Mharidzo Dzokuenzanisira
Nharireyomurindi May 1
“Ngatitii mune simba rekugadzirisa dambudziko rimwe chete munyika. Nderipi ramaizogadzirisa? [Rega apindure.] Bhaibheri rinodzidzisa kuti pasina nguva Mwari achabvisa dambudziko iroro nemamwe akawanda. [Verenga rugwaro rwunoenderana nezvaapindura rwakadai saDhanieri 2:44; Zvirevo 2:21, 22; Mateu 7:21-23; kana kuti 2 Petro 3:7.] Magazini ino yeNharireyomurindi inotsanangura kuti Mwari achagadzirisa zvinhu riini pasi pano uye kuti achazviita sei.”
Awake! May
“Vanhu vose vari munyika vachazombofa vakava nedzimba dzakanaka dzekugara, pasina kana urombo here? [Rega apindure.] Chimboonai zvakavimbiswa vanhu naMwari panyaya iyi. [Verengai Isaya 65:21, 22.] Magazini ino yeAwake! inotaura kuti Mwari achazadzisa sei zvaakavimbisa uye kuti isu tinogona kubatsirwawo sei.”