PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | MAPISAREMA 69-73
Vanhu vaJehovha Vanoshingaira Pakutsigira Kunamata Kwechokwadi
Kushingaira kwatinoita pakutsigira kunamata kwechokwadi kunofanira kunyatsooneka
Dhavhidhi akaratidza kuti aishingaira pakushumira Jehovha kweupenyu hwake hwose
Dhavhidhi haana kurega zita raJehovha richizvidzwa
Vanhu vakuru vanokwanisa kubatsira vechidiki kuti vashingaire
Munyori wepisarema iri, uyo angangodaro ari Dhavhidhi, akaratidza kuti aida kukurudzira chizvarwa chaizotevera
Vabereki uye vaKristu vane ruzivo vanofanira kudzidzisa vechidiki