RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w23 July p. 31
  • Waizviziva Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Waizviziva Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2023
  • Mashoko Akafanana
  • Kutenda Kwavo Kwakabuda Muchoto
    Fungisisa Uprofita hwaDhanieri!
  • Bhaibheri Rinotii nezvaDhanieri?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Kuwadzanyura Chakavanzika Chomuti Mukuru
    Fungisisa Uprofita hwaDhanieri!
  • Havazati Vaizopfugamira
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2023
w23 July p. 31

Waizviziva Here?

Zvidhinha zvakawanikwa mumatongo eBhabhironi uye nzira dzaishandiswa pakugadzira zvidhinha zvacho zvinoratidza sei kuti zvinotaurwa neBhaibheri ndezvechokwadi?

VANOCHERA matongo vakawana zvidhinha zvakawanda muBhabhironi zvainge zvakashandiswa pakuvaka guta racho. Maererano nenyanzvi yekuchera matongo Robert Koldewey, zvidhinha zvakadaro zvaigadzirirwa mumaovheni aiva “kunze kweguta uko kwaiva neivhu rakanaka uye huni dzakawanda.”

Zvinyorwa zvekare zvinoratidza kuti vakuru vehurumende yeBhabhironi vaishandisawo maovheni avo kuita zvinhu zvakaipa chaizvo. Paul-Alain Beaulieu, nyanzvi yekuongorora nhoroondo nemutauro wevaAsiriya paUniversity of Toronto anotaura kuti ‘zvimwe zvinyorwa zvekuBhabhironi zvinoratidza kuti mambo airayira kuti vaya vaisamuteerera kana kuti vaisaremekedza zvinhu zvitsvene vaifanira kukandwa muchoto votsvira imomo.’ Semuenzaniso, chimwe chinyorwa chemumazuva aMambo Nebhukadhinezari chine mashoko anoti: “Vaparadzei, vapisei, vagochei pachoto chemubiki . . . itai kuti utsi hwavo hukwire, vaparadzei nerimi rinotyisa.”

Izvi zvinoyeuchidza vaverengi veBhaibheri nezvezviitiko zviri muna Dhanieri chitsauko 3. Muchitsauko ichocho, tinoverenga kuti Mambo Nebhukadhinezari akamisa chifananidzo chikuru chegoridhe mubani reDhura, kunze kweguta reBhabhironi. Varume vechidiki vatatu vechiHebheru vanoti Shadreki, Misheki, naAbhedhinego pavakaramba kukotamira chifananidzo chacho, Nebhukadhinezari akatsamwa chaizvo akarayira kuti moto ukuchidzirwe kuti upise “zvakapetwa kanomwe kupfuura zvawaisiita” uye akaita kuti varume ivavo vatatu ‘vakandwe muchoto chemoto unopisa kwazvo.’ Ngirozi ine simba yakaponesa varume ava.—Dhan. 3:1-6, 19-28.

© The Trustees of the British Museum. Licensed under CC BY-NC-SA 4.0. Source

Chidhinha chakanyorwa zita raNebhukadhinezari

Zvidhinha zvakawanikwa muBhabhironi zvinoratidzawo kuti Bhaibheri rinotaura chokwadi. Pazvidhinha izvi pane zvakawanda zvine mashoko ekurumbidza mambo. Mamwe mashoko acho anoti: “Nebhukadhinezari, Mambo weBhabhironi . . Muzinda wandakavaka, ini Mambo Mukuru . . . Vana vangu ngavatonge mauri nekusingaperi.” Mashoko aya akada kufanana neakanyorwa pana Dhanieri 4:30, apo Nebhukadhinezari aizvikudza achiti: “Iri harisi Bhabhironi Guru randakavaka nesimba rangu neukuru hwangu kuti rive muzinda weumambo uye kuti ndiratidze ukuru hwangu nesimba rangu here?”

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe