MARCH 2-8, 2026
RWIYO 97 Shoko raMwari Upenyu
Ramba Uchibvuma Kutungamirirwa naJehovha
RUGWARO RWEDU RWEGORE RWA2026: “Vanofara vaya vanoziva kuti vanoda kutungamirirwa naMwari.”—MAT. 5:3.
ZVATICHADZIDZA
Tichadzidza kuti zvii zvatinofanira kuita kuti Jehovha arambe achititungamirira muupenyu kuitira kuti tinyatsofara.
1. Zvinhu zvipi zvinodiwa nevanhu kuti vafare? (Mateu 5:3)
JEHOVHA anoziva zvatinoda kuti tirarame. Semuenzaniso tinoda zvekudya, zvekupfeka nepekugara. Kana tikashaya zvinhu izvi, tinogona kufa kana kuti upenyu hunogona kutiomera. Jehovha anozivawo kuti pane chimwe chinhu chatinoda. Tinofanira kumuziva uye kutungamirirwa naye. (Verenga Mateu 5:3.) Kuti tinyatsofara, tinofanira kunzwisisa kuti zvakakosha kuti tive neushamwari naMwari uye tirambe tichivimba naye.
2. Vaya vanoziva kuti vanoda kutungamirirwa naMwari vakafanana papi nemunhu anopemha?
2 Mashoko akashandurwa kuti “vaya vanoziva kuti vanoda kutungamirirwa naMwari” anopa pfungwa yemunhu anenge achipemha. Fungidzira munhu ari kupemha akapfeka hembe dzine tsvina uye dzakabvaruka. Zvaari zvinoita kuti vanhu vasatomboda kuva pedyo naye. Nzara iri kumupedza simba uye haana mufaro. Anoswera achitsva nezuva uye usiku anenge achigwagwadza nechando. Munhu uyu anoziva kuti anotofanira kukumbira kubatsirwa kuti avezve nesimba uye ararame. Ndizvo zvinoitwa nevaya vanoziva kuti vanoda kutungamirirwa naMwari. Vanokumbira nemwoyo wese kuti avabatsire uye vanoda kumuteerera.
3. Tichakurukurei munyaya ino?
3 Munyaya ino, tichatanga nekuona kuti zvii zvatinodzidza kubva pane zvakaitwa nemumwe mukadzi wechiFenikiya akakumbira Jesu kuti amubatsire. Tichadzidza kuti zvii zvatingatevedzera pamukadzi iyeye kuitira kuti tirambe tichitungamirirwa naJehovha. Tichazokurukurawo zvakaitwa nevamwe varume vakaratidza kuti vaida kutungamirirwa naMwari vanoti: muapostora Petro, muapostora Pauro uyewo Mambo Dhavhidhi.
ZVATINODZIDZA KUBVA KUNE MUMWE MUKADZI AKAKUMBIRA KUBATSIRWA
4. Mumwe mukadzi wechiFenikiya akakumbira Jesu kuti amuitirei?
4 Pane imwe nguva, mumwe mukadzi wechiFenikiya akaenda kuna Jesu. Mwanasikana wake aiva ‘nedhimoni raimutambudza.’ (Mat. 15:21-28) Mukadzi wacho akagwadama pamberi paJesu achikumbira kubatsirwa. Ngationei kuti tinodzidzei kubva pane zvakaitwa nemukadzi uyu paaikumbira Jesu kuti amubatsire.
5. Jesu akaitirei mukadzi wechiFenikiya, uye nei akadaro? (Onawo mufananidzo.)
5 Mukadzi wechiFenikiya akaratidza kuti ainyatsozvininipisa. Nei tichidaro? Nekuti haana kutsamwa nezvakataurwa naJesu. Jesu akamufananidza netumbwanana twaichengetwa nevanhu vaisava vaJudha. Kudai uri iwe wakaudzwa mashoko iwayo, ungadai wakaita sei? Ungadai wakagumbuka wobva watoramwa here? Mukadzi wechiFenikiya haana kudaro. Akaratidza kuzvininipisa uye akaramba achikumbira Jesu kuti amubatsire. Chii chakaita kuti adaro? Aitenda muna Jesu. Uye Jesu akabayiwa mwoyo nekutenda kwakasimba kwemukadzi uyu zvekuti akasarudza kumubatsira. Akabvisa dhimoni raiva pamwanasikana wemukadzi uyu pasinei nekuti akanga amboti akatumwa kuzobatsira “makwai akarasika eimba yaIsraeri” chete.
