RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w23 November p. 31
  • Hulda Akazadzisa Chinangwa Chake

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Hulda Akazadzisa Chinangwa Chake
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2023
  • Mashoko Akafanana
  • Risiti Yomunyakwe Inotsigira Nhoroondo yeBhaibheri
    Mukai!—2009
  • Raibhurari Inokwana Muruoko
    Mashandisirwo Ari Kuitwa Mari Yenyu Yezvipo
  • Kuzivisa Umambo hwaMwari muZvitsuwa zveFiji
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
  • “Handisati Ndambodiwa Zvakadai”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2023
w23 November p. 31

Hulda Akazadzisa Chinangwa Chake

PACHITSUWA chidiki cheSangir Besar chiri kuIndonesia, panogara hanzvadzi dzedu nhatu. Makore adarika vaishanda pamwe chete pamahombekombe egungwa. Vanozivikanwa chaizvo pachitsuwa ichi nekuparidza kwavanoita vachibatsira vanhu kuti vanzwisise Bhaibheri. Asi panguva iyoyo vaiita rimwe basa risiri rekuparidza.

Mepu yeIndonesia nenyika dzakaipoteredza. Mufananidzo uri mukabhokisi uri kuratidza chitsuwa cheSangir Besar.

Chitsuwa cheSangir Besar chiri kuchamhembe kweIndonesia

Vaitanga nekupinda mugungwa, votakura matombo anorema vachidzoka nawo kumahombekombe. Mamwe ematombo acho ainge akakura sebhora renhabvu. Vakadzi vacho vaizogara pazvigaro zvakagadzirwa nemiti, vopwanya matombo acho nesando kusvikira aita madiki semazai ehuku. Vaibva vatakura matombo iwayo madiki ari mumabhaketi, vokwidza nawo masitepisi vachienda kwavanogara. Vaibva vazoisa matombo iwayo mumasaga mahombe ayo aizotakurwa nemota uye aizoshandiswa pakugadzira mugwagwa.

Hulda, achiunganidza matombo pamahombekombe

Mumwe wehanzvadzi idzi ndiHulda. Ndiye aiita nguva yakawanda kupfuura vamwe achiita basa iri. Aiwanzoshandisa mari yese yaaiwana kuti ariritire mhuri yake. Asi iye zvino akanga ava kushanda aine chimwezve chinangwa. Aida kutenga tablet kuitira kuti ave neJW Library. Hulda aiziva kuti mavhidhiyo uye zvimwe zvinhu zviri paJW Library zvaizomubatsira muushumiri uye kuti anzwisise Bhaibheri.

Hulda akazowedzera kushanda kwemaawa maviri mangwanani ega ega kwemwedzi nehafu achipwanya matombo anozadza karori kadiki. Mari yake yekutenga tablet yakazokwana.

Hulda aine tablet rake

Hulda anoti, “Kunyange zvazvo ndainge ndaparara nekuneta uye kurwadziwa nekupwanya matombo, ndakakurumidza kuzvikanganwa zvese izvozvo pandakanga ndava kushandisa tablet iri idzva kuti ndiwedzere unyanzvi hwangu muushumiri, uye pakugadzirira misangano yechiKristu zviri nyore.” Hulda akatiwo tablet iri rakamubatsira pakatanga chirwere cheCOVID-19, sezvo zvinhu zvakawanda zvine chekuita nekunamata zvakanga zvava kuitirwa mumafoni. Tinofara chaizvo kuti Hulda akakwanisa kuzadzisa chinangwa chake.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe