RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mwb23 September p. 13
  • Batsira Vanhu Vasingaiti Zvechitendero Kuti Vasvike Pakuziva Musiki Wavo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Batsira Vanhu Vasingaiti Zvechitendero Kuti Vasvike Pakuziva Musiki Wavo
  • Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2023
  • Mashoko Akafanana
  • Zvatingaita Kuti Tibatsire Vanhu Vasingaiti Zvechitendero
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2019
  • Iva Nyanzvi Pakushandisa Bhokisi reMaturusi Edu Ekudzidzisa
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2018
  • Kudzidzisa Chokwadi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2018
  • Ongorora Uchapupu Hwacho
    Mukai!—2021
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2023
mwb23 September p. 13
Hanzvadzi iri kuparidzira mukadzi wekuAsia.

KURARAMA KWECHIKRISTU

Batsira Vanhu Vasingaiti Zvechitendero Kuti Vasvike Pakuziva Musiki Wavo

Unombozeza here kuparidzira vanhu vasingaiti zvechitendero uchifunga kuti havambokuteereri? Kana uchimbofunga saizvozvo, yeuka kuti vanhu vakawanda vakanga vasingaiti zvechitendero, kusanganisira vaya vasingatendi kuti kuna Mwari, vakava Zvapupu zvaJehovha. Kakawanda kacho, chavaingoda kubatsirwa kuti vaongorore uchapupu hunoratidza kuti Mwari ariko.—VaR 1:20; 10:14.

ONA VHIDHIYO INONZI VANHU VASINA KUTENDA, VANOGONA KUPEDZISIRA VAVAWO NEKUTENDA!—VANHU VASINGAITI ZVECHITENDERO, WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:

Zvakaitika kuna Hama Tommaso zvinogona kukubatsira sei panyaya yekuparidzira vanhu vasingaiti zvechitendero?

Ungazviita sei?

Kana munhu akaratidza kuti haatendi kuti Mwari ariko, taura naye zvakanakanaka uchiratidza kuti uri kuda kunzwisisa maonero ake panyaya yacho. (2Ti 2:24) Taura naye nyaya dzaangangofarira. Anoda here kukurukura nezveuchapupu hwakaita kuti vakawanda vabvume kuti Musiki ariko? Kana achida, shandisa mabhuku nemavhidhiyo zvakabudiswa nesangano zvinotaura nyaya idzodzo.

Pakutanga, unogona kumbozeza kuparidzira munhu anoti haatendi kuti Mwari ariko. Wadii kukumbira muparidzi ane unyanzvi kuti akubatsire? Yeukawo kuti Jehovha anogona kutibatsira kuti tisvike mwoyo yevanhu vane chido chekuziva chokwadi kunyange kana pakutanga vaimbofunga kuti Mwari haako.—Mab 13:48.

Bhurocha rinonzi “Was Life Created?”
Bhurocha rinonzi “The Origin of Life—Five Questions Worth Asking.”
    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe