PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | MAKO 13-14
Usakundwa Nekutya Vanhu
Chii chakaita kuti vaapostora varare uye varambe Jesu?
Vainyanya kuzvivimba. Petro aitofunga kuti aizoramba akavimbika kuna Jesu kupfuura vamwe vaapostora
Havana kuramba vakarinda uye vachinyengetera
Pashure pekunge Jesu amutswa, chii chakabatsira vaapostora kuti vasaramba vachitya vanhu uye vakwanise kuparidza kunyange pavaipikiswa?
Vakayeuka zvavakanga vamboudzwa naJesu, uye izvi zvakaita kuti vagadzirire kutambudzwa kwavaizosangana nako
Vakavimba naJehovha uye vakanyengetera.—Mab 4:24, 29
Ndepapi pazvisiri nyore kuratidza ushingi?