Kushaya Nguva Yokubatwa Somwana
“Kubatwa somwana ikodzero yomunhu wose yokutangatanga yevana.”—“The Hurried Child.”
PAMWE unobvumirana nazvo kuti vana vose vanofanira kukwanisa kunakirwa nouduku hwakanaka uye vasingambofungi kuti kunze kunei. Kunyange zvakadaro, chokwadi chisingarambiki ndechokuti uduku hwakadaro hauwaniki nevakomana nevasikana vaduku vakawanda. Chimbofunga zviuru, zvichida mamiriyoni, evavariro dzevaduku dzinoparara apo vana vanokanganiswa upenyu hwavo nehondo. Fungazve, vana vose vaya vane upenyu hunokanganiswa nouranda kana nokubatwa zvisina kunaka.
Kuvakawanda vedu, zvakaoma kufungidzira manzwiro anoita mwana pazvinomumanikidza kugara mumugwagwa nokuti ndimo maanonzwa akachengeteka kupfuura kumba. Panguva chaiyo yavanenge vachinyanya kuda kuratidzwa rudo uye kudzivirirwa, vana vakadaro zvinovamanikidza kudzidzira ungwaru hwakati hwokurarama mumigwagwa kuti vazvidzivirire pavanhu vanenge zvikara vakangomirira kuvashandisa. Uduku pachahwo huri kuwanzoparadzwa munguva dzedu dzinonetsa.
“Dai Uduku Hwangu Hwaidzokororwa”
Carmen, ane makore 22, akararama nokutamburira mumakore ake ouduku.a Musikana uyu nomukoma wake vakaminikidzwa kugara mumugwagwa vachitiza kubatwa zvisina kunaka kwavaiitwa nababa vavo uye kuregeredzwa naamai vavo. Pasinei nengozi yokurarama saizvozvo, vasikana vacho vakakwanisa kudzivisa mimwe misungo inobata vaduku vakawanda kwazvo vanotiza pamba.
Kunyange zvakadaro, Carmen anochema paanofunga nezvouduku hwake, nokuti zvechokwadi haayeuki achibatwa somwana. “Kubvira paucheche hwangu kusvika ndava nemakore 22 handina kumbova nenguva yokubatwa somwana,” anochema kudaro. “Iye zvino ndakaroorwa uye ndine mwana wanguwo, asi ndinoshuva kuita zvinhu zvinoitwa nevasikana vaduku, zvakadai sokutamba nezvidhori. Ndinoda kudiwa uye kumbundirwa nevabereki. Ndinoshuva kuti dai uduku hwangu hwaidzokororwa.”
Kune nhamba yakakura yevana vari kutambura sezvakaita Carmen nomukoma wake. Vanorarama mumugwagwa, kutaura zvazviri havambobatwi sevana. Vakawanda vavo vanoita zvoutsotsi kuti vararame. Mishumo mitsva yenhau uye nhamba zvinoratidza kuti vana vari kuita utsotsi pazera duku rinoshamisa. Pane chimwe chinotonyanya kuwedzera chinetso ichocho: Vasikana vakawanda vanova vabereki vachiri kuyaruka—chaizvoizvo vachiri vana ivo pachavo.
Dambudziko Rakavanzika Kunzanga
Hazvishamisi kuti nhamba inoramba ichiwedzera yevana inoguma yava kurerwa nevamwe vanhu. Nyaya yakabudiswa mupepanhau rinonzi Weekend Australian yakati: “Dambudziko rokutarisira vana vevamwe ratibata takarivara. Vana vakawanda vanobva mumhuri dzakaparara uye dzakakanganisika havasi kunyatsotarisirwa.” Pepanhau racho rakatiwo: “Vamwe vana vanorerwa nevamwe vanhu vanopedza mwedzi yakawanda, kunyange makore, vasina kana kumboonana neanotarisira nyaya dzavo zvapamutemo, ukuwo vamwe vanongotamiswa-tamiswa, vasingambowani musha wechigarire.”
Imwe nyaya yakashumwa inosanganisira mumwe musikana ane makore 13 uyo akagara mumisha 97 yokuchengetwa nevamwe vanhu mumakore matatu—pamwe achingogara usiku humwe chete. Pari zvino anoyeuka manzwiro omukati-kati okurambwa uye kusachengeteka kwakamutambudza. Nokuda kwevana vanorerwa nevamwe vanhu saiye, havana kumbobatwa somwana panguva youduku hwavo.
Saka, hazvishamisi kuti nhasi nyanzvi dzinotaura nezvedambudziko riri kukura revana vasina kumbobatwa sevana pauduku hwavo. Kana uri mubereki, ungatarisa mashoko aya echokwadi anoodza mwoyo wototi wakakomborerwa kuti unokwanisa kupa vana vako musha wokuti vagare uye zvavanoda muupenyu. Asi pane imwe ngozi. Munyika yanhasi vana havaregi kubatwa sevana muuduku hwavo zvachose. Dzimwe nguva kunongogurisirwa panzira. Sei, uye zvichiguma nei?
[Mashoko Omuzasi]
a Zita rakachinjwa.