“Mashoko Aya . . . Anofanira Kuva Mumwoyo Mako”
Vabereki vakafanana nevafudzi. Vanofanira kuchengeta vana vavo zvakanaka nekuti zviri nyore kuti vana varasike vova pangozi yekukanganiswa. (Zvir. 27:23) Vabereki vangaita sei basa rekuchengeta vana vavo? Vanofanira kuva nenguva yokutaura navo zuva rimwe nerimwe kuti vazive zvavanofunga uye zviri mumwoyo yavo. (Zvir. 20:5) Uyewo, vabereki vanofanira kuvaka nezvinhu zvisingatsvi kuti vasimbise kutenda kwevana vavo. (1 VaK. 3:10-15) Vhidhiyo ya“Mashoko Aya . . . Anofanira Kuva Mumwoyo Mako” inoratidza kukosha kwazvinoita kuti mugare muchiita kunamata kwemhuri. Ionei semhuri, mozokurukura mibvunzo inotevera.
(1) Chii chakaita kuti mhuri yekwaRoman irasike pakunamata? (2) Sei zvakamboedza kuitwa naHama Roman kekutanga pavaida kuita kunamata kwemhuri zvisina kubudirira? (3) Ndezvipi zvinotaurwa neMagwaro zvinogona kubatsira chaizvo kuti mubudirire pakurera vana? (Dheut. 6:6, 7) (4) Chii chinogona kubatsira kuti mhuri ikurukure zvakanaka? (5) Vana vanoda kuti vabereki vavo vavaitire chii? (6) Hama naHanzvadzi Barrow vakabatsira sei mhuri yekwaRoman? (Zvir. 27:17) (7) Semusoro wemhuri, baba vemba vanofanira kuitei pachine nguva, kuti vabudirire pakuita kunamata kwemhuri? (8) Chii chakaitwa naHama Roman kuti maitiro emhuri yavo achinje? (9) Sei zvichikosha kugara muchiita kunamata kwemhuri? (VaEf. 6:4) (10) Ndezvipi zvimwe zvinobatsira zvinogona kuitwa pakunamata kwemhuri? (11) Hama Roman vakaratidza sei kuti vainge vakadzikama asi vasingaiti zvekutamba pavaitaura naMarcus vachiratidza kukosha kwekuita zvakarurama? (Jer. 17:9) (12) Hama naHanzvadzi Roman vakakurukura sei naRebecca kuti vamubatsire kuita chisarudzo chakarurama pakudanana kwaaiita naJustin? (Mako 12:30; 2 Tim. 2:22) (13) Hama naHanzvadzi Roman vakaratidza sei kutenda pavakachinja mararamiro avaiita? (Mat. 6:33) (14) Vhidhiyo iyi inosimbisa sei kukosha kwekuti vanababa vabatsire mhuri dzavo pakunamata? (1 Tim. 5:8) (15) Watsunga kuitei semusoro wemhuri?
MASHOKO KUNA VANABABA: Mutambo uyu wemazuva ano wakabudiswa pagungano remunharaunda muna 2011. Panguva iyoyo, pane here pamakaona kuti munofanira kuvandudza pakunamata kwenyu kwemhuri? Ko iye zvino zvava sei? Kana paine pamuchiri kufanira kuvandudza, tapota nyengeterai nezvazvo kuti muvandudze nechinangwa chekuti mhuri yenyu ibatsirwe nekusingaperi.—VaEf. 5:15-17.