Zvinhu Zvakarekodhwa Zvekuteerera Zvingashandiswa Sei?
1. Kunze kwemabhuku akaprindwa, chii chimwe chatiinacho chinotibatsira?
1 Vakawanda vanoshandisa jw.org pakuverenga mashoko anofadza uye akarurama echokwadi. (Mup. 12:10) Asi wakamboshandisawo here zvinhu zvakarekodhwa zvekuteerera? Izvi zvinoita kuti munhu akwanise kunzwa mashoko akawanda ari panzvimbo yedu yepaIndaneti. Zvinhu izvi zvingatibatsira sei?
2. Tingashandisa sei zvinhu zvakarekodhwa zvekuteerera pakudzidza tiri tega kana kuti semhuri?
2 Pakudzidza Tiri Tega Kana Kuti Semhuri: Patinenge tichifamba kana kuita mamwe mabasa emazuva ose tinogona kuteerera Bhaibheri, magazini, kana kuti chimwe chinhu chakarekodhwa. Patinodaro tinenge tichishandisa nguva yedu zvakanaka. (VaEf. 5:15, 16) Pakunamata kwedu kwemhuri tinogonawo kuteerera zvinhu zvakarekodhwa tichitarisawo pari kuverengwa pacho. Kushandisa zvinhu izvi pakudzidza tiri tega kunobatsira zvikuru kana tichida kuvandudza unyanzvi hwekuverenga kana kuti tichidzidza mumwe mutauro.
3. Mundima yedu ndevapi vangabatsirwa nekuteerera zvinhu zvakarekodhwa?
3 Muushumiri: Vanhu vari mundima yedu avo vanoona sekuti havana nguva yekuverenga vangangofarira kuteerera zvinhu zvakarekodhwa. Tinogonawo kusangana nevanhu vanotaura mumwe mutauro vangangofarira mashoko eUmambo kana vakaanzwa “mumutauro wavo.” (Mab. 2:6-8) Mune dzimwe nzvimbo vanhu vanokoshesa chaizvo kuteerera zvinenge zvichitaurwa. Semuenzaniso, mutsika yechiHmong, vechidiki vanoziva nhoroondo yemhuri dzavo vachiita zvekuudzwa uye vanonyatsobata zvavanenge vanzwa. Mutsika dzakawanda muAfrica, vanhu vanofarira kudzidza vachiita zvekuteerera nyaya dzichitaurwa.
4. Mibvunzo ipi yatingazvibvunza kuti tikwanise kubatsira vanhu mundima yedu?
4 Mundima yenyu zvingabatsira here kumboridza chimwe chinhu chakarekodhwa mumutauro wasaimba? Mumwe munhu angabatsirwa here nechinhu chakarekodhwa chekuteerera kana tikamutumira nee-mail? Tinogona here kuisa chimwe chinhu chekuteerera paCD topa saimba anenge afarira; kana zvichiita tobva tamupawo nechinyorwa chacho chatinenge tamuisira paCD? Patinopa munhu ringava bhuku rakazara, bhurocha kana kuti turakiti raanokwanisa kuvhura kana kuteerera patablet kana pafoni, tinofanira kurishuma. Zvinhu zvakarekodhwa zvekuteerera zvakaitirwa kuti tizvishandise pakudzidza tiri tega uyewo pakudyara mbeu yechokwadi cheUmambo.—1 VaK. 3:6.