RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 7/15 p. 2
  • Bhokisi Remubvunzo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Bhokisi Remubvunzo
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2015
  • Mashoko Akafanana
  • Kushandiswa kweGadziriro Yokukurukurirana Nekombiyuta—Chenjerera Njodzi Dzacho!
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1999
  • Bhokisi Remibvunzo
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2011
  • Nzira Dzekuparidza Nadzo Mashoko Akanaka
    Takarongwa Kuti Tiite Zvinoda Jehovha
  • Tinofanira Kukurumidza Kuona Vanenge Vafarira
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2014
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2015
km 7/15 p. 2

Bhokisi Remubvunzo

◼ Vaparidzi vanofanira here kuparidza kana kuti kudzidza Bhaibheri kwenguva yakareba nevanhu vavasingazivi vekune dzimwe nyika paIndaneti?

Vamwe vaparidzi vakashandisa Indaneti kuti vawane zvidzidzo zveBhaibheri kunyika dzinorambidzwa basa redu kana kuti dzine vaparidzi vashoma. Vamwe vavo vakatombobudirira pakuita izvi. Zvisinei, kana vaparidzi vakakurukura nevanhu vavasingazivi paIndaneti, zvinogona kukonzera matambudziko. (Ona Ushumiri Hwedu hwoUmambo hwaJuly 2007, p. 3.) Kunyange zvazvo chinangwa chavo chiri chekusvitsa mashoko eUmambo kuvanhu vanoda chokwadi, kukurukura kwakadaro kunogona kuita kuti hama kana kuti hanzvadzi ive neshamwari dzakaipa, dzinosanganisira vakapandukira sangano. (1 VaK. 1:19-25; VaK. 2:8) Uyewo munyika dzinorambidzwa basa reUmambo, kukurukura kwakadaro kunogona kunge kuchiongororwa nehurumende uye zvinogona kukonzera matambudziko kuhama nehanzvadzi dzeko. Saka vaparidzi havafaniri kutsvaga vanhu vekune dzimwe nyika paIndaneti kuti vavaparidzire mashoko akanaka.

Kana tikaparidza zvisina kurongwa kumunhu wekune imwe nyika anenge ashanya, hatifaniri kuzoedza kuramba tichikurukura naye nezveBhaibheri paanenge adzokera, kunze kwekunge bazi remunyika medu ratiudza kuti tidaro. Asi tinogona kumuratidza kuti angawana sei mamwe mashoko pajw.org, kana kuti angakurukura sei nehofisi yebazi yeko. Tinogonawo kumukurudzira kuti aende kuImba yoUmambo iri pedyo nekwaanogara. Asi mune dzimwe nyika hamuna Dzimba dzoUmambo. Saka kana achida kuzoshanyirwa neZvapupu zvekwaanogara, tinogona kunyora fomu raTapota Onai Munhu Uyu (S-43), toripa munyori, uyo achazoritumira achishandisa jw.org. Hofisi yebazi inotungamirira basa rekuparidza mundima inogara munhu wacho ndiyo inonyatsoziva nezvendima iyoyo, saka inogona kubatsira munhu iyeye.—Ona Ushumiri Hwedu hwoUmambo hwaJune 2014, p. 7, uye hwaNovember 2011, p. 2.

Kana munhu watiri kushanyira kuti tikurukure naye zveBhaibheri akaenda kunogara kune imwe nyika uye kana tiri kutodzidza nemunhu ari kune imwe nyika watakangozivana naye paIndaneti, tinofanira kuita zvataurwa pamusoro apa. Zvisinei, tinogona kuita kuti munhu wacho arambe achifarira kusvikira vaparidzi vekwaanogara vazotanga kukurukura naye. Asi kana achigara munyika inorambidzwa zvimwe zvatinoita pakunamata kana kuti inotorambidzwa basa redu, tinofanira kungwarira chaizvo kana tichizokurukura nyaya dzemuBhaibheri tichishandisa tsamba, foni, kana kuti mimwe midziyo yemagetsi.—Mat. 10:16.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe