PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | VAHEBHERU 12-13
Jehovha Anotirayira Nekuti Anotida
Kurayira kunosanganisira kuranga, kutsiura kana kuti kudzidzisa. Jehovha anotirayira sezvinoita baba vanoda vana vavo. Dzimwe nzira dzatinorayirwa nadzo ndeidzi:
Kuverenga Bhaibheri, kudzidza tiri tega, kupinda misangano, uye kudzamisa pfungwa pane zvatinenge tichidzidza
Kutsiurwa nemumwe watinonamata naye
Kudzidza kubva pazvikanganiso zvedu
Kutsiurwa nedare rinotonga kana kuti kudzingwa
Miedzo inenge yabvumirwa naJehovha.—w15 9/15 21 ¶13; it-1-E 629