Ungaramba Sei Wakadzikama Pasinei Nehondo Uye Kurwisana Kuri Kuitika?
Gary, uyo aimbova muchiuto anoti, “Ndisati ndatanga kudzidza Bhaibheri, ndaisaziva kuti nei munyika makazara utsinye, kusabatwa zvakanaka, uye matambudziko. Asi iye zvino handichanetseki nazvo. Ndinoziva kuti Jehovha Mwari achaita kuti zvinhu zvinake panyika.”
Gary haasi ega ava kunzwa saizvozvo. Ona kuti Bhaibheri riri kubatsira sei vamwe.
BHAIBHERI RINOTI: “Makanaka uye makagadzirira kukanganwira, haiwa Jehovha.”—Pisarema 86:5.
ZVARINOTAURA ZVIRI KUBATSIRA SEI VAMWE? “Vhesi iyi inoita kuti ndive nechokwadi chekuti Jehovha ane tsitsi. Ndinoziva kuti anoda kundiregerera pane zvese zvandakaita muhondo.”—Wilmar, Colombia.
BHAIBHERI RINOTI: “Ndiri kusika matenga matsva nenyika itsva; uye zvinhu zvekare hazvizouyi mupfungwa, uyewo hazvizouyi mumwoyo.”—Isaya 65:17.
ZVARINOTAURA ZVIRI KUBATSIRA SEI VAMWE? “Zvandakaona zvichiitika muhondo zvinoita kuti ndigare ndichitya uye ndine chirwere chedepression. Asi vhesi iyi inondiyeuchidza kuti munguva pfupi iri kuuya, Jehovha achaita kuti ndisazomboyeukazve zvinhu zvese zvakaitika muhondo. Hazvizombodzoki zvakare mupfungwa nemumwoyo mangu. Ndamirira nguva iyoyo!”—Zafirah, United States.
BHAIBHERI RINOTI: “Mumazuva ake, vakarurama vachabudirira, uye rugare ruchawanda kusvikira mwedzi usisipo.”—Pisarema 72:7.
ZVARINOTAURA ZVIRI KUBATSIRA SEI VAMWE? “Ndinogara ndichifunga mashoko iwayo. Munguva pfupi iri kuuya, hondo uye zvinhu zvese zvinotyisa zvinokonzerwa nayo zvichange zvisisipo, uye tinenge tisingachatyiri upenyu hwehama neshamwari dzedu.”—Oleksandra, Ukraine.
BHAIBHERI RINOTI: “Vakafa venyu vachararama. . . . Mukai mupembere nemufaro, imi vagari vemuguruva!”—Isaya 26:19.
ZVARINOTAURA ZVIRI KUBATSIRA SEI VAMWE? “Anenge munhu wese wemumhuri medu akaurayiwa paiurayiwa rudzi rwevaTutsi. Asi vhesi iyi inoita kuti ndive nechokwadi chekuti ndichavaonazve. Ndinotarisira kuzovanzwa vachifara pavachamutswa!”—Marie, Rwanda.
BHAIBHERI RINOTI: “Kwangosara nguva diki, uye vakaipa havazovipozve . . . Asi vanyoro vachagara nhaka yenyika, uye vachafara zvikuru vaine rugare rwakawanda.”—Pisarema 37:10, 11.
ZVARINOTAURA ZVIRI KUBATSIRA SEI VAMWE? “Kunyange zvazvo hondo yapera, vanhu vakaipa vachiripo uye kune vamwe vasiri kubatwa zvakanaka. Mavhesi aya anondibatsira chaizvo. Jehovha anoona zvese uye anondinzwisisa. Anovimbisa kuti munguva pfupi iri kuuya, kutambura kwese uku kuchange kusisiko uye hakuzouyi mupfungwa.”—Daler, Tajikistan.
Vanhu vataurwa mumagazini ino vari pakati pemamiriyoni eZvapupu zvaJehovha akabatsirwa neBhaibheri kuti awane rugare. Vakadzidza kuti vasadade nenyika yavo, rudzi rwavo, dzinza ravo, uye kuti vasavenga vamwe. (VaEfeso 4:31, 32) Zvapupu zvaJehovha hazvina divi razvinotsigira mune zvematongerwo enyika uye hazvibatanidzwi mumhirizhonga dzinoitwa munyika.—Johani 18:36.
Pasi rese, Zvapupu zvaJehovha zvinobatsirana. (Johani 13:35) Semuenzaniso, Oleksandra ambotaurwa aitofanira kutiza hondo achienda kune imwe nyika nasisi vake. Anoti: “Patakayambuka bhodha takabva tangoona Zvapupu zvemunyika yacho zvakatimirira kuti zvititambire. Kutigamuchira kwavakaita kwakaita kuti zvitiitire nyore kugara munyika iyi sevapoteri.”
Tinokukoka kuti ubatane nesu pamisangano yatinoita patinodzidza nezvemashoko anozorodza ari muBhaibheri uye kuti tingashandisa sei zvatinenge tichidzidza muupenyu hwedu. Kuti uzive nzvimbo iri pedyo newe, enda pawebsite yedu inonzi jw.org kana kuti shandisa website iyi kukumbira kuita kosi yeBhaibheri nemumwe weZvapupu zvaJehovha pasina mari yaunobhadhara, muchishandisa bhuku rinonzi Rarama Nekusingaperi Uchifara!