RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwyp nyaya 70
  • Ndingaita Sei Kuti Ndidzore Manzwiro Andinoita?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndingaita Sei Kuti Ndidzore Manzwiro Andinoita?
  • Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zvinokonzerwa nei?
  • Zvinhu zvitatu zvaunogona kuita
  • Ndinogona Sei Kudzora Manzwiro Angu?
    Mukai!—2005
  • Mirangariro Yakashata—Unogona Kuikurira Here?
    Mukai!—1992
  • Ndingadzora Sei Manzwiro Angu?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda Bhuku 2
  • Madzidzire Akaita Vamwe Kuti Vakurire Mirangariro Yakashata
    Mukai!—1992
Ona Zvimwe
Vechidiki Vanobvunza Kuti
ijwyp nyaya 70
Mwana ari kudhirowa chiso chemunhu ari kufara uye chemunhu akasuwa

VECHIDIKI VANOBVUNZA KUTI

Ndingaita Sei Kuti Ndidzore Manzwiro Andinoita?

“Mumwe musi ndinenge ndichifara zvekuti asi mumwe musi ndinenge ndakasuwa. Zvinhu zvandaimbotora sezvisina basa, ndozvinenge zvava kundishayisa mufaro.”​—Carissa.

Manzwiro aunoita akaita semugwagwa une mabhambo here wekuti pamwe wakakwirira pamwe wakadzikira?a Kana izvozvo zvichimboitika kwauri, nyaya ino inogona kukubatsira!

  • Zvinokonzerwa nei?

  • Zvinhu zvitatu zvaunogona kuita

  • Zvinotaurwa nevezera rako

Zvinokonzerwa nei?

Kana uchiri kuyaruka, zvinowanzoitika kuti unogona kungoerekana wasuruvara, asi iwe wambenge uchifara. Kunyange paunenge wava kuda kusvika makore 20, izvi zvinogona kunge zvichiri kutoitika.

Kana uri kunetseka nekuti chii chinomboita kuti zvidaro, unofanira kuziva kuti izvozvo zvinowanzokonzerwa nekuchinja kwemahomoni. Chimwewo chinoita kuti zvidaro inyaya yekunetseka kunowanzoita munhu paanenge achiyaruka nekuti anenge asingazivi kuti zvichazonyatsofamba sei. Asi unogona kuziva zvinoita kuti unzwe saizvozvo wokwanisa kudzora manzwiro ako.

Chokwadi ndechekuti: Kudzidza kudzora manzwiro ako uchiri mudiki kunozokubatsira paunenge wakura.

Mukomana ari kuedza kunzvenga makomba ari mumugwagwa

Kunzwa wakasuruvara kwakafanana nemakomba ari mumugwagwa. Ukashandisa unyanzvi unogona kunzvenga akanyanya kukura acho kuitira kuti ufambe zvakanaka

Zvinhu zvitatu zvaunogona kuita

Udza mumwe munhu. Bhaibheri rinoti: “Shamwari yechokwadi ine rudo nguva dzose, uye ihama inoberekerwa kubatsira pakunenge kuine kutambudzika.”​—Zvirevo 17:17.

“Kumba kwedu tine mumwe sahwira wedu wandinoona satete vangu. Vanonditeerera pandinenge ndichitaura, uye ndinonzwa ndakasununguka kuvaudza zvinenge zvichindinetsa. Kana zvandinenge ndichitaura zviine musoro, vanondirumbidza, asi kana ndiri kurasika vanobva vandidzoreredza zvakanaka.”​—Yolanda.

Zano: Pane kungoudza vezera rako vanenge vachinzwa sezvaunenge uchiita, unogona kutaura nevabereki vako kana kuti nemunhu mukuru waunovimba naye.

Nyora. Bhaibheri rinoratidza kuti Jobho paakanga achirwadziwa akati: “Ndichataura pamusoro pokunetseka kwangu. Ndichataura mweya wangu uchirwadziwa!” (Jobho 10:1) Pane kungoudza mumwe munhu nezvemanzwiro ako, unogona kuita zvekunyora pasi.

“Pese pandinenge ndiri ndinenge ndiine kabhuku kekunyorera. Pakangoitika zvinhu zvinondigumbura ndinobva ndazvinyora pasi. Kuzvinyora kunoita kuti ndinzwe zviri nani.”​—Iliana.

Zano: Iva nepaunonyorera manzwiro aunenge uchiita, zvinenge zvaita kuti unzwe saizvozvo uye zvaungaita kuti udzore manzwiro iwayo. Pepa rezvandakaronga kuita rinoenderana nenyaya ino rinogona kukubatsira kuti uite izvozvo.

Nyengetera. Bhaibheri rinoti: “Kanda mutoro wako pana Jehovha, iye achakutsigira. Haazombobvumiri munhu akarurama kuti azununguke.”​—Pisarema 55:22

“Ndinogara ndichinyengetera kuna Jehovha kana ndiine zvinenge zvichindinetsa. Pese pandinomuudza zvinenge zviri pasi pemwoyo wangu ndinobva ndanzwa kurerukirwa.”​—Jasmine.

Zano: Pasinei nekuti uri kunetseka zvakanyanya, funga zvinhu zvitatu zvaunotenda muupenyu hwako. Paunonyengetera kuna Jehovha, mukumbire kuti akubatsire uye mutendewo nezvaakakuitira.

Zvinotaurwa nevezera rako

Daniel

VaFiripi 4:6 inotiudza kuti tiudze Mwari zvinhu zvinenge zvichitidya mwoyo “pamwe chete nokuonga.” Pandinonyengetera ndinotsvaga chinhu chitsva chekuti nditende Jehovha kuti ndiratidze kuti ndinomuonga. Izvi zvinoita kuti ndisanyanya kunetseka.”​—Daniel.

Jessica

“Dzimwe nguva ndinonzwa zvichindiremera kuudza Jehovha zviri pasi pemwoyo wangu, asi handiregi kumuudza. Kunyengetera kunondibatsira kuti ndione kuti Jehovha anotida chaizvo uye kuti pasina nguva ‘achapukuta misodzi yose pamaziso edu,’ sezvinotaurwa neBhaibheri pana Zvakazarurwa 21:4.”​—Jessica.

a Nyaya ino ichataura nezvedambudziko iri rinosangana nevechidiki vakawanda. Kana uine bipolar disorder kana chimwe chirwere chedepression, ona nyaya yakanzi “Ndingaita Sei Kana Ndiine Depression?”

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe