KURARAMA KWECHIKRISTU
Chii Chaunodzidza Kubva Mudzimwe Nziyo Dzinobuda paJW Broadcasting?
Padzimwe nziyo dzinobuda paJW Broadcasting ndedzipi dzaunonyanya kufarira? Nei uchidzifarira? Unoona zvinobuda mumavhidhiyo acho sezvinhu zvinoitika muupenyu hwezuva nezuva here? Nziyo dzacho dzine misoro yakasiyana siyana uye dzinoimbwa nenzira dzakasiyana siyana zvekuti munhu mumwe nemumwe anotowana dzaanofarira. Kunyange zvakadaro, nziyo idzi nemavhidhiyo acho hazvisi zvekungoti tinakidzwe chete asi zvinotibatsira.
Rwiyo rumwe nerumwe runotidzidzisa zvinhu zvatinogona kushandisa muupenyu hwedu sevaKristu uye muushumiri. Dzimwe nziyo dzinotaura nezvekugamuchira vaeni zvakanaka, kubatana, ushamwari, ushingi, rudo kana kuti kutenda. Dzimwe dzinotaura nezvekudzoka kuna Jehovha, kuregererana, kuramba takaperera zuva nezuva, uye kuva nezvinangwa pakunamata. Panotova nerwiyo runotaura nezvekushandisa mafoni zvakanaka. Ndezvipi zvimwe zvidzidzo zvawakawana munziyo idzi?
ONA VHIDHIYO YERWIYO RUNONZI YATOSVIKA, WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:
Makomborero api achavapo mune ramangwana ari kufungwa nemurume nemudzimai ava vechikuru?—Ge 12:3
Tingasimbisa sei kutenda kwatinoita kuti Jehovha achazadzisa zvaakavimbisa?
Tichafara kuzoonazve vanhu vapi munguva pfupi iri kuuya?
Tariro yatiinayo yezvichaitwa neUmambo inotibatsira sei kutsungirira matambudziko atiri kusangana nawo iye zvino?—VaR. 8:25