RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mwb18 November p. 8
  • Kushanda Pamwe Chete Mundima Ine Mitauro Yakawanda

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kushanda Pamwe Chete Mundima Ine Mitauro Yakawanda
  • Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2018
  • Mashoko Akafanana
  • Kana Saimba Achitaura Mumwe Mutauro
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2008
  • Nzira Dzekuparidza Nadzo Mashoko Akanaka
    Takarongwa Kuti Tiite Zvinoda Jehovha
  • Kuvandudza Unyanzvi Hwedu Muushumiri—Kuparidzira Munhu Anotaura Mumwe Mutauro
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2015
  • Takarongwa Kuti Tiparidzire Vanhu Vese
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2021
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2018
mwb18 November p. 8

KURARAMA KWECHIKRISTU

Kushanda Pamwe Chete Mundima Ine Mitauro Yakawanda

Murume nemudzimai vari kuparidza uye vasangana nemumwe murume anotaura mutauro usiri wavo

Vanhu vanowanzoteerera shoko reUmambo kana vakarinzwa mumutauro wavo. Zvimwe ndosaka paPendekosti ya33 C.E., Jehovha akaita kuti ‘vaJudha vaitya Mwari vakanga vabva kumarudzi ese ari pasi pedenga,’ vanzwe mashoko akanaka ‘mumutauro wavo.’ Akaita izvi kunyange zvazvo vaJudha ava vaigona kutaura mitauro yaishandiswa nevakawanda yakadai sechiHebheru kana kuti chiGiriki. (Mab 2:5, 8) Mazuva ano, dzimwe ungano dzemitauro yakasiyana-siyana dzinoshanda mundima imwe chete. Zvii zvingaitwa nevaparidzi vemuungano idzi kuti vaparidzire munhu wese asi vachizviita zvakarongeka vasingazogumburi vanasaimba?

  • Foni

    Tauriranai (Zvi 15:22): Vatariri vebasa vanofanira kugara pasi voronga kuti vachashanda sei ndima yacho. Ungano dzinoparidza nemumwe mutauro dzinogona kukukumbirai kuti musaparidza padzimba dzevanhu vemutauro iwoyo. Asi kana ndima yavo yakakurisa, vanogona kukukumbirai kuti muparidze padzimba dzese uye kuti mukasangana neanenge afarira movaudza. (od 93 ¶37) Kana kuti vanogona kukumbira ungano yenyu kuti ivabatsire kutsvaga vanhu vanotaura mutauro weungano yavo. (km 7/12 5, bhokisi) Asi yeukai kuti pane dzimwe nguva, paimba imwe chete panogona kunge paine vanhu vanotaura mitauro yakasiya-siyana. Mashandisiro amuchaita mazita evanhu nenhamba dzavo dzepamba kana kuti dzefoni anofanira kuenderana nezvinotaurwa nemitemo yemunyika yenyu.

  • Dzimba dziri mundima

    Teererai zvamunoudzwa (VaE 4:16): Nyatsotevedzerai zvamunoudzwa nemutariri wenyu webasa. Uri kudzidza Bhaibheri nemunhu anoda kudzidza nemutauro usiri weungano yenyu here? Munhu iyeye anogona kukurumidza kufambira mberi kana ukaita kuti adzidze nevemuungano inotaura mutauro waanoda.

  • Mutauro

    Gadzirira (Zvi 15:28; 16:1): Kana saimba achitaura mumwe mutauro, edza kumuparidzira mashoko akanaka. Unogona kugara wafunga kuti vanhu vemitauro ipi vaungangosangana navo, wodhaunirodha maBhaibheri nemavhidhiyo zvemitauro iyoyo. Unogona kushandisawo JW Language app kudzidzira kuti ungavakwazisa sei.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe