Zvinhu Zvatinoshandisa Pakudzidzisa
1. Vaparidzi vakafanana papi nemhizha?
1 Mhizha dzinoshandisa midziyo yakasiyana-siyana. Mimwe inoshandiswa pano neapo painenge yava kudiwa, asi mimwe inogara ichishandiswa. Mhizha dzine ruzivo dzinogara dziine midziyo inodiwa pabasa nguva dzose, uye dzinonyatsogona kuishandisa. Bhaibheri rinokurudzira muKristu mumwe nemumwe kuti ashande nesimba muushumiri uyewo kuti ave “mushandi asina chokunyara nacho.” (2 Tim. 2:15) Pazvinhu zvatinoshandisa muushumiri, ndechipi chinonyanya kukosha? Ishoko raMwari, iro rinotibatsira kuita “vadzidzi.” (Mat. 28:19, 20) Saka tinofanira kushanda nesimba kuti tive neunyanzvi ‘pakubata shoko rechokwadi zvakarurama.’ Asi pane zvimwewo zvatinogara tichishandisa pakudzidzisa vanhu chokwadi uye vaKristu vose vanofanira kudzidza kushandisa zvinhu izvozvo neunyanzvi.—Zvir. 22:29.
2. Zvinhu zvipi zvokushandisa pakudzidzisa zvatiinazvo?
2 Zvinhu Zvatinoshandisa Pakudzidzisa Vanhu: Kunze kweBhaibheri, chii chimwe chatinofanira kushandisa? Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? ndiro bhuku ratinonyanya kushandisa pakudzidzisa vanhu chokwadi cheBhaibheri. Kana tichinge tapedza kudzidza nemunhu bhuku iri, tinozodzidza naye bhuku ra“Rambai Muri Murudo rwaMwari” kuti aone kushandisa kwaangaita zvinotaurwa neBhaibheri muupenyu hwake. Saka tinofanira kuva neunyanzvi pakushandisa mabhuku aya maviri. Tinofanira kushandisawo mamwe mabhurocha pakudzidzisa vanhu. Bhurocha raMashoko Akanaka Anobva Kuna Mwari! ndiro rimwe remabhurocha atinowanzoshandisa pakutanga zvidzidzo zveBhaibheri. Kana ndima yedu iine vanhu vasingakwanisi kunyatsoverenga kana kuti vanotaura mutauro wokuti tinenge tiine mabhuku mashoma kana kuti tisina zvachose, tinogona kushandisa bhurocha raTeerera Mwari uye raTeerera Mwari Urarame Nokusingaperi. Bhurocha raNdivanaani Vari Kuita Kuda kwaJehovha Mazuva Ano? rakagadzirwa nechinangwa chekuti tidzidze nevanhu kuti vazive nezvesangano redu. Tinofanira kuva neunyanzvi pakushandisa mavhidhiyo anotibatsira kuti tiite vadzidzi, anosanganisira inonzi Nei Uchifanira Kudzidza Bhaibheri?, Chii Chinoitwa paImba yoUmambo? uye Mwari Ane Zita Here?
3. Nyaya dzichabuda muUshumiri Hwedu hwoUmambo dzichatibatsira kuitei?
3 MuUshumiri Hwedu hwoUmambo muchange muchibuda nyaya dzichaita kuti tive neunyanzvi pakushandisa zvinhu zvinotibatsira pakudzidzisa vanhu. Kana tikashanda nesimba kuti tive neunyanzvi pakushandisa zvinhu izvi, tinenge tichiteerera mashoko akafemerwa anoti, “Ramba uchizvichenjerera iwe nokudzidzisa kwako. Rambira pazvinhu izvi, nokuti kana ukaita izvi uchazviponesa iwe nevaya vanokuteerera.”—1 Tim. 4:16.