RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g94 7/8 pp. 25-27
  • Fambiro Mberi Mukurapa Kurwadziwa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Fambiro Mberi Mukurapa Kurwadziwa
  • Mukai!—1994
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Uko Kurwadziwa Kunorapwa
  • Marapirwe Okurwadziwa
  • Kariro Dzokuporeswa
  • Kurwadziwa Kusingazovipozve
    Mukai!—1994
  • Kunopfuura Muvengi Ane Utsinye
    Mukai!—1994
  • Nokukurumidza—Nyika Isina Marwadzo!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Upenyu Husina Kurwadziwa Hwava Pedyo!
    Mukai!—1994
Ona Zvimwe
Mukai!—1994
g94 7/8 pp. 25-27

Fambiro Mberi Mukurapa Kurwadziwa

KUSVIKIRA munguva ichangobva kupfuura iyi vanachiremba vashomanene vaiziva zvikuru kwazvo pamusoro pokurwadziwa, uye vazhinji vachiri vasingazivi. Dr. John Liebeskind, purezidhendi wekare weInternational Pain Foundation, makore mashomanene apfuura akati: “Handifungi kuti kune chikoro chezvokurapa munyika umo maawa anopfuura mana mumakore mana anopedzwa mukudzidzisa vadzidzi kunzvera ndokurapa zvinetso zvokurwadziwa.”

Fambiro mberi mukunzwisisa kurwadziwa, zvisinei, yakaitika panguva imwe cheteyo nenhamburiko huru mukurapa. Nokudaro, mugariro wavatamburi vokurwadziwa wakajeka. “Tose tinogona kuva vanoonga,” magazini yeAmerican Health yakashuma kudaro, “kuti zvino vezvokurapa voziva kuti kurwadziwa kusingarapiki hakusiri chiratidzowo zvacho, asi hosha inorapika mairi imene.” Uyu murangariro wakabetsera kuwedzero huru muchiverengero chekiriniki dzakagoverwa kurapa kurwadziwa.

Uko Kurwadziwa Kunorapwa

Dr. John J. Bonica akavhura kiriniki yokutanga younyanzvi hwose hwokurapwa kwokurwadziwa muUnited States. “Pakasvika 1969 kwakanga kune kiriniki dzakadaro gumi bedzi munyika,” akashuma kudaro. Asi chiverengero chekiriniki dzakagoverwa kurapa kurwadziwa chakawedzera zvinoshamisa mumakore 25 apfuura. Zvino kwava nekiriniki dzokurwadziwa dzinopfuura chiuru, uye mumiriri wesangano renyika rebetsero yokuwedzera yokurwadziwa kusingarapiki akati “itsva dzinovhurwa rinenge zuva riri rose.”a

Funga icho ikoku kunoreva! “Zvino varwere vaisifanira kufamba mazana kana kuti zviuru zvamakiromita kuti vawane nyaradzo kubva mukurwadziwa kwakakomba vanogona kuiwana pedyo napamusha,” akadaro Dr. Gary Feldstein, nyanzvi yomushonga wokuradzika muNew York City. Kana uriwe uri kutambura, chikomborero chakadini chakunogona kuva kuwana betsero kubva kuchikwata chenyanzvi dzakarovedzwa kurapa kurwadziwa!

Linda Parsons, mudzimai womutariri anofambira weZvapupu zvaJehovha, akatambura kurwadza kwomusana kwamakore mazhinji. Akatsvaka betsero kubva pane mumwe chiremba pashure pomumwe, bva kurwadziwa kwake kwakapfuurira pasina kuderera. Rimwe zuva muna May gore rapera, pedyo nokupererwa nezano rose, murume wake akanhonga bhuku rorunhare ndokutarisa pasi pakurwadziwa. Pakanga pakarongwa nhamba yorunhare yekiriniki yokurwadziwa kusiri kure nokwavakanga vachibatira kumaodzanyemba kweCalifornia. Rangano yakaitwa, uye mazuva mashomanene gare gare Linda akasangana nachiremba kuti awane nzvero yokutanga.

Gadziriro dzakaitwa dzokurapa Linda somurwere asingagari muchipatara. Akatanga kushanyira kiriniki katatu pavhiki nokuda kwokurapwa uye akatevedzerawo imwe purogiramu yokurapa ari pamusha. Muvhiki shomanene, akatanga kunzwa vandudziko inocherekedzeka. Murume wake anotsanangura, kuti: “Ndinoyeuka achitaura munodokuva mukushamisika humwe usiku, ‘handingagoni kudavira kuti handitongonzwi kurwadziwa.’” Mumwedzi mishomanene, shanyo dzenguva dzose kuchipatara dzaigona kuregwa.

Betsero iyo Linda akawana kurapa kurwadziwa kwake yakafanana neiyo inogoverwa nekiriniki zhinji dzounyanzvi hwose hwokurapwa kwokurwadziwa. Kiriniki yakadaro inoshandisa unyanzvi hwechikwata chenyanzvi dzoutano, icho, mukuwirirana naDr. Bonica, chiri “nzira yakanakisisa yokubata nayo nokurwadziwa kusingarapiki.” Somuenzaniso, Linda akarapwa sei kurwadziwa kwake?

Marapirwe Okurwadziwa

Bhurocha rekiriniki rinorondedzera muitiro pakusvika: “Munhu mumwe nomumwe anonzverwa nachiremba kuti awane manyuko okurwadziwa uye ipapo nharidzano chaidzoidzo nepurogiramu dzokurapa zvinorongwa. . . . Mitoo nenzira zvounyanzvi zvinoshandiswa kubetsera muviri mukubudisa ma‘endorphin’ (makemikoro anobudiswa nomutoo womuzvarirwo mumuviri) kuderedza kurwadziwa nefunganyo ndokudzivisa kutsamira pamirimo.”

Pakati pokurapa Linda akawana paiva neacupuncture uye TENS, iro rinomirira transcutaneous (pamusoro peganda) electrical nerve stimulation. Akawana kurapa kwenyanduro yamagetsi pakiriniki uye akagoverwa TENS unit duku yokushandisa kumusha. Biofeedback—muitiro umo murwere anodzidziswa kunzvera kuita kwomuviri wake uye kukuvandudza kuderedza tapuro yokurwadziwa—wakashandiswawo.

Kurapa kwomuviri, kubatanidza kukwiza muviri kukuru, kwaiva rutivi rwegadziriro yokurapa. Pashure penguva yakati, asi pashure bedzi pokunge Linda agadzirira nokuda kwako, purogiramu yokurovedza muviri mukamuri remitambo rekiriniki yakatangwa, uye yakava rutivi runokosha rwegadziriro yokurapa. Kurovedza muviri kunokosha, sezvo kwakawanwa kuti kunodzorera maendorphin anoderedzwa nokurwadziwa kusingarapiki. Denho, zvisinei, ndeyokubetsera vanhu vari kurwadziwa kushandisa purogiramu yokurovedza muviri inobetsera.

Vatamburi vazhinji vokurwadziwa kusingarapiki vanouya kukiriniki vari kutora zvitsama zvikuru zvemishonga, uye Linda haahesvurwi. Asi nokukurumidza akanga abviswa pamishonga, iri nharidzano inokosha yekiriniki dzokurwadziwa. Linda haana kuva nezviratidzo zvokurwadziwa somuuyo wokurega kwake kushandisa mishonga yakati, bva hakusiri kwenguva dzose. Nyanzvi yokurwadziwa Dr. Ronald Melzack yakataura kuti mu“nzvero yavanyajambwa vokutsva vanopfuura 10 000. . . . hapana chinoitika chimwe chokupindwa muropa kwapashure chaigona kunzi chakaparirwa nemishonga yakapiwa nokuda kwokunyaradza kurwadziwa mukati mokugara muchipatara.”

Sezvo kuchiwanzova norutivi rukuru rwendangariro kukurwadziwa kusingaperi, kiriniki dzinoedza kubetsera varwere, chaizvoizvo, kuderedza kurwadziwa kwavo. “Chaunofunga pamusoro pacho,” anotsanangura kudaro Dr. Arthur Barsky, purofesa paHarvard Medical School, “chaunokarira, ngwariro yaunopa kukunzwa kwako—zvinhu zvose izvozvi zvine tapuro huru kutaura idi pane zvaunonzwa.” Naizvozvo varwere vanobetserwa kupa ngwariro panhau dzisiri kurwadziwa kwavo.

Kariro Dzokuporeswa

Idzi kiriniki itsva dzokurwadziwa imhinduro kuzvinetso zvokurwadziwa zvorudzi rwomunhu here? Kunyange zvazvo mitoo yokurapa kurwadziwa yarondedzerwa pano ichigona kuva inobetsera, munhu anofanira kushandisa ngwariro mukusarudza kiriniki inokwanisa kana kuti nyanzvi yokurwadziwa. Kunyange zvakadaro, kariro dzinofanira kuva chaidzoidzo.

Kuenzanisira nenyaya chaiyoiyo yakaitika: Stephen Kaufman, musimudzi wamasimbi wekare weOlympic, akasiiwa odokuva chirema nemhaka yokurwadziwa kusingarapiki uko akatambura apo gororo rakamupfura pamutsipa. Pashure pemwedzi misere ari mupurogiramu yokurapa kurwadziwa, akakwanisa kudzokera kubasa kwenguva yakazara uye pakupedzisira kunyange kukusimudza masimbi kwamakwikwi. Bva akati: “Kazhinji kazhinji, zvigunwe zvangu zvomumakumbo zvinopisa sokunge zviri mumvura iri kuvira.”

Naizvoizvo pasinei hapo nefambiro mberi yose inofadza, hakubviri namano ohunhu kuzadzika chipikirwa cheBhaibheri, chinoti: ‘Kurwadziwa hakuchazovipozve.’ (Zvakazarurwa 21:4) Ipapoka, nharidzano iyoyo inogona kuwanwa sei?

[Mashoko Omuzasi]

a Mukai! haitsigiri kiriniki yokurwadziwa ipi neipi yakati kana kuti mutoo wokurapa.

[Mufananidzo uri papeji 26]

Mitoo yokurapa kurwadziwa, kubatanidza nyanduro yetsinga yamagetsi

[Kwazvakatorwa]

Courtesy of Pain Treatment Centers of San Diego

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe