RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mwb23 May p. 13
  • Uri Kuteerera Bhaibheri Rakarekodhwa Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Uri Kuteerera Bhaibheri Rakarekodhwa Here?
  • Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2023
  • Mashoko Akafanana
  • Zvinhu Zvakarekodhwa Zvekuteerera Zvingashandiswa Sei?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2015
  • ‘Kunzwa Uye Kuona’ Mapurogiramu Egungano
    Mashandisirwo Ari Kuitwa Mari Yenyu Yezvipo
  • Zvinhu Zvichakubatsira Kuti Uverenge Bhaibheri Mazuva Ese
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
  • Nzvimbo Yedu Yepamutemo Inobudisirwa Mashoko paIndaneti—Ishandise Kubatsira Munhu Anotaura Mumwe Mutauro
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2012
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2023
mwb23 May p. 13
Mapikicha: Kuteerera Bhaibheri rakarekodhwa. 1. Hama iri panze ichiteerera Bhaibheri rakarekodhwa pafoni. 2. Amai nemwanasikana wavo vari kuteerera Bhaibheri rakarekodhwa ivo vachitarisawo muBhaibheri ravo. 3. Hanzvadzi iri kuteerera Bhaibheri rakarekodhwa iri parwendo.

KURARAMA KWECHIKRISTU

Uri Kuteerera Bhaibheri Rakarekodhwa Here?

Bhaibheri racho rakaita sei? Bhaibheri iri rakarekodhwa pachishandiswa Shanduro yeNyika Itsva yakadzokororwa. Riri kubudiswa zvishoma nezvishoma mumitauro yakawanda. Chimwe chakanyanya kunaka paBhaibheri iri rakarekodhwa ndechekuti paishandiswa mazwi evanhu vakasiyana-siyana. Vanhu vacho vaiverenga vachisimbisa mashoko akakodzera uye vachibudisa manzwiro anoenderana nenyaya yacho kuitira kuti vanhu vanzwe pfungwa dzakarurama dziri muShoko raMwari.

Vamwe vari kubatsirwa sei nekuteerera Bhaibheri rakarekodhwa? Vakawanda vari kuti Bhaibheri racho rinoita kuti vanyatsoona zviri kutaurwa. Vanoti kunzwa manzwi evanhu vakasiyana-siyana kunovabatsira kuti vakwanise kufungidzira zvaiitika uye kunzwisisa nyaya yacho. (Zvi 4:5) Vakawanda vanoti kuteerera Bhaibheri rakarekodhwa kunovazorodza pavanenge vachizvidya mwoyo.—Pis 94:19.

Kunzwa Shoko raMwari richiverengwa kunogona kuchinja upenyu hwedu. (2Mak 34:19-21) Kana Bhaibheri rakarekodhwa richiwanika mumutauro waunonzwisisa, wadii kupota uchiriteerera.

ONA VHIDHIYO INONZI KUGADZIRWA KWEBHAIBHERI RAKAREKODWA ROKUTEERERA​—CHIDIMBU, WOZOPINDURA MUBVUNZO UNOTEVERA:

Chii chawafarira pakugadzirwa kunoitwa Bhaibheri rakarekodhwa?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe