RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 4/13 p. 5
  • Mushandirapamwe Unobudirira

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mushandirapamwe Unobudirira
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2013
  • Mashoko Akafanana
  • Kukoka Munhu Mumwe Nemumwe
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2015
  • Mushandirapamwe Wekukoka Vanhu Kugungano Remunharaunda
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa (2016)
  • Kukokera Vanhu Kugungano Reruwa ra2014
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2014
  • Kushingaira Kuzivisa Munyika Yose Gungano Reruwa Rinoti, “Tevera Kristu!”
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2013
km 4/13 p. 5

Mushandirapamwe Unobudirira

Mavhiki matatu gungano risati raitwa, ungano dzichaita zvakare mushandirapamwe wokukoka vanofarira vari mundima kuti vazopinda gungano. Mushandirapamwe uyu unoitwa gore negore une zvawakanakira. Vaya vanenge vabvuma kuuya kugungano vanowanzobayiwa mwoyo nehurukuro dzinobva muMagwaro, madhipatimendi akanyatsorongeka anenge achitsigirwa nevanenge vazvipira, uye unhu hwakanaka nekubatana kwatinoratidza. (Pis. 110:3; 133:1; Isa. 65:13, 14) Kunyange zvakadaro, mushandirapamwe wedu unobudirira here, kunyanya munzvimbo dziri kure zvokuti vanofarira vanofanira kufamba madaro akareba kuti vapinde gungano?

Pashure pegungano reruwa ra2011, imwe hofisi yebazi yakagamuchira tsamba yakabva kune mumwe mukadzi akawana pepa rokukokera riri mumba make. Aigara achihwanda paiuya Zvapupu zvaJehovha pamba pake. Akanyora kuti: “Ndaiva nemusha wakanaka, murume akanaka, uye ndaifunga kuti ndaiva nezvese zvinoita kuti ndifare. Asi ndakanga ndisingafari uye ndainge ndisina chinangwa muupenyu. Saka ndakasarudza kudhiraivha makiromita 320 kuti ndipinde purogiramu yemusi weMugovera.” Akanakidzwa negungano zvokuti akafonera murume wake achimuudza kuti aizorara ikoko kuti apinde purogiramu yemusi weSvondo. “Ndakateerera hurukuro dzose, ndakasangana neZvapupu zvaJehovha zvakawanda, uye ndakafunga kuti zvaisafanira kuperera ipapo.” Akatanga kudzidza paakadzoka kumba, ndokuva muparidzi asina kubhabhatidzwa pashure pemwedzi mina. “Ndinofara kuti ndakawana pepa rokukoka mumba mangu nokuti upenyu hwangu hwava nechinangwa!”

Vamwe vanopiwa mapepa okukoka vachapinda gungano. Saka, shanda nesimba pamushandirapamwe uyu unokosha. Uya nemapepa anenge asara kunzvimbo iri kuitirwa gungano, woashandisa pakuparidza zvisina kurongwa.

[Bhokisi riri papeji 5]

Tichagovera Sei Mapepa Okukokera?

Kuti tikwanise kupedza ndima yedu tinofanira kupa mharidzo pfupi. Tinogona kungoti: “Makadii? Tiri kuita mushandirapamwe pasi rose wokugovera pepa iri. Renyuwo iri. Mamwe mashoko akawanda muchaawana papepa racho.” Taura uine chido. Patinenge tichikoka vanhu pakupera kwevhiki, tinofanirawo kugovera magazini pazvinenge zvakakodzera.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe