RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w24 June p. 19
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2024
  • Mashoko Akafanana
  • Vanhu vaJehovha Vanoshingaira Pakutsigira Kunamata Kwechokwadi
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa (2016)
  • “Vanyoro Ndivo Vachagara Nhaka Yenyika”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2018
  • ‘Haasi Kure Nomumwe Nomumwe Wedu’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Mwari Anombogumbuka Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2024
w24 June p. 19

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Tinoziva sei kuti Pisarema 12:7 painoti “Muchavachengetedza,” iri kutaura nezvevanhu “vanotambudzika” vanotaurwa nezvavo muvhesi 5?

Mashoko ari mune mamwe mavhesi akapoteredza anoratidza kuti vhesi iyi iri kutaura nezvevanhu vanotambudzika vanotaurwa nezvavo muvhesi 5.

Pana Pisarema 12:​1-4, tinoverenga kuti “vanhu vakatendeka vanyangarika pakati pevanhu.” Pisarema 12:​5-7 inobva yati:

“‘Nekuti vanotambudzika vakadzvinyirirwa,

Nekuti varombo vari kugomera,

Ndichasimuka kuti ndiite chimwe chinhu,’ anodaro Jehovha.

‘Ndichavanunura pavanhu vanovashora.’

Zvinotaurwa naJehovha zvakachena;

Zvakaita sesirivha yakanatswa, yakacheneswa kanomwe muchoto chakaumbwa nevhu.

Muchavachengetedza, haiwa Jehovha;

Muchadzivirira mumwe nemumwe wavo pachizvarwa ichi nekusingaperi.”

Vhesi 5 inotaura zvichaitwa naMwari kuvanhu “vanotambudzika.” Achavanunura.

Vhesi 6 inowedzera kuti “zvinotaurwa naJehovha zvakachena,” “sesirivha yakanatswa.” Izvi zvinonyatsoratidza manzwiro atinoita nezveshoko raJehovha.—Pis. 18:30; 119:140.

Ngatichionai vhesi inotevera pana Pisarema 12:7 panoti: “Muchavachengetedza, haiwa Jehovha; muchadzivirira mumwe nemumwe wavo pachizvarwa ichi nekusingaperi.” Tinoziva sei kuti vhesi iyi iri kutaura nezvevanhu vanotambudzika?

Sezvo vhesi 6 ichitanga nemashoko ekuti “zvinotaurwa naJehovha,” mune mimwe mitauro, vamwe vanofunga kuti vhesi 7 iri kureva kuti Mwari ‘anochengetedza’ zvaanotaura. Uye tinoziva kuti Mwari akachengetedza Bhaibheri pasinei nezvakawanda zvaiedza kuitwa nevanhu vanopikisa kuti varirambidze uye variparadze.—Isa. 40:8; 1 Pet. 1:25.

Asiwo zvinotaurwa muvhesi 5 ndezvechokwadi. Jehovha anobatsira uye acharamba achibatsira nekuponesa “vanotambudzika” nevaya “vakadzvinyirirwa.”—Job. 36:15; Pis. 6:4; 31:​1, 2; 54:7; 145:20.

Saka vhesi 7 iri kurevei?

Kana tikanyatsoongorora pisarema iri, zviri pachena kuti vhesi 7 iri kutaura nezvevanhu.

Panotanga Pisarema 12, Dhavhidhi anotaura nezvevashumiri vaJehovha vakatendeka vakanyeperwa nevanhu vakaipa. Tinobva tazoudzwa kuti Jehovha acharwisa vaya vanotaura mashoko ekunyengera. Pisarema racho rinoita kuti tive nechokwadi chekuti Mwari acharwira vanhu vake nekuti zvinotaurwa naJehovha zvakachena.

Saka vhesi 7 iri kutiudza kuti Jehovha achachengetedza uye achadzivirira vaya vanotambudzwa nevanhu vakaipa.

Mashoko ekuti “muchavachengetedza,” anoratidza zviri mumakopi akavimbika eMagwaro echiHebheru. MuGreek Septuagint (Shanduro yechiGiriki yeMagwaro echiHebheru) mune mashoko ekuti “achatichengetedza” uye “achatidzivirira.” Izvi zvinoratidza kuti vari kutaurwa nezvavo apa vanhu vakatendeka vari kutambudzwa uye vari kudzvinyirirwa. Vhesi 7 inozopedzisa nekutaura kuti “mumwe nemumwe” wevanhu vakatendeka achadzivirirwa “pachizvarwa ichi,” kureva vanhu vanokurudzira uipi. (Pis. 12:​7, 8) MuAramaic Targums vhesi 7 inoti: “Imi, haiwa TENZI, muchadzivirira vakarurama, muchavachengetedza nekusingaperi pachizvarwa ichi chakaipa.” Izvi zvinoratidza kuti Pisarema 12:7 harisi kutaura nezvemashoko aMwari.

Vhesi iyi inopa tariro ‘kuvanhu vakatendeka’ yekuti Mwari achapindira.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe