Unoyeuka Here?
Wakanyatsoverenga here magazini egore rino eNharireyomurindi? Ona kana uchikwanisa kupindura mibvunzo inotevera:
Tichakomborerwa sei kana tikawana nguva yekutaura naJehovha, kumuteerera uye kufunga nezvake?
Tichaita zvisarudzo zvakanaka, tichawedzera kuva vadzidzisi vane unyanzvi, kutenda kwedu kuchawedzera kusimba, uye kuda kwatinoita Jehovha kuchawedzera.—w22.01, mapeji 30-31.
Kuvimba naJehovha nevamiririri vake kunotibatsira sei?
Ino ndiyo nguva yekuti tidzidze kuvimba nenzira yaMwari yekuita zvinhu torega kusava nechokwadi nemirayiridzo yatinopiwa nevakuru uye zvisarudzo zvavanoita. Kana kutambudzika kukuru kwatanga, tinenge takagadzirira kuteerera kunyange tikapiwa mirayiridzo ingaita seisinganzwisisiki kana kuti seisina musoro.—w22.02, mapeji 4-6.
Ngirozi yairevei payakaudza Zekariya ‘nezvetambo yekururamisa mudhuri pakuvaka yainge yakabatwa naGavhuna Zerubhabheri’? (Zek. 4:8-10)
Chiratidzo ichi chakaita kuti vanhu vaMwari vave nechokwadi chekuti temberi yakanga ichivakwa yaizopera, uye kuti yaizenge yakaita sezvaidiwa naMwari.—w22.03, mapeji 16-17.
Tingava sei “muenzaniso . . . pakutaura”? (1 Tim. 4:12)
Tinotaura zvakanaka nevamwe tichivaremekedza muushumiri, kuimba nemwoyo wese, kugara tichipindura pamisangano, uye kutaura chokwadi tichivaka vamwe, tisingaiti makuhwa.—w22.04, mapeji 6-9.
Nei zvinhu zviri pazvikara zvina zvinotaurwa muna Dhanieri chitsauko 7 zvichiwanika pachikara chimwe chete chinotaurwa pana Zvakazarurwa 13:1, 2?
Chikara chemuna Zvakazarurwa 13 hachingomiririri hurumende imwe chete yakadai seyeRoma. Asi chinomiririra hurumende dzese dzatonga vanhu kusvika pari zvino.—w22.05, peji 9.
Ndeipi nzira inonyanya kukosha yatingaratidza nayo kuti tinovimba nematongero aMwari akarurama?
Kana mumwe munhu akatituka, akatigumbura, kana kuti akatitadzira, tinoedza kusaramba takatsamwa, tosiyira nyaya yacho kuna Jehovha. Achagadzirisa zvese zvakaipa zvakakonzerwa nechivi.—w22.06, mapeji 10-11.
Hama inenge ichinyengetera pamusangano weungano inofanira kuyeukei?
Munyengetero hausi wekutsiura kana kuti kudzidzisa ungano, uyewo hausi wekupa zviziviso. Hatifaniri kutaura “mashoko akawanda,” kunyanya pamunyengetero wekutanga. (Mat. 6:7)—w22.07, mapeji 24-25.
“Vaya vaiita zvakaipa vachamukira kutongwa” pakuti kudii? (Joh. 5:29)
Havazopiwi mutongo wakaipa zvichibva pane zvavaiita vasati vafa. Vachaongororwa maererano nemafungiro uye maitiro avo pashure pekunge vamutswa.—w22.09, peji 18.
Pagungano rakaitwa muna September 1922, J. F. Rutherford akakurudzira vanhu kuitei?
Pagungano rakaitwa muCedar Point, Ohio, U.S.A., akazivisa kuti: “Mambo ari kutonga! Mune basa rekuudza vamwe mashoko aya. Saka zivisai, zivisai, zivisai, Mambo neUmambo hwake!”—w22.10, mapeji 3-5.
Isaya chitsauko 30 inotaura nezvenzira dzipi nhatu dzinoshandiswa naMwari pakutibatsira kutsungirira?
Chitsauko ichi chinoratidza kuti (1) anoteerera uye anopindura minyengetero yedu, (2) anotitungamirira, uye (3) anotikomborera iye zvino uye achatikomborera mune ramangwana.—w22.11, peji 9.
Nei tingati mashoko ari pana Pisarema 37:10, 11, 29 akazadzika kare uye achazadzika mune ramangwana?
Mashoko aDhavhidhi anonyatsotsanangura mamiriro ezvinhu akanaka aivapo muIsraeri, akadai seaivapo paitonga Soromoni. Jesu akataura nezveparadhiso ichavapo mune ramangwana uye akataura mashoko ari muvhesi 11. (Mat. 5:5; Ruka 23:43)—w22.12, mapeji 8-10, 14.