Kusagadzikana Mune Zvematongerwo Enyika Kuri Kuzadzisa Uprofita hweBhaibheri
Mazuva ano, vanhu vane maonero akasiyana-siyana panyaya dzezvematongerwo enyika. Havabvumirani pamitemo inenge yaiswa inobata-bata upenyu hwavo, uye vanotoita zvekurwisa kuti varatidze kuti havasi kubvumirana nayo. Muhurumende, vezvemitemo nevamwe vakuru vakuru vanowanzopikisana uye panenge pasina anoda kubvuma maonero evamwe. Kusawirirana ikoko ndiko kunozoita kuti pave nekusagadzikana mune zvematongerwo enyika, zvotadzisa hurumende kuita basa rainofanira kuita.
Asi tiri kuda kunyanya kutaura nezvekusagadzikana mune zvematongerwo enyika kuri muUnited States neBritain (iyo inonziwo United Kingdom). Nei zvichikosha kuti titaure nezvazvo? Nekuti Bhaibheri rakagara rataura kuti kusagadzikana ikoko kwaizoitika munyika mbiri idzi uye kuti panguva iyoyo, hurumende yaMwari yekudenga yaizochinja zvinhu panyika.
Kusagadzikana mune zvematongerwo enyika “mumazuva ekupedzisira”
Bhaibheri rine uprofita hunoshamisa hwakanyorwa mubhuku raDhanieri. Muuprofita ihwohwo, Mwari akataura zvinhu “zvichaitika mumazuva ekupedzisira.” Pakanyorwa uprofita hwacho, mazuva iwayo akanga achiri kumberi, uye paaizosvika, paizoitika zvinhu zvakawanda zvinobata-bata upenyu hwevanhu.—Dhanieri 2:28.
Mwari akaita kuti mambo weBhabhironi arote hope. Hope idzodzo ndidzo uprofita hwakazonyorwa muBhaibheri. Muhope idzodzo mambo akaona chifananidzo chakakura chaizvo chakagadzirwa nesimbi dzakasiyana-siyana. Muprofita Dhanieri akazotsanangura kuti chifananidzo chakanga charotwa namambo chaifananidzira nyika dzakasiyana-siyana dzaizova nesimba. Nyika dzacho dzaizotsiviwa nedzimwe dzaizova nesimba kudzipfuura.a Chifananidzo ichi chaizoparadzwa pashure pekunge charohwa nedombo, iro rinofananidzira Umambo, kana kuti hurumende yakagadzwa naMwari.—Dhanieri 2:36-45.
Uprofita ihwohwo hwakataura kuti Umambo hwaMwari hwaizotsiva hurumende dzese dzevanhu. Umambo ihwohwo ndihwo hwaitaurwa naJesu paakadzidzisa vateveri vake kuti vahunyengeterere paakati: “Umambo hwenyu ngahuuye.”—Mateu 6:10.
Asi ndepapi pari kutaurwa nezvekusagadzikana mune zvematongerwo enyika muuprofita hwacho? Cherechedza kuti tsoka dzechifananidzo chacho “dzaiti pamwe isimbi uye pamwe ivhu.” (Dhanieri 2:33) Kubva kumusoro kusvika kumakumbo echifananidzo chacho, hapana simbi yainge yakasanganiswa nezvimwe zvinhu. Asi tsoka ndidzo chete dzaiva nemusanganiswa wesimbi nevhu, zvichiratidza kuti paizova neumambo hwaizova hwakasiyana nehumwe hwese. Hwaizosiyana pakudii? Uprofita hwacho hunoti:
Uprofita uhwu huri kuratidza kuti paizova nekusagadzikana kwezvematongerwo enyika muumambo huri kufananidzirwa netsoka dzechifananidzo. Vanhu vanotongwa neumambo hwacho vaizoita zvinhu zvinoita kuti umambo hwacho husava nesimba.
