PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI
Nei Tichifanira Kugutsikana Uye Kuva Nemwero?
Muprofita waMwari akaramba kupiwa zvipo naJerobhoamu (1Mad 13:7-10; w08 8/15 8 ¶4)
Muprofita waMwari haana kuzoteerera murayiro wakajeka waakapiwa naJehovha (1Mad 13:14-19; w08 8/15 11 ¶15)
Kusateerera kwakaita muprofita uyu kwakamuurayisa (1Mad 13:20-22; w08 8/15 9 ¶10)
Kana tikagutsikana uye tikafunga zvinodiwa naJehovha patinenge tichiita zvisarudzo, tichadzivisa matambudziko akawanda.—1Ti 6:8-10.
ZVIBVUNZE KUTI: ‘Ndingaratidza sei kuti ndinogutsikana nezvinhu zvinokosha zvandinoda kuti ndirarame? Ndingaratidza sei kuti ndine mwero pandinenge ndichiita zvisarudzo?’—Zvi 3:5; 11:2.