Mukadzi wechiFenikiya aifanira kuzvininipisa, kuramba achikumbira kubatsirwa uye kuva nekutenda kuitira kuti Jesu amubatsire (Ona ndima 5)
6. Nyaya yemukadzi wechiFenikiya inotidzidzisei?
6 Kana tichida kutungamirirwa naJehovha, tinofanira kutevedzera mukadzi wechiFenikiya. Tinofanira kuzvininipisa, kuramba tichikumbira kubatsirwa uye kuva nekutenda kwakasimba. Kana munhu asingazvininipisi haakwanise kuramba achikumbira kubatsirwa naMwari. Tinofanirawo kuva nekutenda kwakasimba muna Kristu Jesu uyewo kuvimba nevaya vaanoshandisa kuti atungamirire vanhu vake. (Mat. 24:45-47) Jehovha naJesu vanofara patinozvininipisa, patinoramba tichikumbira kuti vatibatsire uye patinoratidza kutenda kwakasimba. Kana tikadaro, vachatibatsira uye vachatitungamirira. (Enzanisa naJakobho 1:5-7.) Ngationei kuti Jehovha anotitungamirira sei uye kuti anotipa sei zvatinoda kuti tifare. Tichaonawo kuti tingatevedzera sei muapostora Petro, muapostora Pauro uye Mambo Dhavhidhi.
RAMBA UCHIDZIDZA SHOKO RAMWARI
7. Jesu akaudza Petro kuti aitei, uye iye Petro wacho aifanira kuitei? (VaHebheru 5:14–6:1)
7 Funga zvakaitwa nemuapostora Petro. Aiva mumwe wevaJudha vekutanga kuziva kuti Jesu ndiye aiva Mesiya uye kuti ndiye aishandiswa naJehovha kudzidzisa vanhu “mashoko eupenyu husingaperi.” (Joh. 6:66-68) Asati adzokera kudenga, Jesu akapa Petro murayiro wekuti: “Ipa makwai angu madiki zvekudya.” (Joh. 21:17) Petro akanyatsoita zvaakaudzwa naJesu uye Jehovha akatomushandisa kunyora tsamba mbiri dziri muBhaibheri. Asi Petro aifanirawo kuramba achidzidza Shoko raMwari. Panguva iyoyo, Pauro ane tsamba dzaakanga afemerwa kuti anyore uye Petro aidzidza zvaiva mutsamba idzodzo. Petro akataura kuti zvimwe zvinhu zvaiva mutsamba dzacho zvakanga “zvakaoma kunzwisisa.” (2 Pet. 3:15, 16) Asi Petro akaramba achidzidza zvinhu izvozvo. Aiva nekutenda kwekuti Jehovha aizomubatsira kuzvinzwisisa uye kuzvishandisa.—Verenga VaHebheru 5:14–6:1.
8. Petro akaita sei paakapiwa murayiridzo mutsva kubva kuna Jehovha?
8 Petro akaratidza kuti aitenda muna Jehovha paakateerera murayiro waakapiwa. Semuenzaniso paaiva muguta reJopa, Petro ane zvaakaoneswa naMwari. Akaoneswa ngirozi yaJehovha ichimuudza kuti auraye uye adye mhuka dzainzi hadzina kuchena muMutemo waMozisi. KuvaJudha kudya mhuka idzodzo kwaiva kutyora Mutemo. Pakutanga Petro akapindura kuti: “Hazviiti Ishe, nekuti handina kumbobvira ndadya chinhu chakasviba, chisina kuchena.” Akabva audzwa kuti: “Rega kuti zvinhu zvacheneswa naMwari zvakasviba.” (Mab. 10:9-15) Petro akateerera achibva achinja mafungiro ake. Nei tichidaro? Achingobva kuoneswa zvinhu izvi, pakasvika varume vatatu vakanga vatumwa nemurume akanga asiri muJudha ainzi Koniriyasi. Varume vacho vakaudza Petro kuti Koniriyasi aida kumuona. Kudai Petro akanga asina kuoneswa zvinhu izvi, aisambobvuma kuenda kumba kwemunhu akanga asiri muJudha. VaJudha vaiti vanhu vemamwe marudzi havana kuchena. (Mab. 10:28, 29) Asi Petro paakanzwisisa kuti Jehovha akanga ava kuda kuti vanhu vemarudzi ese vanzwe mashoko akanaka, haana kumbononoka kuchinja mafungiro ake, achibva ateerera. (Zvir. 4:18) Petro akaparidzira Koniriyasi neimba yake uye akafara chaizvo paakavaona vese vachitenda muna Jesu, vachigamuchira mweya mutsvene uye vachibhabhatidzwa.—Mab. 10:44-48.
9. Kudzidza zvinhu zvakaoma kunzwisisa kunotibatsira sei?
9 Tinofanira kuramba tichidzidza Shoko raMwari sezvaiitwa naPetro. Kazhinji tinowanzodzidza zvinhu zviri nyore kunzwisisa. Asi tinofanirawo kudzidza zvinhu zvakadzama. Izvi zvinotoda kuti tiwane nguva yekunyatsodzidza Shoko raMwari uye tishande nesimba kuti tiedze kuzvinzwisisa. Nei tichifanira kudaro? Izvi zvichatibatsira kuti tidzidze zvimwe zvinhu nezvaJehovha zvichaita kuti tiwedzere kumuda uye kumuremekedza. Uyewo zvichaita kuti tive nechido chakasimba chekuudza vamwe nezvaBaba vedu vekudenga vanoshamisa. (VaR. 11:33; Zvak. 4:11) Kubva pane zvakaitwa naPetro, tinodzidzawo kuti panogadziridzwa manzwisisiro atinoita Shoko raMwari, tinofanira kukurumidza kuchinja mafungiro nemaitiro edu. Kana tikadaro, Jehovha acharamba achititungamirira uye tichakwanisa kuramba tichimushumira takatendeka.
IVA NEUNHU HUNOFADZA MWARI
10. Maererano naVaKorose 3:8-10, zvii zvatinofanira kuita kuti tifadze Jehovha?
10 Kana tichida kufara uye kutungamirirwa naJehovha, tinofanira kuva neunhu hunomufadza. Jehovha anotidzidzisa zvatinofanira kuita kuti tive neunhu ihwohwo. (Verenga VaKorose 3:8-10.) Zvinotora nguva uye zvinotoda kushanda nesimba kuti tive neunhu hunofadza Mwari. Chimbofunga nezvaPauro. Kubvira paaiva mudiki, aishanda nesimba kuti afarirwe naMwari. (VaG. 1:14; VaF. 3:4, 5) Asi akanga asinganyatsonzwisisi zvaidiwa naMwari saka aisakwanisa kumufadza. Pauro aisazivawo zvakadzidziswa naJesu. Aizvikudza saka aiita zvinhu zvakanga zvisingafadzi Mwari. Ndosaka Pauro akataura kuti aiva ‘munhu aiita zvakaipa.’—1 Tim. 1:13.
11. Unhu hupi hwakaipa hwaiva naPauro hwaaitofanira kushanda nesimba kuti asiye? Tsanangura.
11 Asati ava muKristu, Pauro aiva munhu asingatani kutsamwa. Imwe nyaya iri mubhuku raMabasa inotaura kuti Pauro akanga akagumbukira vadzidzi vaJesu zvekuti akanga atori ‘neshungu dzekuvatyisidzira uye kuvaponda.’ (Mab. 9:1) Saka pashure pekunge ava muKristu, Pauro aitofanira kushanda nesimba kuti adzidze kudzora hasha dzake. Uye ndizvo zvaakaita. Akazova munhu ane mwoyo murefu uye anobata vamwe zvakanaka. (VaEf. 4:22, 31) Kunyange zvakadaro, Pauro paakatadza kuwirirana naBhanabhasi pane imwe nyaya, ‘vakapopotedzana zvikuru.’ (Mab. 15:37-39) Zvakaitwa naPauro musi iwoyo hazvina kufadza Mwari asi akaramba achishanda nesimba kuti ave neunhu hunofadza Jehovha.—1 VaK. 9:27.
12. Chii chakabatsira Pauro kuti arambe achiedza kuva neunhu hunofadza Jehovha?
12 Pauro akakwanisa kuchinja unhu hwake nekuti aizvininipisa. (VaF. 4:13) Kungofanana naPetro, aisavimba nesimba rake pachake, asi aivimba ‘nesimba raaipiwa naMwari.’ (1 Pet. 4:11) Kunyange zvakadaro, dzimwe nguva Pauro aikanganisa uye izvozvo zvaiita kuti aore mwoyo. Asi paaiora mwoyo, aifunga nezvezvinhu zvakanaka zvaakaitirwa naBaba vake vekudenga uye izvozvo zvaimupa simba rekuti arambe achiedza kuva neunhu hunofadza Jehovha.—VaR. 7:21-25.
13. Tingatevedzera sei Pauro?
13 Kunyange kana tava nemakore akawanda tichishumira Jehovha, tinofanira kuramba tichishanda nesimba kuti tive neunhu hunofadza Jehovha. Tese tinokanganisa. Semuenzaniso, tinogona kutadza kudzora hasha dzedu kana kutaura mashoko anorwadzisa mumwe munhu. Kana izvozvo zvikaitika, hatifaniri kubva taora mwoyo. Asi tinofanira kuramba tichishanda nesimba kuti tichinje mafungiro edu nemaitiro edu. (VaR. 12:1, 2; VaEf. 4:24) Tinofanirawo kuyeuka kuti kana tichida kuramba tichichinja unhu hwedu, tinofanira kubvuma kudzidziswa naJehovha uye kunyatsoziva zvaanoda.
ITA KUTI JEHOVHA AKUDZIVIRIRE
14-15. Jehovha anotidzivirira sei? (Pisarema 27:5) (Onawo mufananidzo.)
14 Kuti tinyatsofara, tinodawo kudzivirirwa naJehovha. Jehovha anotidzivirira sei uye zvii zvatingaita kuti atidzivirire?
15 Mambo Dhavhidhi aiziva kuti Jehovha aizomudzivirira paaiomerwa. (Verenga Pisarema 27:5.) Jehovha anodzivirira sei vanhu vake mazuva ano? Haabvumiri kuti mumwe munhu kana kuti chimwe chinhu chiparadze kutenda kwevanhu vake. Akatotaura kuti hapana chombo chakagadzirirwa kurwisa vanhu vake chichabudirira. (Pis. 34:7; Isa. 54:17) Kunyange zvazvo Satani, madhimoni ake nevanhu vanotitambudza vaine simba, Jehovha ane simba rinovapfuura. Kunyange kana vakatiuraya, Jehovha achatimutsa. (1 VaK. 15:55-57; Zvak. 21:3, 4) Jehovha anotibatsirawo paya patinenge tichinetseka. Anoita izvi kuitira kuti tisarega kumushumira. (Zvir. 12:25; Mat. 6:27-29) Uye Baba vedu vane rudo vakaita kuti tive mumhuri yehama nehanzvadzi dzinotitsigira uye vakatipawo vakuru kuti vatikurudzire. (Isa. 32:1, 2) Patinoungana pamwe chete, tinogara tichiyeuchidzwa zvatinofanira kuita kuti tirambe tichidzivirirwa naJehovha.—VaH. 10:24, 25.
Imwe hanzvadzi iri pamisangano pamwe chete nehama nehanzvadzi dzayo. Izvozvo zvinoratidza kuti inoda kudzivirirwa naJehovha (Ona ndima 14-15)
16. Jehovha akadzivirira sei Dhavhidhi?
16 Jehovha akadzivirira sei Dhavhidhi? Dhavhidhi paaiteerera Jehovha, Jehovha aimubatsira kuti aite zvisarudzo zvakanaka uye izvozvo zvaiita kuti Dhavhidhi afare. (Enzanisa naZvirevo 5:1, 2.) Asi Dhavhidhi paaitadza kuteerera Mwari, Jehovha aisamudzivirira kuti asasangana nezvinhu zvakaipa zvaikonzerwa nezvisarudzo zvaainge aita. (2 Sam. 12:9, 10) Asi dzimwe nguva, Dhavhidhi aisangana nezvinhu zvakaoma asi asina chaakanganisa. Panguva dzakadaro, ainyengetera achiudza Jehovha zvaiva pamwoyo pake uye Jehovha aimubatsira kuti asanetseke nekuita kuti azive kuti aimuda uye kuti aizomubatsira.—Pis. 23:1-6.
17. Tingatevedzera sei Dhavhidhi?
17 Tinogona kutevedzera Dhavhidhi kana tikanyengetera kuna Jehovha uye tikatsvaga kuti Shoko rake rinoti kudii kuitira kuti tikwanise kuita zvisarudzo zvakanaka. Tinonzwisisawo kuti dzimwe nguva patinosangana nezvinhu zvakaoma, haisi nyaya yekuti Jehovha anenge atadza kutidzivirira asi tinenge taita zvisarudzo zvisina kunaka. (VaG. 6:7, 8) Uye paya patinosangana nezvinhu zvakaoma asi tisina chatakanganisa, tinonyengetera tichiudza Jehovha zviri pamwoyo pedu, tichivimba kuti achachengetedza mwoyo yedu nepfungwa dzedu.—VaF. 4:6, 7.
RAMBA UCHIBVUMA KUTUNGAMIRIRWA NAJEHOVHA
18. Zvii zvinogona kutitadzisa kuti tirambe tichida kutungamirirwa naMwari, uye zvii zvatingaita kuti tirambe tichitungamirirwa naye? (Onawo mifananidzo.)
18 Rugwaro rwedu rwegore rwa2026 runoti: “Vanofara vaya vanoziva kuti vanoda kutungamirirwa naMwari.” Mazuva ano, zvinotonyanya kukosha kuti tizive kuti tinoda kutungamirirwa naMwari. Nei zvakadaro? Nekuti vanhu vakawanda vari munyika havabvumi kuti vanoda kutungamirirwa naMwari. Vamwewo ndivo vanotenda muna Mwari asi vanomunamata nenzira yavanoda ivo. Vamwe vanotsvaga kutungamirirwa nevanhu. Zvese izvozvo zvinoita kuti vasafara. Hatifaniri kutevedzera vanhu ivavo. Saka tinofanira kuita sei kuti tisavatevedzera? Tinofanira kuramba tichidzidza Shoko raMwari, tichishanda kuti tive neunhu hunomufadza uye tichimuteerera kuitira kuti atidzivirire.
Tinofanira kuramba tichidzidza Shoko raMwari, kushanda kuti tive neunhu hunomufadza uyewo kutsvaga kudzivirirwa naye (Ona ndima 18)a
RWIYO 162 Ndinoda Kutungamirirwa naMwari
a KUTSANANGURWA KWEMIFANANIDZO: Hanzvadzi iri kudzidza Nharireyomurindi kuratidza kuti inoda kutungamirirwa naJehovha. Iri kuitirawo vamwe zvakanaka nekuti inoda kufadza Jehovha uye iri kubvumawo kukurudzirwa nevakuru.