RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mwb16 May p. 8
  • Mashandisiro Atingaita JW Library

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mashandisiro Atingaita JW Library
  • Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa (2016)
  • Mashoko Akafanana
  • Uri Kushandisa JW Library Here?
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa (2016)
  • Raibhurari Inokwana Muruoko
    Mashandisirwo Ari Kuitwa Mari Yenyu Yezvipo
  • Shandisa jw.org Muushumiri​—“Iva Shamwari yaJehovha”
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2015
  • Tingabatsirwa Sei neRaibhurari yepaImba yeUmambo?
    Ndivanaani Vari Kuita Kuda kwaJehovha Mazuva Ano?
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa (2016)
mwb16 May p. 8

KURARAMA KWECHIKRISTU

Mashandisiro Atingaita JW Library

PAKUDZIDZA:

  • Verenga Bhaibheri uye rugwaro rwezuva

  • Verenga Bhuku Regore, magazini nemamwewo mabhuku. Shandisa makadhi aripo (bookmarks)

  • Gadzirira misangano yeungano uye maka mhinduro

  • Ona mavhidhiyo

Zvapupu zvaJehovha zviri kuverenga pamatablet mubhazi

PAMISANGANO:

  • Tarisa mavhesi anenge achitaurwa nemukurukuri. Unogona kuwana mavhesi awambovhura kana ukabaya bhatani rinokuratidza zvawambovhura (history)

  • Panzvimbo pokuuya kumusangano nemabhuku akawanda, shandisa tablet kana kuti foni kuti ufambirane nezviri kukurukurwa uye pakuimba. JW Library ine nziyo itsva dzisati dzava kuwanikwa mubhuku renziyo rakaprindwa

Zvapupu zvaJehovha zviri kuverenga pamatablet pamusangano weungano

MUUSHUMIRI:

  • Kana waona munhu anenge afarira, muratidze chimwe chinhu paJW Library, uye mubatsire kudhaunirodha app yacho nemabhuku nezvimwewo zviripo achishandisa tablet yake kana kuti foni

  • Kuti utsvage vhesi yauri kuda, taipa mashoko ari muvhesi yacho

  • Ratidza saimba vhidhiyo. Kana aine vana, unogona kumuratidza imwe chete pamavhidhiyo anonzi Iva Shamwari yaJehovha. Kana kuti unogona kumuratidza yakanzi Nei Uchifanira Kudzidza Bhaibheri? kuti ave nechido chokudzidza Bhaibheri. Kana munhu wacho achitaura mumwe mutauro, muratidze vhidhiyo yemutauro wake

  • Ratidza mumwe munhu rugwaro kubva muBhaibheri remumwe mutauro rawakadhaunirodha. Enda parugwaro rwauri kuda, wobaya nhamba yevhesi yacho, wozobaya kabhatani kane maBhaibheri

Zvapupu zvaJehovha zviri kuratidza mai nemwana wavo vhidhiyo
    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe