungano vakavapa zvekudya. Vakanakidzwa negungano racho zvekuti vakatoronga kudzoka zuva raitevera. Pakaitwa urongwa hwekuti vashanyirwe kuti vabatsirwe kudzidza Bhaibheri.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe