Nei Hondo Uye Kurwisana Zvisiri Kupera?
Bhaibheri rinotaura kuti ndezvipi zviri kukonzera hondo uye kuti nei dzisiri kupera.
CHIVI
Mwari akasika vabereki vedu vekutanga, Adhamu naEvha nemufananidzo wake. (Genesisi 1:27) Izvi zvaireva kuti vaikwanisa kutevedzera Mwari pazvinhu zvakadai sekuva nerugare uye rudo. (1 VaKorinde 14:33; 1 Johani 4:8) Asi Adhamu naEvha vakaita chivi pavasina kuteerera Mwari. Ndokusaka tese tiine chivi uye tichifa. (VaRoma 5:12) Chivi ichocho chatinoberekwa tiinacho chinoita kuti tive nemafungiro akaipa uye tide zvekurwisana.—Genesisi 6:5; Mako 7:21, 22.
HURUMENDE DZEVANHU
Mwari haana kutisikira kuti tizvitonge. Bhaibheri rinoti: “Hazvisi kumunhu ari kufamba kuti aruramise nhanho dzake.” (Jeremiya 10:23) Ndokusaka hurumende dzevanhu dzisingakwanisi kupedza hondo uye kurwisana.
SATANI NEMADHIMONI AKE
Bhaibheri rinoti “nyika yese iri musimba reakaipa.” (1 Johani 5:19) “Akaipa” wacho anonzi Satani Dhiyabhorosi, uye anofarira zvekuuraya vanhu. (Johani 8:44) Iye nengirozi dzakaipa dzinonzi madhimoni ndivo vari kukonzera hondo uye kurwisana.—Zvakazarurwa 12:9, 12.
Hatikwanisi kubvisa zvinhu zviri kukonzera hondo uye kurwisana, asi Mwari anozvigona.