Erisha achiudza mushandi wake kuti: “Vari kwatiri vazhinji kupfuura vari kwavari.”—2Mad 6:16
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI
Vari Kwatiri Vazhinji Kupfuura Vari Kwavari
Erisha nemushandi wake vakakombwa nevavengi (2Mad 6:13, 14; lfb 126 ¶2)
Erisha akaramba akadzikama uye akabatsira mushandi wake kuti ave nekutenda kwakasimba (2Mad 6:15-17; w13 8/15 30 ¶2; ona mufananidzo uri pakavha)
Jehovha akaita chishamiso chekuponesa Erisha nemushandi wake (2Mad 6:18, 19; lfb 126-127 ¶3-4)
Vanhu vanotipikisa havana simba rinopfuura raJehovha. Jehovha anoshandisa ngirozi dzake dziri kudenga kudzivirira vanhu vake. Kudai taikwanisa kuona zviri kuitika kudenga, kuti Jehovha ari kushandisa sei ngirozi kudzivirira vanhu vake, unofunga kuti zvii zvataizoona?