KURARAMA KWECHIKRISTU
Mashandisiro Atingaita JW Library
PAKUDZIDZA:
Verenga Bhaibheri uye rugwaro rwezuva
Verenga Bhuku Regore, magazini nemamwewo mabhuku. Shandisa makadhi aripo (bookmarks)
Gadzirira misangano yeungano uye maka mhinduro
Ona mavhidhiyo
PAMISANGANO:
Tarisa mavhesi anenge achitaurwa nemukurukuri. Unogona kuwana mavhesi awambovhura kana ukabaya bhatani rinokuratidza zvawambovhura (history)
Panzvimbo pokuuya kumusangano nemabhuku akawanda, shandisa tablet kana kuti foni kuti ufambirane nezviri kukurukurwa uye pakuimba. JW Library ine nziyo itsva dzisati dzava kuwanikwa mubhuku renziyo rakaprindwa
MUUSHUMIRI:
Kana waona munhu anenge afarira, muratidze chimwe chinhu paJW Library, uye mubatsire kudhaunirodha app yacho nemabhuku nezvimwewo zviripo achishandisa tablet yake kana kuti foni
Kuti utsvage vhesi yauri kuda, taipa mashoko ari muvhesi yacho
Ratidza saimba vhidhiyo. Kana aine vana, unogona kumuratidza imwe chete pamavhidhiyo anonzi Iva Shamwari yaJehovha. Kana kuti unogona kumuratidza yakanzi Nei Uchifanira Kudzidza Bhaibheri? kuti ave nechido chokudzidza Bhaibheri. Kana munhu wacho achitaura mumwe mutauro, muratidze vhidhiyo yemutauro wake
Ratidza mumwe munhu rugwaro kubva muBhaibheri remumwe mutauro rawakadhaunirodha. Enda parugwaro rwauri kuda, wobaya nhamba yevhesi yacho, wozobaya kabhatani kane maBhaibheri