KURARAMA KWECHIKRISTU
Jehovha Akatidzidzisa Kurera Vana Vedu
Vabereki vanodzidzei kubva kuna Baba vavo vekudenga, Jehovha, pakurera vana vavo? Onai vhidhiyo inonzi Jehovha Akatidzidzisa Kurera Vana Vedu, mozopindura mibvunzo inotevera nezvaAbilio naUlla Amorim:
Marererwo avakaitwa akavadzidzisa chii nezvekuzorerawo vana vavo?
Vana vavo vanoyeuka zvinhu zvipi zvakanaka zvakaitika pakukura kwavo?
Abilio naUlla vakashandisa sei zvinotaurwa pana Dheuteronomio 6:6, 7?
Nei vaisangogumira pakuudza vana vavo zvekuita nezvekusaita?
Vakabatsira sei vana vavo kuti vaite zvisarudzo zvakanaka?
Kunyange zvazvo vabereki ava vaigara vachikurudzira vana vavo kupinda mubasa renguva yakazara, zvii zvavaiziva kuti vaikwanisa kurasikirwa nazvo? (bt 178 ¶19)