RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g92 10/8 pp. 3-4
  • Mirangariro Yakashata—Unogona Kuikurira Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mirangariro Yakashata—Unogona Kuikurira Here?
  • Mukai!—1992
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Tinogona Kudzora Kufunga Kwedu
  • Mirangariro Yakashata—Inogona Sei Kukurirwa?
    Mukai!—1992
  • Madzidzire Akaita Vamwe Kuti Vakurire Mirangariro Yakashata
    Mukai!—1992
  • Ndinogona Sei Kudzora Manzwiro Angu?
    Mukai!—2005
  • Jehovha Anogona Kukubatsira Paunombozvidya Mwoyo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2026
Ona Zvimwe
Mukai!—1992
g92 10/8 pp. 3-4

Mirangariro Yakashata—Unogona Kuikurira Here?

“CHOKWADIKA KWETE! Mirangariro yakashata ine simba zvikurusa. Handina chisarudzo kunze kwokuitsungirira kutozosvikira yapfuura.”

Ndiwo mapindurire anoita vazhinji kupfungwa yokukurira mirangariro yakadai sefunganyo, rutyo, kutsamwa, vhiringidziko, kuva nemhaka, kuzvinzwira tsitsi, uye kupera mwoyo. Asi mirangariro iyoyo inogona kukurirwa. Panzvimbo pokutera kwairi pari pose painomuka, unogona kudzidza kuderedza ukuru hwayo, zvimwe kunyange kuibvisa.

Chokwadika, pane musiano une revo pakati pemirangariro yakashata yenguva dzose inotamburwa nomunhu ari wose nokuora mwoyo kwakakomba. Kwapashure kungada kurapa kwounyanzvi. Kwokutanga hakudi, uye iyi ndiyo mirangariro yatinogona kudzidza kugonana nayo.

Chaizvoizvo, haisati iri mirangariro yakashata yose inokuvadza. Somuenzaniso, paunoita mhosho yakakomba, ungaratidzira kuzvidemba mukuwirirana nemhosho yacho. Kana ikoku kukakusunda kuti uiruramise ndokudzivisa kuidzokorora munguva yemberi, ipapo murangariro watova netapuro yakanaka yenhambo yenguva refu. Kana kuti itiro hanya yenguva dzose yaungave unayo pamusoro pechinetso ingakusunda kubata nayo nesimba ndokutsvaka chigadzikiso chakati kuti. Ikokowo kuita kwakanaka.

Zvisinei, zvakadiniko kana pashure pokunge waita zvaunogona nenzira ine mufungo kururamisa mhosho, kunzwa kwako kwokuva nemhaka kana kuti kwokusava namaturo kuchiri kwakaomerera kwauri, zvimwe kuchipfuurira kwenguva refu pashure pakwo? Kana kuti zvakadiniko kana pashure pokunge wagadzikisa chinetso kusvikira kutambanuko inobvira, kunzwa kwako kwokuva namaturo kunosara uye kuchitokura? Ipapo kuita kwemirangariro yako kungakuita kuti usuruvare. Ko zvino, unogona sei kukurira kuita ikoko kwemirangariro? Chinhu chinokosha chingawanwa mukudzora kufunga kwedu.

Tinogona Kudzora Kufunga Kwedu

Vazhinji vanoshanda mune zvoutano hwendangariro vanotaura kuti kunzwa kwedu kunoparirwa nemifungo yedu. Somuenzaniso, Dr. Wayne W. Dyer anoratidzira, kuti: “Haungagoni kuva nokunzwa (murangariro) usina kutanga kufunga.” Dr. David D. Burns akapfuurirazve kutaura, kuti: “Ruvengo rwuri rwose rwaunova narwo muuyo wokufunga kwakashata kwakavhiringidzika.”

Nomutoo unofadza, Bhaibheri nenzira yakafanana rinoti zvakawanda zvezvatinonzwa zvinoparirwa nechisarudzo chedu chemifungo, nokudaro rinosimbisa kudikanwa kwokudzora kufunga kwedu. Cherekedza ndima dzinotevera:

“Mazuva ose omunhu anotambudzika akashata; asi munhu akanaka pamwoyo ane mutambo nguva dzose.”—Zvirevo 15:15, NW.

“Musaenzaniswa netsika ino yezvinhu, asi shandurwai kupfurikidza nokushandura ndangariro yenyu, kuti mugozvibvumikisira mumene kuda kwakanaka nokunogamuchirika uye kwakakwana kwaMwari.”—VaRoma 12:2, NW.

“Tinopinza mufungo uri wose muutapwa kuuita kuti uteerere Kristu.”—2 VaKorinte 10:5, NW.

“Munofanira kupfekenura hunhu hwekare hunowirirana nenzira yomufambire wenyu wekare . . . ; munofanira kuvandudzwa musimba rinosimbisa ndangariro yenyu, uye munofanira kupfeka hunhu hutsva hwakasikwa mukuwirirana nokuda kwaMwari mukururama kwechokwadi noruvimbiko.”—VaEfeso 4:22-24, NW.

“Zvinhu zvipi kana zvipi zvechokwadi, zvinhu zvipi kana zvipi zveitiro hanya yakakomba, zvinhu zvipi kana zvipi zvakarurama, zvinhu zvipi kana zvipi zvakachena, zvinhu zvipi kana zvipi zvinodiwa, zvinhu zvipi kana zvipi zvinotaurwa zvakanaka nezvazvo, runako rupi kana rupi ruripo uye chinhu chipi kana chipi chinorumbidzwa chiripo, pfuurirai kurangarira zvinhu izvozvi.”—VaFiripi 4:8, NW.

“Itai kuti ndangariro dzenyu dzinangidzirwe pazvinhu zviri kumusoro, kwete pazvinhu zviri pamusoro papasi.”—VaKorose 3:2, NW.

Sezvo kunzwa kwako kuri zvikurukuru chibereko chokufunga kwako, chinhu chinokosha chokukurira mirangariro yako yakashata ndechokudzora mifungo inoitsigira. Nenhamburiko yakakwana nenguva, iwe unogona kudzora mifungo yako. Naizvozvo muuyo uno mufungo ndowokuti unogona kuita zvimwe chetezvo kukunzwa kwako.

Chokwadi, kuri nyore kutaura kuti tinogona kukurira mirangariro yedu yakashata. Asi ndichimwewozve chinhu kukuita chaizvoizvo. Ko zvino, tinogona sei kupfuurira kugonana neiyi mirangariro ingatiparira chinetso chikuru kwazvo?

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 4]

Haisati iri mirangariro yose yakashata inokuvadza

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe