NYAYA YEKUDZIDZA 20
RWIYO 7 Jehovha, Simba Redu
Jehovha Anokunyaradza
‘Ngavarumbidzwe Baba vengoni huru uye Mwari wekunyaradza kwese.’—2 VAK. 1:3.
ZVATICHADZIDZA
Tichadzidza kuti Jehovha akanyaradza sei vaJudha vaiva muutapwa.
1. Rondedzera zvaiitika kuvaJudha vaiva muutapwa.
FUNGIDZIRA kuti vaJudha vaiva muutapwa muBhabhironi vainzwa sei. Vakanga vaona nyika yavo ichiparadzwa. Vakanga vatorwa kunyika kwavo ndokuendeswa kune imwe nyika pamusana pezvivi zvavo uye zvemadzitateguru avo. (2 Mak. 36:15, 16, 20, 21) Ichokwadi kuti vaJudha vaiva muBhabhironi vaiva nerusununguko rwekuita zvavaida muupenyu. (Jer. 29:4-7) Asi upenyu hwacho hwakanga husiri nyore uye hwaisava upenyu hwavaizosarudza. Vainzwa sei nezvaiitika kwavari? Ona zvakataurwa nemumwe wavo uyo akati: “Pedyo nenzizi dzeBhabhironi, ndipo patakagara pasi. Takachema patakayeuka Ziyoni.” (Pis. 137:1) VaJudha vainge vakaora mwoyo vaida kunyaradzwa, asi vaizonyaradzwa naani?
2-3. (a) Jehovha akaitirei vaJudha vaiva muutapwa? (b) Tichakurukurei munyaya ino?
2 Jehovha ndiye “Mwari wekunyaradza kwese.” (2 VaK. 1:3) Sezvo ari Mwari ane rudo, anoda kunyaradza vese vanoswedera pedyo naye. Jehovha aiziva kuti vamwe vaiva muutapwa vaizogamuchira chirango chake vodzoka kwaari. (Isa. 59:20) Saka Jehovha akapa Isaya mashoko aizobatsira vaJudha ivavo pachiine makore anopfuura 100 vasati vaendeswa kuBhabhironi. Mashoko acho ari mubhuku raIsaya. Chinangwa chaakanyorerwa ndechei? Isaya anoti: “‘Nyaradzai, nyaradzai vanhu vangu,’ anodaro Mwari wenyu.” (Isa. 40:1) Achishandisa zvakanyorwa nemuprofita wacho, Jehovha akapa nyaradzo yaizodiwa nevaJudha vaiva muutapwa.
3 Kufanana nevaJudha ivavo vaiva muutapwa, isuwo tine nguva yatinoda kunyaradzwa. Munyaya ino tichakurukura zvinhu zvitatu zvakaitwa naJehovha kuti anyaradze vaJudha zvinoti: (1) Akavimbisa kuregerera vaya vainge vapfidza, (2) akapa vanhu vake tariro, uye (3) akavabatsira kuti vasatya. Patinenge tichikurukura pfungwa idzi, ona kuti tinogona kubatsirwa sei nemashoko aJehovha anopa tariro.
JEHOVHA ANOTIREGERERA
4. Jehovha akaratidza sei kuti ndiMwari ane tsitsi? (Isaya 55:7)
4 Jehovha ‘ndiBaba vengoni huru.’ (2 VaK. 1:3) Akaratidza ngoni paakavimbisa kuregerera nhapwa dzechiJudha dzainge dzapfidza. (Verenga Isaya 55:7.) Akati: “Nerudo rusingachinji uye rusingaperi, ndichakunzwira tsitsi.” (Isa. 54:8) Jehovha aizoratidza sei tsitsi? Kunyange zvazvo vaJudha vaizofanira kutambura pamusana pezvavakanga vaita, Jehovha akavimbisa kuti vaisazoramba vari muBhabhironi zvachose. (Isa. 40:2) Mashoko aya anofanira kunge akanyaradza uye akapa tariro vaya vainge vapfidza.
5. Nei tiine zvikonzero zvakawanda kupfuura zvaiva nevaJudha zvekuti tibvume kuti Jehovha anotiregerera?
5 Tinodzidzei? Jehovha anoda chaizvo kuregerera vashumiri vake. Mazuva ano tinotova nezvikonzero zvakawanda kupfuura zvaiva nevaJudha zvekuti tibvume kuti Jehovha anotiregerera. Sei zvakadaro? Tinoziva zvakaitwa naJehovha kuti atiregerere. Makore anenge 700 pashure pekunge Isaya ataura nezvekuregerera kunoita Jehovha, Jehovha akatuma Mwanakomana wake waanoda panyika kuti ape upenyu hwake kuitira kuti adzikinure vatadzi vese vanopfidza. Chibayiro ichocho chinoita kuti zvivi “zvidzimwe” zvachose. (Mab. 3:19; Isa. 1:18; VaEf. 1:7) Zvechokwadi Jehovha ndiMwari anoregerera!
6. Tinobatsirwa sei nekufunga nezvekukanganwira kwaJehovha? (Onawo mufananidzo.)
6 Mashoko aJehovha akafemerwa anowanika pana Isaya 55:7 anogona kutinyaradza kana tiri kunetseka nezvekukanganisa kwedu. Kunyange pashure pekunge tapfidza, vamwe vedu tingaramba tichizvipa mhosva nemhaka yekukanganisa kwatakaita. Izvi zvinonyanya kuitika kana tiri kusangana nematambudziko akakonzerwa nekukanganisa kwedu. Asi kana kuri kuti takareurura zvivi zvedu uye takarega kuita zvakaipa, tinogona kuva nechokwadi chekuti Jehovha akatikanganwira. Uye Jehovha paanotikanganwira anosarudza kusayeuka chivi chedu. (Enzanisa naJeremiya 31:34.) Saka kana Jehovha asingarambi akaisa pfungwa pazvivi zvatakaita kare, isuwo hatifaniri kudaro. Jehovha anokoshesa zvatiri kuita iye zvino, kwete zvatakakanganisa. (Ezek. 33:14-16) Munguva pfupi iri kuuya, Baba vedu vane tsitsi vachabvisa zvachose matambudziko akakonzerwa nekukanganisa kwedu.
Jehovha anokoshesa zvatiri kuita iye zvino kwete zvatakakanganisa (Ona ndima 6)
7. Chii chichatibatsira kuti titsvage rubatsiro kana taita chivi chakakura?
7 Tinofanira kuita sei kana hana yedu iri kutipa mhosva nemhaka yechivi chakakura chatakaita? Bhaibheri rinotikurudzira kuti tiende kunobatsirwa nevakuru. (Jak. 5:14, 15) Kunyange zvakadaro, zvinogona kutiomera kuti tireurure chivi chedu. Asi tinofanira kuyeuka kuti Jehovha anoshandisa varume ava kuti vatibatsire uye kuti vanotida nekutinzwira tsitsi sezvinoita Jehovha. Kana tikayeuka izvi uye tikapfidza, tichava nechido chekutaura navo. Ona kuti Jehovha akanzwira sei tsitsi imwe hama inonzi Arthura iyo yainetseka nezvayakanga yaita. Arthur anoti: “Kwerinenge gore, ndaiona zvinonyadzisira. Asi pandakanzwa imwe hurukuro yaitaura nezvehana, ndakareurura chivi changu kumudzimai wangu uye kuvakuru. Pandakaita izvozvo, ndakanzwa kuzorodzwa, asi hana yangu yakanga ichiri kunetseka nezvandakanga ndaita. Vakuru vakandiyeuchidza kuti Jehovha akanga asina kundirasa. Anotipa chirango nekuti anotida. Mashoko avo iwayo akabaya mwoyo wangu, uye akaita kuti ndichinje mafungiro angu.” Iye zvino Arthur ari kushumira sapiyona uye mushumiri weungano. Zvinokurudzira kuziva kuti Jehovha anotinzwira tsitsi kana tikapfidza!
JEHOVHA ANOTIPA TARIRO
8. (a) Jehovha akapa vaJudha vaiva muutapwa tariro ipi? (b) Maererano naIsaya 40:29-31, tariro yaizobatsira sei vaJudha vainge vapfidza?
8 Mukuona kwevanhu, paisava netariro yekuti vaJudha vaizodzokera kunyika yavo. VaBhabhironi vaizivikanwa kuti vairamba kusunungura vanhu vavainge vatapa. (Isa. 14:17) Asi Jehovha akapa vanhu vake tariro. Akavimbisa kusunungura vanhu vake uye hapana chaigona kumutadzisa kuita izvozvo. (Isa. 44:26; 55:12) Mukuona kwaJehovha, vaBhabhironi vainge vakaita setuguruva tushomanana. (Isa. 40:15) Kungofuridzwa nemhepo, tuguruva itwotwo twaizonyangarika. Tariro iyi yaizobatsira sei vaJudha vaiva muutapwa? Yaizovanyaradza. Asi ine zvimwe zvayaigona kuita. Isaya akanyora kuti: “Vaya vanotarisira kuna Jehovha vachawanazve simba.” (Verenga Isaya 40:29-31.) Tariro yaizovasimbisa uye ‘vaizobhururuka nemapapiro vachienda mudenga semakondo.’
9. Chii chinogona kunge chakabatsira vaJudha vaiva muutapwa kuti vawedzere kuva nechokwadi chekuti vimbiso dzaJehovha dzaizozadzika?
9 Jehovha akaitawo kuti vaJudha vave nechokwadi chekuti vimbiso dzake dzaizozadzika. Zvii zvaakaita? Funga nezveuprofita hwakanga hwatozadzika. Vaiziva kuti vaAsiriya vakanga vatokunda umambo hwekuchamhembe hwaIsraeri uye vatora vamwe vanhu senhapwa. (Isa. 8:4) Vakaona vaBhabhironi vachiparadza Jerusarema ndokuendesa vagari vemo kuBhabhironi vari nhapwa. (Isa. 39:5-7) Vaiziva kuti mambo weBhabhironi akanga apofumadza Mambo Zedhekiya uye aenda naye kuBhabhironi. (Jer. 39:7; Ezek. 12:12, 13) Zvese zvakanga zvataurwa naJehovha zvakanga zvazadzika. (Isa. 42:9; 46:10) Zvese izvi zvinofanira kunge zvakasimbisa kutenda kwavo kuti vimbiso yaJehovha yekuti aizovasunungura yaizozadzika.
10. Chii chinogona kutibatsira kuti tirambe tiine tariro mumazuva ano ekupedzisira?
10 Tinodzidzei? Patinonzwa tisina simba, tariro inogona kutinyaradza uye kuita kuti tivezve nesimba. Tiri kurarama munguva yakaoma uye tine vavengi vane simba vanopikisa basa redu. Asi hatifaniri kuora mwoyo. Jehovha akatipa tariro inoshamisa yekurarama nekusingaperi murugare uye tisina chekutya. Tinofanira kuita kuti tariro yedu irambe yakajeka mupfungwa dzedu nemumwoyo. Kana tikasadaro, tariro yedu inogona kusanyatsojeka sezvinoitika kana tikatarisa maruva akanaka ari panze asi tichiatarisa nepahwindo rakasviba. Saka tingachenesa sei hwindo rekufananidzira, toita kuti tariro yedu irambe yakajeka? Tinogona kuita izvi nekugara tichiwana nguva yekufungidzira kuti upenyu huchange hwakaita sei munyika itsva. Tinogona kuverenga nyaya, kuona mavhidhiyo, kana kuteerera nziyo dzinotaura nezvetariro yedu. Uye tinogona kunyengetera kuna Jehovha tichimuudza nezvezvinhu zvatiri kutarisira kuona zvichizadzika.
11. Chii chiri kubatsira imwe hanzvadzi ine matambudziko akakura eutano kuti ivezve nesimba?
11 Ona kuti imwe hanzvadzi inonzi Joy, iyo ine matambudziko akakura eutano, iri kunyaradzwa uye kusimbiswa sei netariro. Joy anoti: “Pandinonzwa zvandiremera, ndinoudza Jehovha zviri pasi pasi pemwoyo wangu ndichiziva kuti anondinzwisisa. Jehovha anondipindura nekundipa ‘simba rakawedzerwa pane randagara ndiinaro.’” (2 VaK. 4:7) Joy anofungidzirawo achirarama munyika itsva umo munenge musina “mugari wemo achati: ‘Ndiri kurwara.’” (Isa. 33:24) Isuwo kana tikadurura mwoyo wedu kuna Jehovha uye tikaramba takaisa pfungwa dzedu patariro yedu tinogona kuvazve nesimba.
12. Ndezvipi zvikonzero zvinoita kuti tive nechokwadi chekuti vimbiso dzaJehovha dzichazadzika? (Onawo mufananidzo.)
12 Sezvaakangoita kuvaJudha vaiva muutapwa, Jehovha akatipawo zvikonzero zvakawanda zvekuti tive nechokwadi chekuti vimbiso dzake dzichazadzika. Funga nezveuprofita hwatiri kuona huchizadzika. Semuenzaniso, tiri kuona umambo hweBritain neAmerica huine “pamwe pakasimba nepamwe pasina kusimba.” (Dhan. 2:42, 43) Tiri kunzwawo ‘nezvekudengenyeka kwenyika munzvimbo dzakawanda,’ uye tiri kuparidza “kumarudzi ese.” (Mat. 24:7, 14) Kuzadzika kweuprofita uhwu nehumwewo hwakawanda kunosimbisa kutenda kwedu muvimbiso dzaJehovha dzatakamirira kuti dzizadziswe.
Uprofita hwatiri kuona huchizadzika mazuva ano hunoita kuti tive nechokwadi chekuti vimbiso dzaJehovha dzichazadzika (Ona ndima 12)
JEHOVHA ANOTIBATSIRA KUTI TISATYA
13. (a) Matambudziko api aizosangana nevaJudha panguva yekusunungurwa kwavo? (b) Sezvinotaurwa pana Isaya 41:10-13, Jehovha akanyaradza sei vaJudha vaiva nhapwa?
13 Kunyange zvazvo Jehovha akanyaradza vaJudha vaiva nhapwa netariro yakazonaka, aiziva kuti vaizosangana nematambudziko panguva yavaizosunungurwa. Jehovha akataura kuti mambo ane simba aizorwisa opamba nyika dzainge dzakapoteredza Bhabhironi uye orwisa Bhabhironi racho. (Isa. 41:2-5) VaJudha vaifanira kunetseka here? Jehovha akanyaradza vanhu vake pachiine nguva nemashoko ekuti: “Usatya, nekuti ndinewe. Usanetseka, nekuti ndiri Mwari wako.” (Verenga Isaya 41:10-13.) Airevei paakati “ndiri Mwari wako”? Akanga asiri kuyeuchidza vaJudha kuti vamunamate nekuti vaitoziva kuti ndizvo zvavaifanira kuita. Asi aivayeuchidza kuti akanga achiri kudivi ravo achivabatsira.—Pis. 118:6.
14. Chii chimwe chakaitwa naJehovha kuti abatsire vaJudha vaiva nhapwa kuti vasatya?
14 Jehovha akabatsirawo vaJudha vaitya paakavayeuchidza nezvesimba rake risingagumi uye ruzivo rwake. Akaudza vaJudha ivavo kuti vatarise mudenga vaone nyeredzi. Haana kungogumira pakuvaudza kuti ndiye akasika nyeredzi, asi akavaudzawo kuti aitoziva nyeredzi imwe neimwe nezita. (Isa. 40:25-28) Saka kana Jehovha achiziva nyeredzi imwe neimwe nezita, zviri pachena kuti anozivawo zita remushumiri wake mumwe nemumwe. Uye kana Jehovha aine simba rekusika nyeredzi, zviri pachena kuti anewo simba rekubatsira vanhu vake. Saka vaJudha vaiva nhapwa vakanga vasina chikonzero chekuzvidya mwoyo kana kutya.
15. Mwari akaudza vaJudha vaiva nhapwa kuti vaitei paizosvika nguva yekuti vasunungurwe?
15 Jehovha akaudzawo vanhu vake zvekuita paizosvika nguva yekuti vasunungurwe. Mubhuku raIsaya, Mwari akaudza vanhu vake kuti: “[Pindai] mudzimba dzenyu dzemukati, muvhare masuo. Hwandai kwenguva pfupi kusvikira kutsamwa kwapfuura.” (Isa. 26:20) Mashoko aya anofanira kunge akazadzika kekutanga Mambo Koreshi paakarwisa Bhabhironi. Mumwe munyori wezvakaitika kare wechiGiriki akataura kuti Koreshi paakapinda muBhabhironi “akarayira [masoja ake] kuti auraye munhu wese aizowanikwa ari panze.” Vanhu vaigara muBhabhironi vanofanira kunge vakatya chaizvo. Asi vaJudha vaivamo vanofanira kunge vakaponeswa nekuti vakateerera zvavakarayirwa naJehovha.
16. Nei tisingafaniri kutya zvichaitika pakutambudzika kukuru? (Onawo mufananidzo.)
16 Tinodzidzei? Munguva pfupi iri kuuya, tichatarisana nekutambudzika kukuru kusati kwamboitika pasi pano. Kana kwatanga, vanhu vari munyika vachavhiringidzika uye vachatya zvikuru. Asi izvi hazvisi kuzoitika kuvanhu vaJehovha. Tinoziva kuti Jehovha ndiye Mwari wedu. Tichava neushingi tichiziva kuti “kununurwa [kwedu] kuri kuswedera pedyo.” (Ruka 21:28) Kunyange paticharwiswa nemubatanidzwa wenyika dzakasiyana-siyana, ticharamba tichivimba naJehovha. Jehovha achatidzivirira achishandisa ngirozi dzake uye achatipa mirayiridzo inoponesa. Mirayiridzo iyoyo tichaipiwa sei? Hatisati tava kuziva. Asi tingangoipiwa pachishandiswa ungano dzedu. Ungano idzi dzinogona kuva ‘dzimba dzemukati’ matichange takachengeteka. Tingagadzirira sei zvichaitika munguva pfupi iri kuuya? Tinofanira kuswedera pedyo nehama nehanzvadzi dzedu tichiteerera mirayiridzo yatinopiwa nesangano uyewo kuva nechokwadi chekuti Jehovha ndiye ari kutungamirira sangano redu.—VaH. 10:24, 25; 13:17.
Kana tikafunga nezvesimba raJehovha uye kukwanisa kwaanoita kutiponesa, hatizofaniri kutya zvichaitika pakutambudzika kukuru (Ona ndima 16)b
17. Ungaitei kuti unyaradzwe naJehovha?
17 Kunyange zvazvo upenyu hwaisava nyore kuvaJudha vaiva muBhabhironi, Jehovha akavanyaradza. Achatinyaradzawo. Saka pasinei nezvingangoitika kwauri mune ramangwana, ramba uchitsvaga kunyaradzwa naJehovha. Vimba kuti anonyatsoregerera vashumiri vake vakatendeka uye kuti ane hanya newe. Ramba uchiita kuti tariro yako ive yakasimba. Yeuka kuti sezvo Jehovha ari Mwari wako, hauna chekutya.
RWIYO 3 Ndimi Simba Redu, Tariro Yedu, Tinovimba Nemi
a Mamwe mazita akachinjwa.
b KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Hama nehanzvadzi shomanana dzakaungana. Dzine chivimbo chekuti Jehovha ane simba uye anokwanisa kuponesa vanhu vake chero kwavanenge vari panyika.