Kuzadziswa kweuprofita hwaDhanieri mazuva ano
Tsoka dzechifananidzo dzinomiririra umambo kana kuti hurumende dzine simba kupfuura dzimwe dzese panyika mazuva ano. Umambo ihwohwo mubatanidzwa weUnited States neBritain. Chii chinoita kuti tidaro?
Tsoka dzechifananidzo chacho dzaiti “apa isimbi uye pamwe pacho ivhu,” uye izvi zvaiita kuti tsoka dzacho dzinge dzisina kusimba. (Dhanieri 2:42) Mazuva ano, simba rine United States neBritain riri kuderera zvichikonzerwa nevanhu vanotongwa nehurumende dzacho. Semuenzaniso, munyika dzacho dziri mbiri, munenge muine mapoka anenge achipikisana. Uyewo vanhu vanenge vachiratidzira vachirwira kodzero dzavo. Vamiririri vavo vavanenge vakasarudza vanowanzotadza kubvumirana panyaya dzakasiyana-siyana. Saka dzimwe nguva hurumende idzi dzinogona kutadza kuita zvadzinenge dzakaronga nemhaka yekusabatana kwevanhu vadzinotonga.
Zviri kuitika muhurumende zvakagara zvataurwa muna Dhanieri chitsauko 2
Ona kuti zvimwe zvinotaurwa muuprofita hwaDhanieri zvinorevei uye kuti zviri kuzadziswa sei mazuva ano:
Uprofita: “Umambo hwacho huchange husina kubatana, asi huchange huine pamwe pahwakaoma sesimbi.”—Dhanieri 2:41.
Zvahunoreva: Kunyange zvazvo hurumende yeUnited States neyeBritain dzichimbokanganiswa nekusabatana kwevanhu vavanotonga, dzese dziri mbiri dzine mauto akasimba. Izvi ndizvo zvinoita kuti dzive nesimba rakaita sesimbi, iro rinoita kuti vakwanise kutonga dzimwe nyika pasi rese.
Kuzadziswa kwahwo
Muna 2023, mari yakashandiswa neUnited States neUnited Kingdom pane zvehondo yainge yakawanda kupfuura yakashandiswa nedzimwe nyika 12 dzinonyanya kuita zvehondo dzabatanidzwa pamwe chete.—Stockholm International Peace Research Institute.
“Mubatanidzwa weUK neUS mune zvechiuto . . . wawedzera kusimba kupfuura mubatanidzwa wedzimwe nyika chero dzipi zvadzo pakushandisa ruzivo rwekugadzirwa kwezvinhu. . . . Tinoshanda pamwe chete, tinotsigirana, tinorwisa pamwe chete.”—Strategic Command, U.K. Ministry of Defence, April 2024.
Uprofita: “Zvigunwe zvetsoka zvazvaiti apa isimbi uye pamwe pacho ivhu, umambo hwacho huchava nepamwe pakasimba nepamwe pasina kusimba.”—Dhanieri 2:42.
Zvahunoreva: Kunyange zvazvo hurumende dzeUnited States neBritain dzakasimba panyaya dzehondo, hadzikwanisi kuita zvese zvadzinoda nemhaka yekuti ndedzegutsaruzhinji. Kana vanhu vakawanda vakasatsigira zvadzinenge dzichida kuita, dzinogona kutotadza kuzviita.
Kuzadziswa kwahwo
‘Dzimwe nyanzvi dzezvematongerwo enyika dzinoti kusabatana kuri muhurumende yeAmerica kunoita kuti zviiomere kuita zvainoudza nyika dzese kuti inokwanisa kuita, semuenzaniso panyaya dzekuchengeteka uye dzezvekutengeserana.’—“The Wall Street Journal.”
‘KuBritain, vanoita zvematongerwo enyika vakavhiringidzwa chaizvo nekusagadzikana mune zvematongerwo enyika kwavanga vasati vamboona. Izvi zvakabva zvatadzisa vashandi vese vehurumende kuti vaite mabasa avo anobatsira veruzhinji.’—Institute for Government.
