RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • wp25 nha. 1 p. 9
  • Nei Hondo Uye Kurwisana Zvisiri Kupera?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nei Hondo Uye Kurwisana Zvisiri Kupera?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2025
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • CHIVI
  • HURUMENDE DZEVANHU
  • SATANI NEMADHIMONI AKE
  • Hondo Uye Kurwisana Zvichapera Sei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2025
  • Mwari Akasika Vanhu Aine Chinangwa Chei?
    Bhaibheri Rinotidzidzisei?
  • Chivi Chekutanga Chaiva Chii?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Hondo Uye Kurwisana Zvinotikanganisa Sei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2025
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2025
wp25 nha. 1 p. 9

Nei Hondo Uye Kurwisana Zvisiri Kupera?

Bhaibheri rinotaura kuti ndezvipi zviri kukonzera hondo uye kuti nei dzisiri kupera.

CHIVI

Mwari akasika vabereki vedu vekutanga, Adhamu naEvha nemufananidzo wake. (Genesisi 1:27) Izvi zvaireva kuti vaikwanisa kutevedzera Mwari pazvinhu zvakadai sekuva nerugare uye rudo. (1 VaKorinde 14:33; 1 Johani 4:8) Asi Adhamu naEvha vakaita chivi pavasina kuteerera Mwari. Ndokusaka tese tiine chivi uye tichifa. (VaRoma 5:12) Chivi ichocho chatinoberekwa tiinacho chinoita kuti tive nemafungiro akaipa uye tide zvekurwisana.—Genesisi 6:5; Mako 7:​21, 22.

HURUMENDE DZEVANHU

Mwari haana kutisikira kuti tizvitonge. Bhaibheri rinoti: “Hazvisi kumunhu ari kufamba kuti aruramise nhanho dzake.” (Jeremiya 10:23) Ndokusaka hurumende dzevanhu dzisingakwanisi kupedza hondo uye kurwisana.

SATANI NEMADHIMONI AKE

Bhaibheri rinoti “nyika yese iri musimba reakaipa.” (1 Johani 5:19) “Akaipa” wacho anonzi Satani Dhiyabhorosi, uye anofarira zvekuuraya vanhu. (Johani 8:44) Iye nengirozi dzakaipa dzinonzi madhimoni ndivo vari kukonzera hondo uye kurwisana.—Zvakazarurwa 12:​9, 12.

Hatikwanisi kubvisa zvinhu zviri kukonzera hondo uye kurwisana, asi Mwari anozvigona.

Zviri Kuitwa Nezvitendero Panyaya Dzehondo

Zvimwe zvitendero zvinowanzotaura kuti hondo hadzina kuipa uye zvinototsigira hondo idzodzo. Zvitendero izvi ndezvenhema uye zvinonzi neBhaibheri “Bhabhironi Guru.” (Zvakazarurwa 18:2) Mwari anoti Bhabhironi Guru ndiro rine mhosva yekukonzera kufa kwevaya “vese vakaurayiwa panyika.” (Zvakazarurwa 18:24) Kuti unzwe zvakawanda, verenga nyaya yakanzi “Chii Chinonzi Bhabhironi Guru?” iri pawebsite yedu inonzi jw.org.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe