RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mwb16 November p. 5
  • Unofanira Kugadzirira Kuti Udzidzise Neunyanzvi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Unofanira Kugadzirira Kuti Udzidzise Neunyanzvi
  • Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa (2016)
  • Mashoko Akafanana
  • Tevedzera Mudzidzisi Mukuru Paunenge Uchishandisa Bhaibheri Rinombodzidzisei?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
  • Batsira Vamwe Kuti Vateerere Zvinodzidzisa Bhaibheri
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Bhaibheri Rinombodzidzisei?—Bhuku Rinotibatsira Zvikuru Pakudzidzisa
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
  • Bhokisi Remibvunzo
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2008
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa (2016)
mwb16 November p. 5

KURARAMA KWECHIKRISTU

Unofanira Kugadzirira Kuti Udzidzise Neunyanzvi

Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?

Jesu akabvunzwa mubvunzo mumwe chete une chekuita neupenyu husingaperi panguva dzakasiyana, asi paaipindura aiita kuti mhinduro yake ienderane neainge abvunza wacho. (Ru 10:25-28; 18:18-20) Saka, kunyange tichinyatsoziva zviri mubhuku ratiri kudzidza, tinofanira kugadzirira pachine nguva tichifunga nezvemudzidzi.

Tinofanira kufunga nezvemibvunzo inotevera: Ipfungwa dzipi dzingamuomera kunzwisisa kana kubvuma? Magwaro api ari mundima atingaverenga naye? Tingadzidza zvakawanda sei? Tingafanira kugadzirira muenzaniso, tsanangudzo, kana mibvunzo kuti tibatsire mudzidzi kunzwisisa zvaari kudzidza. Uyewo, sezvo Jehovha ari iye anoita kuti mbeu yechokwadi ikure mumwoyo, tinofanira kukumbira kuti chikomborero chaJehovha chive pakugadzirira kwatichaita chidzidzo chacho, chive pamudzidzi, uye chive pane zvatinoita kuti timubatsire pakunamata.​—1VaK 3:6; Jak 1:5.

Pikicha

MAPIKICHA: Mapikicha anobatsira chaizvo pakudzidzisa uye anoita kuti munhu asakanganwa zvaadzidza. Unogona kubvunza wauri kudzidza naye zvaari kuona papikicha iri mubhuku ramuri kudzidza. Zvadaro, chitsvaka mibvunzo inoita kuti uone kuti anzwisisa here zviri kudzidziswa nepikicha yacho. Shandisa magwaro ari kubudisa zviri kudzidziswa nepikicha yacho. Unogona kushandisa mapikicha pamunenge mapedza kudzidza wava kuda kuona kuti abata here zvamadzidza. Chikurukurai nevateereri mibvunzo inotevera: 1.(a) Sei zvichikosha kuti nguva dzose tigadzirire tisati taenda kunodzidzisa vanhu? (b) Tisati tatanga kugadzirira nei zvichikosha kuti titange nokunyengetera? 2. Ndezvipi zvatinofanira kufunga patinenge tichigadzirira? 3. Kana une mumwe munhu waunofanira kuzodzidza naye chitsauko chimwe chete unofanira kugadzirira zvekare here? Tsanangura.

Bhokisi Rekudzokorora

Bhokisi Rekudzokorora: Unogona kushandisa bhokisi iri kuti uve nechokwadi chekuti mudzidzi anzwisisa pfungwa huru uye kuti ava kugona kudzitsanangura. Verengai zvinonzwika mutsara wega wega nemagwaro aripo. Ibva wamukumbira kuti ashandise magwaro acho kuti atsanangure kuti nei mutsara wacho uri wechokwadi.​—Mab. 17:2, 3.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe