RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w25 May pp. 14-19
  • Mirira Guta Richaramba Riripo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mirira Guta Richaramba Riripo
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • VIMBA NEUYA ASINGAMBOFI AKAKURASA
  • TEERERA VAYA VARI KUTUNGAMIRIRA
  • RAMBAI MUCHIDANANA SEHAMA UYE GAMUCHIRANAI ZVAKANAKA
  • ZVIRI MBERI
  • Tsamba Inogona Kutibatsira Kuti Tirambe Tichitsungirira Kusvika Kumugumo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2024
  • Tingaita Sei Zvisarudzo Zvinoratidza Kuti Tinovimba naJehovha?
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2023
  • Zvininipise Uchibvuma Kuti Pane Zvimwe Zvinhu Zvausingazivi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
  • Kuswedera Pedyo Nehama Nehanzvadzi Dzedu Kwakatinakira!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
w25 May pp. 14-19

NYAYA YEKUDZIDZA 21

RWIYO 21 Rambai Muchitanga Kutsvaga Umambo

Mirira Guta Richaramba Riripo

“Tiri kutsvaga nemwoyo wese [guta] richauya.”—VAH. 13:14.

ZVATICHADZIDZA

Tichadzidza kuti VaHebheru chitsauko 13 inotibatsira sei mazuva ano uye kuti ichatibatsira sei mune ramangwana.

1. Jesu akataura kuti chii chaizoitika kuguta reJerusarema?

MAZUVA mashomanana asati afa, Jesu Kristu akaudza vateveri vake uprofita hwakazotanga kuzadziswa Jerusarema netemberi pazvakanga zvava pedyo kuparadzwa. Akavayambira kuti guta reJerusarema ‘raizokombwa nemauto akadzika misasa.’ (Ruka 21:20) Jesu akaudza vateveri vake kuti pavaizoona mauto iwayo, vaifanira kubva vatotiza muJudhiya. Izvi zvakazadziswa uto revaRoma parakakomba Jerusarema.—Ruka 21:​21, 22.

2. Muapostora Pauro akapa vaKristu vaiva muJudhiya nemuJerusarema mazano ekuti vaitei?

2 Makore mashomanana vaRoma vasati vakomba Jerusarema, muapostora Pauro akanyora tsamba yaikurudzira yatava kuziva sebhuku raVaHebheru. Mutsamba iyoyo, Pauro akapa vaKristu vaigara muJudhiya nemuJerusarema mazano aizovabatsira kuti vagadzirire zvinhu zvaizoitika. Asi chii chaizoitika? Jerusarema rakanga riri kuzoparadzwa. Kana vaKristu ivavo vaitarisira kuzopona, vaifanira kunge vakagadzirira kusiya dzimba dzavo nemabhizinesi avo. Achitaura nezveguta reJerusarema, Pauro akanyora kuti: “Pano hatina guta richiripo.” Uyewo akawedzera kuti: “Asi tiri kutsvaga nemwoyo wese riya richauya.”—VaH. 13:14.

3. Chii chinomiririrwa ‘neguta rine faundesheni chaiyo,’ uye nei tichifanira kurimirira?

3 VaKristu vakasarudza kutiza muJerusarema nemuJudhiya vanogona kunge vakasekwa kana kushorwa, asi zvavakasarudza izvozvo zvakaita kuti vapone. Mazuva ano vanhu vanotiseka nekuti hatitsvagi kurarama upenyu hwakanaka munyika ino kana kuvimba kuti vanhu vachagadzirisa matambudziko enyika. Saka nei tichiita zvinhu izvozvo zvinoita kuti tisekwe nevanhu? Nekuti tinoziva kuti zvinhu zviri munyika ino ndezvenguva pfupi. Takamirira “guta rine faundesheni chaiyo,” riya richauya, kureva Umambo hwaMwari.a (VaH. 11:10; Mat. 6:33) Munyaya ino, musoro mudiki wega wega uchakurukura zvinhu zvitatu. Chekutanga, mazano akataurwa naPauro akabatsira sei vaKristu vekutanga kuti varambe vakamirira ‘guta raizouya’? Chechipiri, Pauro akavabatsira sei kuti vagadzirire zvinhu zvaizoitika? Uye chekupedzisira, mazano iwayo anotibatsira sei mazuva ano?

VIMBA NEUYA ASINGAMBOFI AKAKURASA

4. Nei Jerusarema raikosha kuvaKristu?

4 Jerusarema raikosha chaizvo kuvaKristu. Ungano yechiKristu yekutanga yakaumbwa muguta iroro muna 33 C.E., uye ndimo maivawo nedare rinotungamirira. Uyewo, vaKristu vakawanda vaiva nedzimba nezvinhu zvakawanda muguta iri. Asi Jesu akayambira vateveri vake kuti vaizofanira kubuda muJerusarema uye kunyange muJudhiya.—Mat. 24:16.

5. Pauro akabatsira sei vaKristu kuti vagadzirire zvinhu zvaizoitika?

5 Pauro aida kuti vaKristu vagadzirire zvaizoitika saka akavabatsira kuti vaone guta reJerusarema semaonerwo araiitwa naJehovha. Pauro akavayeuchidza kuti Jehovha akanga asingachagamuchiri zvibayiro zvaipiwa patemberi uye akanga agumisa urongwa hwevapristi. (VaH. 8:13) Uyewo vanhu vakawanda vaigara muguta iroro vakanga varamba Mesiya. Saka Jerusarema netemberi zvakanga zvisisiri muzinda wekunamata kwakachena, uye zvaizoparadzwa.—Ruka 13:​34, 35.

6. Nei tingati mashoko akataurwa pana VaHebheru 13:​5, 6 akataurwa panguva chaiyo?

6 Pauro paakanyorera vaHebheru tsamba, Jerusarema raiva guta rakabudirira. Mumwe munyori wechiRoma wepanguva iyoyo akataura kuti Jerusarema “ndiro raiva guta rakakurumbira kupfuura mamwe maguta ese ekumabvazuva.” VaJudha vaibva munyika dzakawanda vaifamba vachienda ikoko katatu pagore kunoita mitambo uye izvozvo zvaiita kuti guta iri ribudirire pane zveupfumi. Zviri pachena kuti vamwe vaKristu vaibatsirwawo nekusimukira kwainge kwakaita guta iri panyaya dzezveupfumi. Pamwe ndokusaka Pauro akavaudza kuti: “Mararamiro enyu ngaarege kuva ekuda mari, uye gutsikanai nezvinenge zviripo.” Akabva azotaura mashoko ane simba ari muMagwaro anoratidza vimbiso inobva kuna Jehovha yekuti: “Handizokusiyi, uye handizokurasi.” (Verenga VaHebheru 13:​5, 6; Dheut. 31:6; Pis. 118:6) VaKristu vaigara muJerusarema nemuJudhiya vaifanira kuyeuka vimbiso iyi. Nei zvakadaro? Nekuti pashure penguva pfupi vagamuchira tsamba iyi, vaizofanira kusiya dzimba dzavo, mabhizinesi avo, uye zvinhu zvavo zvakawanda, votanga upenyu hutsva mune imwe nzvimbo, izvo zvaisava nyore.

7. Nei tichifanira kuwedzera kuvimba kwatinoita naJehovha iye zvino?

7 Zvatinodzidza: Zvii zvava pedyo kuitika? Nyika ino yava pedyo nekuguma ‘pakutambudzika kukuru.’ (Mat. 24:21) Sezvakaitwa nevaKristu vekutanga, tinofanira kuramba takamuka uye takagadzirira. (Ruka 21:​34-36) Pakutambudzika kukuru, pamwe tichafanira kusiya zvimwe zvinhu zvedu kana kutosiya zvese, tichivimba kuti Jehovha haazomborasi vanhu vake. Kunyange iye zvino kutambudzika kukuru kusati kwatanga, tine mukana wekuratidza kuti tinovimba naani. Zvibvunze kuti, ‘Zvandinoita uye zvinangwa zvangu zvinoratidza here kuti handivimbi nepfuma, asi ndinovimba naMwari uyo anovimbisa kuti achandichengeta?’ (1 Tim. 6:17) Kunyange zvazvo tichigona kudzidza kubva pane zvakaitika kuvaKristu vekutanga, “kutambudzika kukuru” kuri pamberi apa kuchange kwakasiyana nekure nezvakamboitika kare. Saka tichaziva sei zvatinofanira kuita kana kutambudzika kukuru kwatanga?

TEERERA VAYA VARI KUTUNGAMIRIRA

8. Jesu akaudza vadzidzi vake kuti vaitei?

8 Pashure pemakore mashoma Pauro anyorera vaHebheru tsamba, vaKristu vakaona mauto evaRoma achiuya kuzokomba guta reJerusarema. Vakabva vaziva kuti vaifanira kutiza nekuti guta reJerusarema raizoparadzwa. (Mat. 24:3; Ruka 21:​20, 24) Asi vaizotiza vachienda kupi? Jesu akanga angoti: “Vaya vanenge vari muJudhiya ngavatange kutizira kumakomo.” (Ruka 21:21) Kwaiva nemakomo akawanda munharaunda iyoyo. Saka vaizotiza vachienda kupi?

9. Nei vamwe vaKristu vaigona kunetseka kuti votizira kumakomo api? (Onawo mepu.)

9 Chimbofunga mamwe makomo aigona kutizirwa nevaKristu: makomo eSamariya, makomo aiva muGarireya, Gomo reHemoni nemakomo eRebhanoni, uyewo makomo aiva kumhiri kwaJodhani. (Ona mepu.) Mamwe maguta aiva mumakomo aya aigona kuita sekuti akanga akachengeteka. Semuenzaniso, guta reGamla raiva pamusoro pegomo rakakwirira uye zvaisava nyore kupinda muguta iroro. Vamwe vaJudha vaifunga kuti guta iri raiva nzvimbo yakanaka yekuti vatizire. Asi muguta reGamla ndimo makatozorwiwa hondo yaityisa pakati pevaJudha nevaRoma, uye vanhu vakawanda vaigara imomo vakafa.b

Mepu iri kuratidza mamwe makomo nemaguta aiva munyika yeIsraeri panguva yakatanga chiKristu. Kuchamhembe kweJerusarema kune makomo eRebhanoni, eGarireya, eSamariya, uye eGiriyedhi. Kunewo Gomo reHemoni neGomo reTabhori. Kuchamhembe kweJerusarema kune guta reGamla, reKesariya nePera. Kumaodzanyemba kweJerusarema kune makomo eJudhiya uye eAbharimu, uyewo guta reMasada. Mepu yacho iri kuratidzawo kufamba kwaiita mauto evaRoma achirwisa uye nzvimbo dzavakatorera vaJudha kubva muna 67 C.E. kusvika muna 73 C.E.

Paiva nemakomo akawanda ekuti vaKristu vaigona kutizira kwaari, asi haasi ese akanga akachengeteka (Ona ndima 9)


10-11. (a) Jehovha anogona kunge akatungamirira sei vanhu vake? (VaHebheru 13:​7, 17) (b) VaKristu vakabatsirwa sei nekuteerera vaya vaitungamirira? (Onawo mufananidzo.)

10 Zvinoita sekuti Jehovha akatungamirira vaKristu achishandisa vaya vaitungamirira muungano. Papera makore akawanda, munyori wezvakaitika kare anonzi Eusebius akanyora nezvenguva iyoyo. Akataura kuti Mwari akazarurira varume vaitungamirira ungano yaiva muJerusarema kuti vaudze vaKristu kuti vabude muJerusarema hondo isati yatanga voenda vonogara mune rimwe guta raiva muPereya rainzi Pera. Guta rePera raiva nzvimbo yakanaka yekuti vaKristu vatizire. Rakanga risiri kure neJerusarema, zvichiita kuti zvive nyore kusvika kwariri. Uyewo vanhu vakawanda vaigara muPera vakanga vasiri vaJudha, saka vakanga vasiri kuedza kurwisana nevaRoma.—Ona mepu.

11 VaKristu vakatizira kumakomo vakashandisa zano raPauro rekuti ‘vateerere vaya vaitungamirira’ muungano. (Verenga VaHebheru 13:​7, 17.) Izvi zvakaita kuti vanhu vaMwari vapone. Nemhaka yekuti vakaramba ‘vakamirira guta rine faundesheni chaiyo,’ kureva Umambo hwaMwari, Jehovha haana kumbovarasa.—VaH. 11:10.

Boka revaKristu vari kufamba nemumakomo vakatakura zvinhu zvavo.

Pera yaiva nzvimbo yakachengeteka yekuti vaKristu vaigona kutiza vachienda ikoko uye yaiva pedyo neJerusarema (Ona ndima 10-11)


12-13. Jehovha anotungamirira sei vanhu vake munguva dzakaoma?

12 Zvatinodzidza: Jehovha anoshandisa vaya vari kutungamirira kuti vape vanhu vake mirayiridzo. Magwaro akazara nemienzaniso inoratidza kuti Jehovha aiita kuti pave nevafudzi vanotungamirira vanhu vake panguva dzakaoma. (Dheut. 31:23; Pis. 77:20) Uye mazuva ano tiri kuona uchapupu hwakajeka hwekuti Jehovha ari kuramba achishandisa vaya vari kutungamirira.

13 Semuenzaniso, chirwere cheCOVID-19 pachakatanga, ‘vaya vari kutungamirira’ vakatipa mirayiridzo yataida. Vakuru vakagamuchira mirayiridzo yaibatsira hama nehanzvadzi kuti dzirambe dzakasimba pakunamata. Mwedzi mishomanana chirwere cheCOVID-19 chatanga, takaita gungano mumitauro inopfuura 500. Hama nehanzvadzi dzedu dzakariona paIndaneti, paTV, uye vamwe vakateerera paredhiyo. Takanga tisati tamboita gungano rakadaro. Zvekudya zvekunamata zvakaramba zvichienda kuvanhu vaMwari. Izvi zvakaita kuti tirambe takabatana. Tinogona kuva nechokwadi chekuti pasinei nematambudziko atingasangana nawo mune ramangwana, Jehovha acharamba achibatsira vaya vari kutungamirira kuti vazive zvekuita. Kuwedzera pakuvimba naJehovha uye kuteerera mirayiro yake, ndezvipi zvimwe zvichatibatsira kuti tigadzirire kutambudzika kukuru uye tiite zvisarudzo nekuchenjera panguva iyoyo ichange yakaoma?

RAMBAI MUCHIDANANA SEHAMA UYE GAMUCHIRANAI ZVAKANAKA

14. Maererano naVaHebheru 13:​1-3, zvii zvaifanira kuitwa nevaKristu Jerusarema parakanga rava pedyo nekuparadzwa?

14 Kana kutambudzika kukuru kwatanga, tichafanira kutowedzera kudanana kupfuura zvatati tamboita. Panguva iyoyo, tichafanira kutevedzera zvakaitwa nevaKristu vaigara muJerusarema nemuJudhiya. Vakanga vagara vachidanana. (VaH. 10:​32-34) Asi makore mashomanana Jerusarema risati raparadzwa, vaifanira kutowedzera ‘kudanana sehama’ uye “kugamuchira vaenzi zvakanaka” kupfuura zvavaiita.c (Verenga VaHebheru 13: 1-3.) Izvi ndizvo zvatichafanira kuita mugumo wenyika ino zvaunoswedera.

15. Nei vaKristu vechiHebheru vaifanira kudanana uye kubatsirana pashure pekunge vatiza?

15 VaRoma vakakomba Jerusarema asi vakazongoerekana vabva. Izvi zvakaita kuti vaKristu vakwanise kutiza, asi vaingokwanisa kutakura zvinhu zvishomanana. (Mat. 24:​17, 18) Vaitofanira kubatsirana pavaifamba vachienda kumakomo uye pavakazogara munzvimbo iyoyo yavakanga vatizira. Zviri pachena kuti pane vakawanda vaida kubatsirwa “nekukurumidza” nezvekudya, zvekupfeka uye pekugara. Saka vaKristu pavaizotsigirana vachipawo vamwe zvavaiva nazvo, vairatidza kuti vaidanana zvechokwadi uye vaigamuchirana zvakanaka.—Tito 3:14.

