ZVAUNGAITA PAKUDZIDZA
Zvinhu Zvichakubatsira Kuti Uverenge Bhaibheri Mazuva Ese
Unombowandirwa nezvekuita here zvekuti unotadza kuwana nguva yekuverenga Bhaibheri mazuva ese? (Josh. 1:8) Kana zvakadaro, imboedza kushandisa mazano ari pasi apa:
Tsvaga chinhu chinokuyeuchidza. Unogona kuisa aramu inozorira kana nguva dzako dzekuverenga Bhaibheri dzakwana.
Isa Bhaibheri rako pachena. Kana uchishandisa Bhaibheri rakaprindwa, ita kuti rigare panzvimbo yaunogara uchiriona mazuva ese.—Dheut. 11:18.
Teerera Bhaibheri rakarekodhwa. Teerera Bhaibheri rakarekodhwa paunenge uchiita mabasa ako. Izvi ndizvo zvinoitwa nevamwe amai vanonzi Tara. Tara anopayona uye anoenda kubasa manheru. Anoti: “Chiri kundibatsira kuti ndiverenge Bhaibheri mazuva ese ndechekuti ndinoteerera Bhaibheri rakarekodhwa pandinenge ndichiita mabasa angu epamba.”
Usarega kuverenga. Kana pakaitika zvimwe zvinhu zvinokutadzisa kuita zvaunenge wakaronga, unogona kuverenga kunyange mavhesi mashomanana usati warara. Kunyange ukaverenga mavhesi mashomanana zuva rega rega, zvinotokubatsira.—1 Pet. 2:2.