Uprofita: “Zvikamu zveumambo hwacho zvichange zvakasangana nevanhu; asi hazvizobatani.”—Dhanieri 2:43.
Zvahunoreva: Muhurumende dzegutsaruzhinji, vaya vasingaiti zvematongerwo enyika vanewo masimba pane zvinoitwa nehurumende, asi hapana anonyatsogutswa nazvo.
Kuzadziswa kwahwo
“Mazuva ano, vanhu vakawanda vekuAmerica havachafariri zvematongerwo enyika uye havacharemekedzi vanozviita.”—Pew Research Center.
“Vanhu vekuBritain havachavimbi nehurumende nevanhu vanoita zvematongerwo enyika uye izvi zvatowedzera kudarika zvavaiita makore 50 adarika.”—“National Centre for Social Research.”
Uprofita hwaDhanieri huchazadziswa sei mune ramangwana?
Uprofita huri muna Dhanieri hunoratidza kuti mubatanidzwa weUnited States neBritain ndiwo unenge uine simba pasi rese, Umambo hwaMwari pahuchabvisa hurumende dzese dzevanhu.—Dhanieri 2:44.
Uprofita hwakafanana neuhwu huri mubhuku raZvakazarurwa hunoratidza kuti “madzimambo enyika yese” achaungana kuti arwisane naJehovhab Mwari pahondo yeAmagedhoni, “hondo yezuva guru raMwari Wemasimbaose.” (Zvakazarurwa 16:14, 16; 19:19-21) Muhondo iyi, Jehovha achaparadza hurumende dzese dzevanhu. Saka panenge pasisina utongi hwese hwevanhu hunomiririrwa nechifananidzo chinotaurwa muuprofita hwaDhanieri.
Kuti udzidze zvakawanda ona nyaya yakanzi “Chii Chinonzi Hondo yeAmagedhoni?”
Batsirwa neuprofita hwaDhanieri
Zvakataurwa neBhaibheri nezvekusagadzikana mune zvematongerwo enyika kuUnited States neBritain ndozviri kuitika, uye kudzidza nezvazvo kunokubatsira kuti uve nemaonero matsva paunoona zviri kuitika munyika mazuva ano.
Uchanzwisisa kuti nei Jesu akataura kuti vateveri vake vasapindira mune zvematongerwo enyika. (Johani 17:16) Uye uchanzwisisawo kuti nei Jesu, uyo akasarudzwa naMwari kuti ave mutongi muUmambo hwake, akati: “Umambo hwangu hahusi hwenyika ino.”—Johani 18:36.
Uchava nechivimbo chekuti nguva yava kusvika yekuti Umambo hwaMwari huchinje zvinhu zvese panyika uye tiwane makomborero atakavimbiswa naMwari.—Zvakazarurwa 21:3, 4.
Uchava nechokwadi chekuti ramangwana rinenge rakanaka, usingachatyi kuti kunetsana kunoitika munyika dzakasiyana-siyana kuchaita kuti pasi rino riparare.—Pisarema 37:11, 29.
Uprofita hwaDhanieri hunoratidza kuti mubatanidzwa weUnited States neBritain, uyo unomiririrwa netsoka dzechifananidzo, ndiwo uchange uri utongi hwevanhu hwekupedzisira kuva nesimba panyika. Kana husisipo panenge pava neUmambo hwaMwari, hurumende yakazonaka chaizvo inotonga iri kudenga!
Kuti unzwe kuti zvii zvimwe zvichaitirwa vanhu neUmambo hwaMwari, ona vhidhiyo inonzi Umambo hwaMwari Chii?
a Ona bhokisi rakanzi “Inyika Dzipi Dzakataurwa Muuprofita hwaDhanieri?”
b Jehovha ndiro zita raMwari. (Pisarema 83:18) Ona nyaya yakanzi “Jehovha Ndiani?”