RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • wp25 nha. 1 p. 3
  • Zvinhu Zvinotyisa Zvinoitika Muhondo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvinhu Zvinotyisa Zvinoitika Muhondo
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2025
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • MASOJA
  • VANHU VANENGE VARI MUNZVIMBO IRI KURWIWA HONDO
  • Ungaramba Sei Wakadzikama Pasinei Nehondo Uye Kurwisana Kuri Kuitika?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2025
  • Tava Mugore Rechipiri Hondo yekuUkraine Yatanga—Bhaibheri Rinomboti Kudii?
    Dzimwe Nyaya
  • Kunze Kwemari Yakawanda Yakashandiswa, Ndeapi Mamwe Matambudziko Akonzerwa Nehondo?
    Dzimwe Nyaya
  • Hondo Uye Kurwisana Zvinotikanganisa Sei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2025
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2025
wp25 nha. 1 p. 3
Mapikicha: 1. Pikicha yakaita zvekubvarurwa iri kuratidza chiso chemusoja. 2. Pikicha yakaita zvekubvarurwa iri kuratidza chiso chemumwe mukadzi.

Zvinhu Zvinotyisa Zvinoitika Muhondo

Hondo ndicho chimwe chezvinhu zvinokonzera marwadzo akanyanya kuvanhu. Masoja nevanhu vanenge vari munzvimbo iri kurwiwa hondo vanonyatsoziva kurwadza kwainoita.

MASOJA

“Unoramba uchiona vanhu vachiurayiwa, uye vachikuvara zvakaipisisa. Unenge uchingotyawo kuti chii chichaitika kwauri.”—Gary, Britain.

“Ndakarohwa nemabara kumusana nekumeso, uye ndakaona vanhu vakawanda vachifa kusanganisira vana uye vakwegura. Hondo inoita kuti munhu aome mwoyo.”—Wilmar, Colombia.

“Kana munhu akapfurwa pamberi pako, hazvibvi mupfungwa. Unoramba uchiita sekuti uri kumunzwa achiridza mhere. Haumbofi wakakanganwa munhu iyeye.”—Zafirah, United States.

VANHU VANENGE VARI MUNZVIMBO IRI KURWIWA HONDO

“Ndainzwa sekuti handizombofari zvakare. Unenge uchityira upenyu hwako, asi unenge uchitonyanya kutyira upenyu hwevanhu vemumhuri mako uye shamwari dzako.”—Oleksandra, Ukraine.

“Taitya nekuti taifanira kumira pamutsetse wezvekudya kubva na2 dzemangwanani kusvika na11 dzeusiku. Taityawo nekuti waigona kungorohwa nebara rainge rangokunanga richibva kumasoja aiva pedyo airwisana.”—Daler, Tajikistan.

“Hondo yakandisiya ndisisina vabereki. Ndakabva ndava nherera isina anonyaradza kana kuchengeta.”—Marie, Rwanda.

Kunyange zvazvo vanhu ava vakasangana nematambudziko anokonzerwa nehondo, vakawana rugare. Uye chinotonyanya kukosha ndechekuti vese vava nechokwadi chekuti hondo uye kurwisana zvava pedyo kupera. Mumagazini ino yeNharireyomurindi, Bhaibheri richatibatsira kuona kuti izvozvo zvichaitika sei.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe