NYAYA YEKUDZIDZA 47
RWIYO 38 Achakusimbisa
“ Uri Munhu Anokosha Chaizvo”!
“ Uri munhu anokosha chaizvo.”—DHAN. 9:23.
ZVATICHADZIDZA
Nyaya ino ichabatsira vaya vanozvitarisira pasi kuti vanyatsoona kuti vanokosha kuna Jehovha.
1-2. Chii chichatibatsira kuti tinyatsobvuma kuti tinokosha kuna Jehovha?
VASHUMIRI vaJehovha vanokosha chaizvo kwaari. Asi vamwe vacho vanofunga kuti Jehovha haanyatsovade. Pamwe imhaka yekuti vakambobatwa zvisina kunaka. Iwewe unombonzwawo seusingakoshi here? Kana uchimbonzwa saizvozvo, chii chinogona kukubatsira kuti unyatsoona kuti unokosha kuna Jehovha?
2 Chimwe chinhu chinogona kukubatsira kuverenga nyaya dziri muBhaibheri dzinoratidza kuti Jehovha anoda kuti vanhu vabatwe sei. Mwanakomana wake Jesu airemekedza vanhu uye aivabata zvakanaka. Paaiita izvi, Jesu aitoratidza kuti iye naBaba vake vanokoshesa chaizvo vaya vanozviona sekuti havakoshi. (Joh. 5:19; VaH. 1:3) Munyaya ino tichakurukura kuti: (1) Jesu akabatsira sei vanhu kuti vanyatsoona kuti vanokosha uye (2) zvii zvatingaita isu pachedu kuti tinyatsobvuma kuti tinokosha kuna Mwari.—Hag. 2:7.
JESU AKABATSIRA SEI VANHU KUTI VANYATSOONA KUTI VANOKOSHA KUNA MWARI?
3. Jesu aibata sei vanhu vekuGarireya vaiuya kwaari vachida kubatsirwa?
3 Jesu paaiparidza muGarireya, vanhu vakawanda vaiuya kwaari kuzonzwa zvaaidzidzisa uye kuti vazoporeswa. Jesu akaona kuti vanhu ava “vaibatwa zvisina kunaka uye vakanga vakapararira semakwai asina mufudzi.” (Mat. 9:36) Vatungamiriri vavo vezvitendero vaivaona sevanhu vasingambokoshi uye vaitovati “vanhu vakatukwa.” (Joh. 7:47-49) Asi Jesu aivakoshesa nekuti aivawanira nguva yekuvadzidzisa uye yekuvaporesa. (Mat. 9:35) Uyewo kuitira kuti vanhu vakawanda vabatsirwe, Jesu akadzidzisa vaapostora vake basa rekuparidza uye akavaudza kuti varape vanorwara.—Mat. 10:5-8.
4. Tinodzidzei kubva pamabatiro aiita Jesu vanhu vaitarisirwa pasi nevamwe?
4 Paairemekedza vanhu uye achivabata zvakanaka, Jesu aitoratidza kuti iye naBaba vake vanokoshesa chaizvo vaya vanotarisirwa pasi nevamwe. Kana uri kushumira Jehovha asi uchimbonetseka kuti Jehovha anonyatsokukoshesa here, funga nezvemabatiro aiita Jesu vanhu vaiuya kwaari kuzodzidziswa. Kuita izvi kuchakubatsira kuti unyatsoona kuti unokosha kuna Jehovha.
5. Tsanangura kuti mukadzi akasangana naJesu kuGarireya aiva mumamiriro ezvinhu akaita sei?
5 Jesu aidzidzisa vanhu vari mumapoka asiwo aiwana nguva yekubatsira munhu ari pake ega. Izvi ndizvo zvakaitika paaiita ushumiri hwake kuGarireya. Akasangana nemumwe mukadzi akanga ave nemakore 12 achibuda ropa. (Mako 5:25) Maererano nemutemo, mukadzi uyu ainzi haana kuchena uye munhu wese aimubata aibva anziwo haana kuchena. Nemhaka yeizvi mukadzi uyu anofanira kunge aiwanzogara ari kwake ega. Uyewo aisakwanisa kubatana nevamwe pakuenda kusinagogi kunonamata kana kuti paiitwa mitambo. (Revh. 15:19, 25) Saka mukadzi uyu ainetseka nekurwara kwaaiita uye anofanira kunge aizviona sekuti haakoshi.—Mako 5:26.
6. Mukadzi aiva nechirwere chekubuda ropa akaporeswa sei?
6 Mukadzi uyu aida kuporeswa naJesu asi haana kuenda kunomukumbira kuti amuporese. Nei asina? Pamwe ainyara nemhaka yechirwere chaaiva nacho. Kana kuti anogona kunge aitya kuti Jesu aizomudzinga nekuti anenge apinda pakati pevanhu iye asina kuchena. Saka akasarudza kungobata mupendero wenguo yake aine kutenda kwekuti aizoporeswa. (Mako 5:27, 28) Uye ndizvo chaizvo zvakaitika. Kutenda kwake kwakaita kuti aporeswe. Jesu akabva abvunza kuti ndiani akanga amubata uye mukadzi uyu akauya akabuda pachena achitsanangura zvaakanga aita. Jesu akabva aita sei?
7. Jesu akabata sei mukadzi uyu aiva nechirwere chaimutambudza? (Mako 5:34)
7 Jesu akaremekedza mukadzi uyu uye akamubata zvakanaka. Akaonawo kuti akanga “achitya uye achidedera.” (Mako 5:33) Nemhaka yekuti ainzwisisa manzwiro aiita mukadzi uyu, akataura naye zvakanaka uye achimukurudzira. Akatomushevedza kuti mwanasikana. Shoko raakashandisa iri rekuti mwanasikana rinoratidza kuti aimuremekedza uye aiva nehanya naye. (Verenga Mako 5:34.) Apa ndipo pega muBhaibheri Jesu paakataura nemunhukadzi achimuti mwanasikana. Anofanira kunge akashandisa shoko iri nemhaka yekuti akaona kuti mukadzi uyu aitya chaizvo. Fungidzira kuti mukadzi uyu akanzwa sei? Kudai Jesu akanga asina kutaura naye zvakanaka uye zvinokurudzira, mukadzi uyu angadai akaenda hake aporeswa asi achizvitongesa kuti akanga abata mupendero wenguo yaJesu. Asi Jesu akamubatsira kuti aone kuti aiva mwanasikana anokosha waBaba vedu vane rudo vekudenga.
8. Ndeapi matambudziko akasangana neimwe hanzvadzi yekuBrazil?
8 Mazuva anowo kune vamwe vashumiri vaMwari vane zvirwere zvinoita kuti vaore mwoyo zvikuru uye vazvione sevasingakoshi. Mumwe piyona wekuBrazil anonzi Mariaa akaberekwa asina makumbo uye asina ruoko rwekuruboshwe. Maria anoti: “Ndaigara ndichibatwa zvisina kunaka kuchikoro nemhaka yekuremara kwangu. Vanhu vaindipa mazita ekutsvinya. Uye kunyange vamwe vemumhuri medu vaindibata zvisina kunaka.”
9. Maria akabatsirwa sei kuti anyatsoona kuti anokosha kuna Jehovha?
9 Chii chakabatsira Maria kuti asarambe achizvitarisira pasi? Paakava Chapupu chaJehovha, hama nehanzvadzi dzake dzaimunyaradza uye dzaimubatsira kuti anzwisise kuti Jehovha anomuona sei. Maria anoti: “Hama nehanzvadzi dzakawanda dzakandibatsira. Ndinotenda Jehovha nemwoyo wangu wese nekuita kuti ndive mumhuri yake ine rudo.” Hama nehanzvadzi dzakabatsira Maria kuti anyatsoona kuti anokosha kuna Mwari.
10. Ndeapi matambudziko aisangana naMariya Magadharini? (Onawo mifananidzo.)
10 Fungawo nezvemumwe munhu akabatsirwa naJesu ainzi Mariya Magadharini. Akanga akagarwa nemadhimoni 7! (Ruka 8:2) Madhimoni aya anofanira kunge aiita kuti Mariya aite zvinhu zvisinganzwisisike uye izvi zvinofanira kunge zvaiita kuti vanhu vatambire kure naye. Aitambura zvisingaite, uye anofanira kunge aigara achitya achifunga kuti hapana munhu anomuda kana kuti anogona kumubatsira. Kunenge kuti Jesu ndiye akadzinga madhimoni aya aimutambudza uye Mariya akabva atanga kutevera Jesu. Zvii zvimwe zvakaitwa naJesu kuti abatsire Mariya Magadharini kuti anzwisise kuti anokosha kuna Mwari?
Jesu akabatsira sei Mariya Magadharini kuti aone kuti aikosha kuna Jehovha? (Ona ndima 10-11)
11. Jesu akabatsira sei Mariya Magadharini kuti aone kuti anokosha kuna Mwari? (Onawo mifananidzo.)
11 Jesu akaita kuti Mariya Magadharini abatane naye paaifamba achiparidza.b Izvi zvakaita kuti arambe achibatsirwa nezvinhu zvaidzidziswa naJesu. Jesu akazviratidzawo kwaari musi chaiwo waakamutswa. Mariya Magadharini aiva mumwe wevadzidzi vekutanga kutaura naJesu musi iwoyo. Jesu akabva amutuma kuti anoudza vaapostora vake kuti akanga amutswa. Zvese izvi zvakamubatsira kuti anyatsoona kuti aikosha kuna Jehovha!—Joh. 20:11-18.
12. Chii chaiita kuti Lidia afunge kuti haambofi akadiwa nevamwe?
12 Sezvinogona kunge zvakaitika kuna Mariya Magadharini, vamwe vanhu mazuva ano vanonzwa sekuti hapana munhu anogona kuvadawo. Lidia uyo anobva kuSpain akataura kuti amai vake pavaiva nepamuviri pake vaifunga nezvekubvisa pamuviri pacho. Kunyange paakanga achiri mudiki chaizvo anoyeuka kuti amai vake vaisatombova nehanya naye uye vaigara vachimutuka. Lidia anoti: “Chandaingodawo muupenyu kudiwa nevamwe. Ndaifunga kuti hapana achazombondidawo nekuti amai vangu vakanga vaita kuti ndifunge kuti ndaiva munhu akaipa.”
13. Chii chakabatsira Lidia kuti aone kuti anokosha kuna Jehovha?
13 Zvinhu zvakachinja Lidia paakatanga kudzidza Bhaibheri. Kunyengetera kuna Jehovha, kuverenga Bhaibheri uye zvinhu zvakanaka zvaiitwa uye zvaitaurwa nehama nehanzvadzi dzake zvakamubatsira kuti anzwisise kuti anokosha kuna Jehovha. Lidia anoti: “Murume wangu anogara achindiudza kuti anondida. Anogara achindiyeuchidza nezveunhu hwakanaka hwandiinahwo. Uyewo dzimwe shamwari dzangu ndizvo zvadzinoitawo.” Kungofanana naLidia, muungano menyu munogona kunge muine mumwe munhu anoda kubatsirwawo kuti anzwisise kuti anokosha kuna Jehovha. Uye iwewe unogona kumubatsira nezvaunoita uye nezvaunotaura.
ZVATINGAITA KUTI TIZVIONE SEMAONERWO ATINOITWA NAJEHOVHA
14. 1 Samueri 16:7 inotibatsira sei kuti tizvione semaonerwo atinoitwa naJehovha? (Onawo bhokisi rakanzi “Nei Jehovha Achikoshesa Vanhu Vake?”)
14 Yeuka kuti maonerwo aunoitwa naJehovha akasiyana nemaonerwo aunoitwa nevanhu vari munyika. (Verenga 1 Samueri 16:7.) Vanhu vakawanda vari munyika vanokoshesa munhu zvichibva pakuti anoratidzika sei, ane mari yakawanda sei kana kuti akadzidza kusvika papi. Asi Jehovha haadaro. (Isa. 55:8, 9) Saka edza kuzviona semaonerwo aunoitwa naJehovha, kwete semaonerwo aunoitwa nevanhu vari munyika. Unogona kuverenga nyaya dziri muBhaibheri dzinoratidza kuti Jehovha aikoshesa vanhu vaimbozviona sekuti havakoshi vakadai saEriya, Naomi naHana. Unogona kunyora zvinhu zvakaitika muupenyu hwako zvinokuratidza kuti Jehovha anonyatsokuda uye anokukoshesa. Uye unogona kuverengawo dzimwe nyaya dziri mumabhuku edu dzinoratidza kuti Jehovha anokuda.c
15. Nei Jehovha akati Dhanieri aiva “munhu anokosha chaizvo?” (Dhanieri 9:23)
15 Gara uchizviyeuchidza kuti unokosha kuna Jehovha nekuti wakatendeka kwaari. Muprofita Dhanieri paakanga ava nemakore ekuma90 akambonzwa ‘akaparara nekuneta’ uye akaora mwoyo. (Dhan. 9:20, 21) Jehovha akamukurudzira sei? Mwari akatuma Gabrieri kuti anoyeuchidza Dhanieri kuti aiva munhu anokosha chaizvo uye kuti minyengetero yake yakanga yanzwiwa. (Verenga Dhanieri 9:23.) Chii chakaita kuti Mwari akoshese Dhanieri zvakadaro? Chimwe chakaita kuti amukoshese zvakadaro kwaiva kuda kwaaiita zvinhu zvakarurama uye kutendeka kwake. (Ezek. 14:14) Jehovha akaita kuti nyaya iyoyo inyorwe muShoko rake kuitira kuti tinyaradzwe. (VaR. 15:4) Jehovha anonzwawo minyengetero yako uye anokukoshesa nekuti unoda kuita zvinhu zvakarurama uye wakatendeka kwaari.—Mika 6:8; VaH. 6:10.
16. Chii chinogona kukubatsira kuti ugare uchiyeuka kuti Jehovha ndiBaba vako vanokuda?
16 Yeuka kuti Jehovha ndiBaba vako uye vanokuda. Vanoda kukubatsira kwete kukutsvagira mhosva. (Pis. 130:3; Mat. 7:11; Ruka 12:6, 7) Kufungisisa izvi kwakabatsira vanhu vakawanda vaimbozviona sekuti havakoshi. Mumwe akabatsirwa nekufungisisa izvi ndiMichelle imwe hanzvadzi yekuSpain. Ainzwa sekuti akanga asingadiwi uye akanga asingakoshi nemhaka yekuti kwemakore akawanda murume wake aigara achimuudza magaramwoyo. Michelle anoti: “Pese pandinonzwa sekuti handibatsire ndinoedza kufungidzira Jehovha akanditakura mumaoko ake achindidzivirira uye achindiratidza kuti anondida.” (Pis. 28:9) Lauren imwe hanzvadzi yekuSouth Africa anogara achizviyeuchidza kuti: “Kana Jehovha akaita kuti ndiuye kwaari uye ava nemakore ese aya achindibatsira kuti ndirambe ndiri pedyo naye, achitondishandisa kuti ndibatsire vamwe, zvinoreva kuti ndinokosha chaizvo kwaari uye ndine zvandinotobatsirawo.”—Hos. 11:4.
17. Chii chichakubatsira kuti unyatsobvuma kuti Jehovha anokufarira? (Pisarema 5:12) (Onawo mufananidzo.)
17 Nyatsobvuma kuti Jehovha anokufarira. (Verenga Pisarema 5:12.) Dhavhidhi akafananidza kufarirwa kwatinoitwa naJehovha “nenhoo huru” inodzivirira vanhu vakarurama. Kuziva kuti Jehovha anokufarira uye anokutsigira kunogona kukubatsira kuti usanyanye kunetseka uchifunga kuti haukoshi. Asi unozviziva sei kuti Jehovha anokufarira? Sezvatadzidza, Jehovha akatipa Shoko rake kuti atiyeuchidze kuti anotida zvakadini. Uyewo anoshandisa vakuru, shamwari dzako dzepedyo nevamwewo kuti vakuyeuchidze kuti unokosha kwaari. Unofanira kuita sei kana vamwe vakataura zvinhu zvakanaka nezvako?
Kuziva kuti Jehovha anotifarira kunogona kutibatsira kuti tisazvione sekuti hatikoshi (Ona ndima 17)
18. Vamwe vanhu pavanotaura zvakanaka nezvako nei uchifanira kuzvibvuma?
18 Kana vaya vanonyatsokuziva uye vanokuda vakakuudza zvinhu zvakanaka nezvako, usafunge kuti vari kukunyepera. Yeuka kuti Jehovha anogona kunge achitovashandisa kuti vakubatsire kubvuma kuti anokufarira. Michelle ambotaurwa nezvake anoti: “Zvishoma nezvishoma ndiri kudzidza kubvuma kuti zvinhu zvakanaka zvinenge zvataurwa nevamwe pamusoro pangu ndezvechokwadi. Hazvisi nyore kwandiri asi ndinoziva kuti izvi ndizvo zvandinotarisirwa naJehovha kuti ndiite.” Michelle akabatsirwawo nevakuru kuti aone kuti Jehovha anomuda. Iye zvino ava piyona wenguva dzese uye anobatsirawo pabasa repaBheteri ari kumba.
19. Nei tichikwanisa kunyatsobvuma kuti tinokosha kuna Mwari?
19 Jesu akatiyeuchidza kuti tinokosha chaizvo kuna Baba vedu vekudenga. (Ruka 12:24) Saka ziva kuti Jehovha anokukoshesa. Usambofa wakazvikanganwa! Uye shanda nesimba kuti ubatsire vamwe kuti vaone kuti Mwari anovakoshesa!
RWIYO 139 Zvione Uripo, Zvese Zvava Zvitsva
a Mamwe mazita akachinjwa.
b Mariya Magadharini aiva pakati pevakadzi vaifamba naJesu. Vakadzi ava vaishandisa zvinhu zvavo pakushumira Jesu nevaapostora vake.—Mat. 27:55, 56; Ruka 8:1-3.
c Semuenzaniso, onawo chitsauko 24 chebhuku raSwedera Pedyo naJehovha uye verenga magwaro uye nyaya dziri pamusoro wakanzi “Kusava nechokwadi” zviri mubhuku raMagwaro Anobatsira Pakurarama kwechiKristu.