RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mwb20 February p. 3
  • Chii Chaunodzidza Kubva Mudzimwe Nziyo Dzinobuda paJW Broadcasting?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chii Chaunodzidza Kubva Mudzimwe Nziyo Dzinobuda paJW Broadcasting?
  • Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2020
  • Mashoko Akafanana
  • Nziyo Dzinotiswededza Pedyo naMwari
    Mashandisirwo Ari Kuitwa Mari Yenyu Yezvipo
  • Rumbidza Jehovha Nekuimba Nziyo
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2018
  • Nziyo dzeUmambo Dzinotishingisa
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa (2017)
  • Zvaungaita Pakudzidza
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2023
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2020
mwb20 February p. 3
Hama nehanzvadzi dzichinakidzwa nekuimba dzichiridza gitare.

KURARAMA KWECHIKRISTU

Chii Chaunodzidza Kubva Mudzimwe Nziyo Dzinobuda paJW Broadcasting?

Padzimwe nziyo dzinobuda paJW Broadcasting ndedzipi dzaunonyanya kufarira? Nei uchidzifarira? Unoona zvinobuda mumavhidhiyo acho sezvinhu zvinoitika muupenyu hwezuva nezuva here? Nziyo dzacho dzine misoro yakasiyana siyana uye dzinoimbwa nenzira dzakasiyana siyana zvekuti munhu mumwe nemumwe anotowana dzaanofarira. Kunyange zvakadaro, nziyo idzi nemavhidhiyo acho hazvisi zvekungoti tinakidzwe chete asi zvinotibatsira.

Rwiyo rumwe nerumwe runotidzidzisa zvinhu zvatinogona kushandisa muupenyu hwedu sevaKristu uye muushumiri. Dzimwe nziyo dzinotaura nezvekugamuchira vaeni zvakanaka, kubatana, ushamwari, ushingi, rudo kana kuti kutenda. Dzimwe dzinotaura nezvekudzoka kuna Jehovha, kuregererana, kuramba takaperera zuva nezuva, uye kuva nezvinangwa pakunamata. Panotova nerwiyo runotaura nezvekushandisa mafoni zvakanaka. Ndezvipi zvimwe zvidzidzo zvawakawana munziyo idzi?

ONA VHIDHIYO YERWIYO RUNONZI YATOSVIKA, WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:

  • Makomborero api achavapo mune ramangwana ari kufungwa nemurume nemudzimai ava vechikuru?​—Ge 12:3

  • Tingasimbisa sei kutenda kwatinoita kuti Jehovha achazadzisa zvaakavimbisa?

  • Tichafara kuzoonazve vanhu vapi munguva pfupi iri kuuya?

  • Tariro yatiinayo yezvichaitwa neUmambo inotibatsira sei kutsungirira matambudziko atiri kusangana nawo iye zvino?—VaR. 8:25

ZVAMUNOGONA KUITA PAKUNAMATA KWEMHURI

Onai mavhidhiyo enziyo dzinotevera, mozopindura mibvunzo iyi miviri yekuti: Zvii zvandinodzidza kubva pavhidhiyo yacho? Ndingazvishandisa sei muupenyu hwangu?

  • Usatombotya

  • Kanganwiranai

  • “Teverai Nzira Yokugamuchira Vaeni Zvakanaka”

  • Tifambise

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe