PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | VAROMA 9-11
Mufananidzo Wemuti Wemuorivhi
Muti wemuorivhi unomiririrei?
Muti wacho wese: unomiririra kuzadziswa kwechinangwa chaMwari pasungano yaakaita naAbrahamu
Hunde: inomiririra Jesu sewekutanga pavana vaAbrahamu
Mapazi: anomiririra nhamba yakazara yevamwe vana vaAbrahamu
Mapazi “akatyorwa akabviswa”: anomiririra vaJudha vakaramba Jesu
Mapazi ‘akanamatidzwa’: anomiririra vaKristu vakazodzwa vasiri vaJudha
Sezvakagara zvataurwa, vana vaAbrahamu, kureva Jesu uye ve144 000, vachaita kuti “vanhu vemamwe marudzi” vakomborerwe.—VaR 11:12; Ge 22:18
Kuzadzisa kunoita Jehovha chinangwa chake pasungano yaakaita naAbrahamu kunondidzidzisei nezvake?