Madzidzire Akaita Vamwe Kuti Vakurire Mirangariro Yakashata
PADZIMWE nguva munhu ari wose anova nemirangariro yakashata. Nemhaka yezvinetso zvakakomba, zvakadai sechirwere chakakomba, kukwegura, kana kuti rufu rwavadikani, vamwe vangava nemirangariro yakashata yakakomba zvikuru inogona kutapura nomutoo wakashata upenyu hwavo.
Zvisinei, kunyange pakati pavapashure, pane avo vakadzidza kudzora iyi mirangariro kuti vagone kupfuurira murubudiriro nemibato yavo yezuva nezuva. Inotevera mienzaniso yavakadaro, savakabvunzurudzwa nemagazini yaMukai!
Janis anorapwa nokuda kwechirwere chinotapura mirangariro yake. Zvisinei, anoti: “Ndakawana kuti nzira inobudirira zvikuru yokugonana nayo nechinetso chacho ndeyokudzora mifungo yangu. Ndinoita ikoku kupfurikidza nokuitira vamwe zvinhu, zvakadai sokubika zvingwa uye kusona. Ndinoitawo nhamburiko chaiyo yokufungisisa yeuko dzinofadza uye zvinoitika zvomunguva yemberi zvandinokarira. Nemhaka yechirwere changu, hapana nechimwe chaikoku chiri nyore. Padzimwe nguva kungava kuri nyore zvikuru kutera ndokupera mwoyo. Asi miuyo yakanaka inokodzera nhamburiko yacho.”
Pashure pamakore 45 eroorano, murume waEthel akafa. Kunyange zvazvo asina kupfuudzira muitiro wokusuruvara, Ethel anokwanisa kudzora mirangariro yake. Iye anotsanangura, kuti: “Ndinozviita kuti ndirambe ndakabatikana mukuitira vamwe zvinhu. Somuenzaniso, ndinofarikanya kudzidzisa vamwe pamusoro pamadonzo aMwari saanowanwa muBhaibheri. Mumwe mukadzi muduku akafara zvikuru pamusoro pezvinhu zvakanaka zvaakanga achidzidza zvokuti kuonga kwake kwakandibetsera kuva anofara zvikuru. Sezvandinorereudzira ngwariro pazvinhu zvakanaka zviri muBhaibheri kuti ndidzidzise vamwe, kunobetsera kugombedzera kubudisa mifungo yakashata iri mundangariro mangu. Zvakare, vakadzi vaduku vanouya kwandiri nokuda kwebetsero vaine zvinetso zvakasiana-siana, uye kutaura pamusoro pezvinhu zvakanaka zvavanogona kuita muupenyu hwavo kunondibetserawo kukurira mirangariro yakashata.”
Kwamakore mazhinji Arthur akanga ararama upenyu hwakabatikana, hwokushingaira. Ipapo, nemhaka yechirwere chakakomba, aitofanira kurega basa rokunyika ndokuganhurira mubato wose wokunze kwomusha. Kwemwedzi mizhinji Arthur akanzwa asina maturo uye akapera mwoyo. Akabata sei nouku kunzwa? “Ndakarega kufungisisa pamusoro pezvandisati ndaigonazve kuita. Panzvimbo pakwo, ndakarereudzira ngwariro pane zvandingaita kuti ndibetsere vamwe vanhu kuzvivandudza vamene uye kuvakurudzira apo vaiva vakapera mwoyo. Zvandaiva ndakaganhurirwa pamusha wangu, ndaishandisa runhare kakawanda. Zvandakava akabatikana mukubetsera nokukurudzira vamwe, ndakanga ndine nguva shoma yokuzvinzwira urombo.”
Pashure penhevedzano yenjodzi, kubatanidza norufu rwomurume wake, Nita nomutoo wokunzwisisa akatambura rusuruvaro rwakakomba uye kupera mwoyo. Mukufambira mberi kwenguva akadzidza kudzora kunzwa ikoko: “Apo kunzwa kworusuruvaro kunondibata, ndinotsvaka chokubudisa nacho chinovaka. Ndinozvimanikidza kufamba kuti ndifurwe nemhepo, ndiridzire runhare shamwari ine mutsa, nditeerere nziyo, kana kuti kuita chinhu chipi nechipi chandinoziva muruzivo rwokuzviwanira kuti chichanyevenutsa kupera mwoyo. Ndinoedza kuzvibata ndimene nomutoo wokunzwira tsitsi kungofanana nezvandaizoita shamwari yakanaka.”
Mary akava nezvinetso zvakakomba zvokurapwa kwamakore 32. Akaganhurirwa pawheelchair, anobva pamusha bedzi nokuda kwokuenda kurangano nachiremba. Ko Mary anodzivisa sei kuva anomomoterwa nokuora mwoyo? Iye anotsanangura, kuti: “Murume wangu ave achitsigira zvikurusa. Uyewo, kazhinji kazhinji ndinorava nhau dzinovaka. Ndinoridzira runhare shamwari dzangu nguva dzose, uye kazhinji kazhinji ndinotanga kudzikokera kumba kwedu. Ndinofarikanya shanyo dzadzo uye handishandisi nhambo idzedzo kuti ndinyunyute kana kuti kupinda mukuzvinzwira urombo. Handipedzi nguva ndichifungisisa pamusoro pezvinhu zvakashata muupenyu hwangu nokuti ndine zvinhu zvakanaka zvizhinji kwazvo zvinondibetsera.”
Margaret kupfurikidza nomuzvarirwo mufungi chaiye. “Apo mifungo yakashata inobuda,” iye anodaro, “ndinotsvaka kuva pamwe nomufungi akanaka—kwete wezvokufungidzira—asi mumwe munhu anosanondiziva uye achandiyeuchidza nezvorubudiriro rwangu nokundikurudzira.”
Rose Marie akava nokuvhiiwa kukuru kushanu kwamakore mazhinji, uye iye nomurume wake vakava nenzufu nomwe mumhuri dzokwavo munhambo yemisi ichangobva kupfuura iyi yegore nehafu. Zvirokwazvo, muuyo waikoku wakaparira mirangariro yakashata. Zvisinei, havafungisisi pamusoro pezvinhu izvozvo. Zvavari Zvapupu zvaJehovha, vanotsigirwa netariro yakanaka neinonyaradza inopiwa neBhaibheri yenyika itsva yakarurama yava pedyo umo Mwari “achapukuta musodzi uri wose pameso avo, uye rufu rusati ruchizovapozve, kana kuti kuchema kana kuti kurira kana kuti marwadzo hazvisati zvichizotongovapozve.” Kunyange vakafa vachamutswa, nokuti sezvakataurwa naJesu, “awa iri kuuya umo vose avo vari mumarinda eyeuko vachanzwa [inzwi roMwanakomana waMwari] ndokubuda.”—Zvakazarurwa 21:4; Johane 5:28, 29, NW.
[Mufananidzo uri papeji 9]
Janis anodzora mirangariro yake kupfurikidza nokuitira vamwe zvinhu, kufungisisa yeuko dzinofadza, uye kukarira zvinoitika zvomunguva yemberi