PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI
“Simudza Mwanakomana Wako”
Mukadzi wekuShunemi aigamuchira Erisha zvakanaka (2Mad 4:8-10)
Jehovha akamukomborera nekumupa mwanakomana (2Mad 4:16, 17; w17.12 4 ¶7)
Mwana wemukadzi uyu paakafa, Jehovha akashandisa Erisha kumumutsa (2Mad 4:32-37; w17.12 5 ¶8)
Uri kurwadziwa nekufirwa kwawakaitwa nemwana here? Jehovha anoziva kurwadziwa kwauri kuita. Ava pedyo kumutsa mwana wako. (Job 14:14, 15) Ichange iri nguva inofadza chaizvo!