16. Tingaratidza sei kuti tinoda hama nehanzvadzi dzedu padzinenge dzichida kubatsirwa? (Onawo mufananidzo.)

16 Zvatinodzidza: Rudo runoita kuti titsigire hama nehanzvadzi dzedu padzinenge dzichida kubatsirwa. Vashumiri vaMwari vakawanda vari kuzvipira kuti vabatsire hama nehanzvadzi dzavo pavanosiya misha yavo nemhaka yehondo kana kuti njodzi dzinongoitika dzega. Vanobatsira hama idzi nekuvapa zvavanoda kuti vararame uye nekuvakurudzira kuti varambe vachishumira Jehovha. Imwe hanzvadzi yekuUkraine yakabva kwayaigara nemhaka yehondo yakati: “Takanyatsoona ruoko rwaJehovha ruchititungamirira uye ruchitibatsira achishandisa hama dzedu. Vakatigamuchira uye vakatibatsira chaizvo pataiva kuUkraine, kuHungary, uye iye zvino patava kuGermany.” Vaya vanobatsira hama nehanzvadzi dzavo uye vachivatsigira nezvavanoda vanenge vachibvuma kushandiswa naJehovha.—Zvir. 19:17; 2 VaK. 1:​3, 4.

Murume nemudzimai vechikuru vari kugamuchira imwe mhuri pamba pavo. Mhuri yacho yakasiya musha wayo uye vanongova nemabhegi mashomanana.

Tinofanira kutsigira vaKristu vanenge vasiya misha yavo nemhaka yehondo nezvimwewo (Ona ndima 16)


17. Nei zvichikosha kuti iye zvino tidanane sehama uye tigamuchirane zvakanaka?

17 Tinoziva kuti tichatofanira kubatsirana mune ramangwana kupfuura zvatiri kutoita iye zvino. (Hab. 3:​16-18) Jehovha ari kutidzidzisa iye zvino kuti tidanane sehama uye tigamuchirane zvakanaka, uye izvozvo ndizvo zvatichafanira kuitawo panguva iyoyo.

ZVIRI MBERI

18. Tingatevedzera sei vaKristu vechiHebheru?

18 VaKristu vakateerera ndokutizira kumakomo vakapona pakaparadzwa Jerusarema. Vakasiya guta iroro asi Jehovha haana kumbobvira avasiya. Tinodzidzei kubva pane zvavakaita? Hatizivi hedu zvese zvichaitika mune ramangwana, asi Jesu akatiudza kuti tigare takagadzirira kuteerera. (Ruka 12:40) Tinewo mazano ari mutsamba yakanyorerwa vaHebheru naPauro anoshanda mazuva ano sekungoshanda kwaaiita panguva yaakanyorwa. Uyewo tine vimbiso yaJehovha pachake yekuti haazombotisiyi kana kutirasa. (VaH. 13:​5, 6) Saka ngatirambei takamirira guta richaramba riripo, kureva Umambo hwaMwari. Tikadaro, tichawana makomborero akawanda ahuchaunza.—Mat. 25:34.

UNGAPINDURA SEI?

  • Nei tichifanira kuwedzera kuvimba kwatinoita naJehovha iye zvino?

  • Kuteerera kuchatibatsira sei ‘pakutambudzika kukuru’?

  • Nei zvichikosha kuti iye zvino tidzidze kudanana sehama uye kugamuchirana zvakanaka?

RWIYO 157 Rugare Rwazouya!

a Munguva dzakanyorwa Bhaibheri, kazhinji guta rimwe nerimwe raiva namambo airitonga. Guta rakadaro raitoonekwa seumambo.—Gen. 14:2.

b Izvi zvakaitika muna 67 C.E., nguva pfupi vaKristu vatiza muJudhiya nemuJerusarema.

c Shoko rakashandurwa kuti ‘kudanana sehama’ rinogona kureva rudo ruri pakati pevanhu chaivo veukama, asi Pauro akashandisa shoko iroro kutsanangura rudo ruri pakati pevanhu vemuungano.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe