RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w24 January p. 32
  • Zvatingaita Pakudzidza Tiri Tega Uye paKunamata Kwemhuri

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvatingaita Pakudzidza Tiri Tega Uye paKunamata Kwemhuri
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2024
  • Mashoko Akafanana
  • Rubatsiro Kumhuri
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2011
  • Zvimwe Zvamungaita Pakunamata Kwemhuri Uye Pakudzidza Muri Moga
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Tingaita Sei Kuti Kunamata Kwedu Kufadze Mwari?
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Mhuri, Rumbidzai Mwari Senhengo Dzeungano Yake
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2024
w24 January p. 32

ZVAUNGAITA PAKUDZIDZA

Zvatingaita Pakudzidza Tiri Tega Uye paKunamata Kwemhuri

Tinonamata Jehovha patinoungana pamwe chete nevamwe pamisangano yedu, pamagungano, uyewo semunhu ega kana kuti semhuri. Izvi ndezvimwe zvaungadzidza uri wega kana pakunamata kwemhuri:

  • Gadzirirai misangano yeungano. Munogonawo kudzidzira kuimba nziyo uye kubatsira wese ari mumhuri pakugadzirira mhinduro.

  • Verengai nyaya yemuBhaibheri. Chibvai madhirowa mapikicha ezvinhu zvamaverenga munyaya yacho kana kunyora pasi chimwe chinhu chamadzidza.

  • Ongororai munyengetero uri muBhaibheri uye kurukurai kuti ungakubatsirai sei kuvandudza minyengetero yenyu.

  • Onai vhidhiyo iri pajw.org mokurukura zvamaona nevamwe kana kuti nyorai pasi zvidzidzo zvamaona pavhidhiyo yacho.

  • Gadzirirai ushumiri, zvimwe muchiita zvekudzidzira zvamuchazotaura kuna saimba.

  • Ongororai zvinhu zvakasikwa uye fungisisai kana kuti kurukurai kuti zvinokudzidzisei nezvaJehovha.a

a Ona nyaya inoti “Dzidza Zvakawanda nezvaJehovha Kubva Pazvinhu Zvaakasika” iri muNharireyomurindi yaMarch 2023.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe