Suo Guru Rebasa Rakazaruka
1 Semuparidzi anoshingaira wemashoko akanaka, Pauro akatsvaka nokudisa ndima dzakanga dzichida kushandwa zvikuru, imwe yadzo yakanga iri guta reEfeso. Akabudirira zvakaisvonaka zvikuru mukuparidza ikoko zvokuti akanyorera vaKristu biyake achiti: “Ndazarurirwa mukova mukuru une basa guru.” (1 VaK. 16:9) Pauro akapfuurira kubatira mundima iyoyo uye akabetsera vaEfeso vakawanda kuti vave vatendi.—Mabasa 19:1-20, 26.
2 Nhasi, suo guru rinotungamirira kubasa rakatizarurirwa. Tinokokwa kunobetsera ungano dzisingakwanisi kushanda ndima dzadzo dzose zvakakwana gore rimwe nerimwe. Nokudaro nhamburiko dzedu dzinogona kutsiva kushayiwa kuri munzvimbo dzakati.—Enzanisa na2 VaKorinte 8:13-15.
3 Unogona Kubatira Kunoda Kushandwa Zvikuru Here? Wakamborangarira nokunyengetera kubvira kwekushanda kune imwe nzvimbo here? Ungakwanisa kubetsera ungano muguta renyu chairo. Kuregererei kutaura nemutariri wedunhu nezvenhau yacho ndokunzwa zvaanokarakadza? Kana kuti kungava kuti mukati mendima yenyu chaiyo, mune vanhu vakawanda vanotaura mutauro wokumwe vasina kumbokwanisa kutarisirwa nomumwe munhu. Kuti ugovere uku kushayiwa, ungagona kuzvishandisa kuti udzidze mutauro wavo here? Zvekare, zvimwe kunotova nerimwe boka remutauro kana kuti ungano iri pedyo yave ichi‘kumbira Tenzi vamwe vashandi voUmambo.’ (Mat. 9:37, 38) Kana zvakadaro, unogona kubetsera here?
4 Mumakumi emakore achangobva kupfuura, zviuru zvemhuri dzechiKristu zvakatamira kudzimwe nyika kuti dzigoverane zvakazara zvikuru mubasa rekukohwa. Vamwe varoorani vakaita izvi vakati: “Taida kubatira Jehovha kwataigona kuita zvakanakisisa zvikuru.” Kana une chishuvo ichi uye uchizviwana zvichibvira kutamira kuimwe nzvimbo munyika ino kana kuti kana uchikwanirisa kubatira muimwe nyika, tanga kukurukura gadziriro dzako nevakuru veungano yenyu.
5 Kana uchishuva kubvunza Sosaiti pamusoro pekunoda kushandwa, ipa Dare Rebasa Reungano tsamba inotsanangura chishuvo chako chaicho. Vachabatanidza tsinhiro dzavo ndokuitumira kuSosaiti. Muchiitiko chipi nechipi, chero bedzi suo guru rinotungamirira kubasa richiramba rakazarurwa, tose zvedu ngatipfuurirei kuramba takabatikana mubasa raJehovha.—1 VaK. 15:58.