RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwbq nyaya 22
  • Chii Chinonzi Umambo hwaMwari?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chii Chinonzi Umambo hwaMwari?
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mhinduro yeBhaibheri
  • Chokwadi nezveUmambo hwaMwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2020
  • Chii Chinonzi Umambo hwaMwari?
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Pasi Rava Pedyo Nokuva Paradhiso!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Umambo hwaMwari
    Mukai!—2013
Ona Zvimwe
Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
ijwbq nyaya 22
Jesu Kristu akagadzwa kuva mambo weUmambo hwaMwari

Umambo hwaMwari / Chii Chinonzi Umambo hwaMwari?

Mhinduro yeBhaibheri

Umambo hwaMwari ihurumende chaiyo yakatangwa naJehovha Mwari. MuBhaibheri “umambo hwaMwari” hunonziwo “umambo hwokudenga” nokuti hunotonga huri kudenga. (Mako 1:​14, 15; Mateu 4:​17, Bhaibheri Dzvene muChiShona Chanhasi) Marongerwo ahwakaitwa hwakada kuti fananei nehurumende dzevanhu, asi hwaMwari hwakanyanya kunakisisa.

  • Vatongi. Mwari akagadza Jesu Kristu kuti ave Mambo weUmambo hwake uye akamupa masimba anodarika evatongi vose. (Mateu 28:​18) Jesu anongoshandisa simba iri pakuita zvakanaka, sezvo akatoratidza kuti Mutungamiriri akavimbika uye anonzwira tsitsi. (Mateu 4:​23; Mako 1:​40, 41; 6:​31-​34; Ruka 7:​11-​17) Achitungamirirwa naMwari, Jesu akasarudza vanhu vanobva kumarudzi ose avo “vachatonga semadzimambo pamusoro penyika” uye vachatonga naye vari kudenga.​—Zvakazarurwa 5:​9, 10.

  • Nguva ichatora Umambo hwacho huchitonga. Kusiyana nehurumende dzevanhu dzinouya dzichienda, Umambo hwaMwari ‘hauzomboparadzwi.’​—Dhanieri 2:44.

  • Vachatongwa neUmambo hwacho. Munhu wose anoita zvinodiwa naMwari achararama achitongwa neUmambo hwaMwari, pasina zvokuti uri wedzinza ripi uye wakaberekerwa kupi.​—Mabasa 10:​34, 35.

  • Mitemo yacho. Mitemo (kana mirayiro) yeUmambo hwaMwari haingogumiri pakurambidza tsika dzakaipa. Inoita kuti vanorarama pasi pemitemo yacho vave netsika dzakanaka chaizvo. Somuenzaniso, Bhaibheri rinoti: “‘Ida Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose nepfungwa dzako dzose.’ Uyu ndiwo murayiro mukuru pane yose uye wokutanga. Wechipiri, wakafanana nawo, ndouyu, ‘Ida muvakidzani wako sezvaunozviita.’” (Mateu 22:​37-​39) Kuda kwavanoita Mwari nomuvakidzani kunoita kuti vanhu vanorarama vachitongwa neUmambo uhwu vade kuitira vamwe zvakanaka.

  • Dzidzo. Umambo hwaMwari hunoda kuti vanhu vanorarama vachitongwa nahwo vave nemararamiro akanakisisa, saka hunovadzidzisa kuti vangararama sei saizvozvo.​—Isaya 48:​17, 18.

  • Chinangwa chahwo. Umambo hwaMwari hahudzvanyiriri vanhu huchiita kuti vatongi vave noupenyu hwakanaka. Asi huchaita kuda kwaMwari, kunosanganisira vimbiso yokuti vaya vanomuda vachararama panyika ichange yava paradhiso nekusingaperi.​—Isaya 35:​1, 5, 6; Mateu 6:​10; Zvakazarurwa 21:​1-4.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe