RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Jeremiya 44
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri mubhuku Jeremiya

      • Kuziviswa kwedambudziko richawira vaJudha kuIjipiti (1-14)

      • Vanhu vanoramba kuteerera Mwari (15-30)

        • “Mambokadzi Wedenga” anonamatwa (17-19)

Jeremiya 44:1

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “muMemfisi.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 43:4, 7
  • +Eze 29:10; 30:6
  • +Eze 30:18
  • +Jer 46:14; Eze 30:16
  • +Eze 29:14; 30:14

Jeremiya 44:2

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 25:9, 10; Jer 39:8
  • +Mari 1:1

Jeremiya 44:3

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 11:17
  • +Dhe 13:6-9; 32:17; Jer 19:4

Jeremiya 44:4

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “ndichimukira mangwanani ndichivatuma.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mak 36:15, 16; Isa 65:2; Jer 7:24-26; 35:15

Jeremiya 44:5

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 19:13

Jeremiya 44:6

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 6:11; Jer 39:8

Jeremiya 44:7

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “kuunzira mweya yenyu.”

Jeremiya 44:8

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 9:7; Jer 24:9; 42:18

Jeremiya 44:9

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 21:19, 20; 24:8, 9
  • +1Mad 11:1-3
  • +Jer 44:19

Jeremiya 44:10

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “kuzvidemba.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 36:22-24
  • +Dhe 6:1, 2

Jeremiya 44:12

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 30:13
  • +Jer 42:17, 18

Jeremiya 44:13

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “nechirwere.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 21:9; 42:22; 43:11

Jeremiya 44:15

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 43:4, 7
  • +Jer 44:1

Jeremiya 44:17

Mashoko Emuzasi

  • *

    Zita rekuremekedza ramwarikadzi ainamatwa nevaIsraeri vainge vapanduka; zvichida aiva mwarikadzi wekubereka.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 7:18

Jeremiya 44:18

Mashoko Emuzasi

  • *

    Zita rekuremekedza ramwarikadzi ainamatwa nevaIsraeri vainge vapanduka; zvichida aiva mwarikadzi wekubereka.

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    5/15/1999, pp. 13-14

Jeremiya 44:19

Mashoko Emuzasi

  • *

    Zita rekuremekedza ramwarikadzi ainamatwa nevaIsraeri vainge vapanduka; zvichida aiva mwarikadzi wekubereka.

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Shanduro yeNyika Itsva (2019), p. 1965

Jeremiya 44:21

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 11:13; Eze 16:24, 25

Jeremiya 44:22

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 9:8, 9; Mari 2:15; Eze 33:29

Jeremiya 44:23

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mak 36:15, 16; Dha 9:11

Jeremiya 44:25

Mashoko Emuzasi

  • *

    Zita rekuremekedza ramwarikadzi ainamatwa nevaIsraeri vainge vapanduka; zvichida aiva mwarikadzi wekubereka.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 7:18; 44:15, 17

Jeremiya 44:26

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 20:39
  • +Isa 48:1, 2; Jer 5:2

Jeremiya 44:27

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 1:10
  • +Jer 44:12

Jeremiya 44:28

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 26:44; Isa 27:13; Jer 44:14

Jeremiya 44:30

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “mweya wake.”

  • *

    ChiHeb., “Nebhukadrezari.” Ichi ndechimwewo chiperengo chacho.

  • *

    Kana kuti “mweya wake.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 25:7; Jer 34:21; 39:5

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Jer. 44:1Jer 43:4, 7
Jer. 44:1Eze 29:10; 30:6
Jer. 44:1Eze 30:18
Jer. 44:1Jer 46:14; Eze 30:16
Jer. 44:1Eze 29:14; 30:14
Jer. 44:22Mad 25:9, 10; Jer 39:8
Jer. 44:2Mari 1:1
Jer. 44:3Jer 11:17
Jer. 44:3Dhe 13:6-9; 32:17; Jer 19:4
Jer. 44:42Mak 36:15, 16; Isa 65:2; Jer 7:24-26; 35:15
Jer. 44:5Jer 19:13
Jer. 44:6Isa 6:11; Jer 39:8
Jer. 44:81Mad 9:7; Jer 24:9; 42:18
Jer. 44:92Mad 21:19, 20; 24:8, 9
Jer. 44:91Mad 11:1-3
Jer. 44:9Jer 44:19
Jer. 44:10Jer 36:22-24
Jer. 44:10Dhe 6:1, 2
Jer. 44:12Eze 30:13
Jer. 44:12Jer 42:17, 18
Jer. 44:13Jer 21:9; 42:22; 43:11
Jer. 44:15Jer 43:4, 7
Jer. 44:15Jer 44:1
Jer. 44:17Jer 7:18
Jer. 44:21Jer 11:13; Eze 16:24, 25
Jer. 44:221Mad 9:8, 9; Mari 2:15; Eze 33:29
Jer. 44:232Mak 36:15, 16; Dha 9:11
Jer. 44:25Jer 7:18; 44:15, 17
Jer. 44:26Eze 20:39
Jer. 44:26Isa 48:1, 2; Jer 5:2
Jer. 44:27Jer 1:10
Jer. 44:27Jer 44:12
Jer. 44:28Re 26:44; Isa 27:13; Jer 44:14
Jer. 44:302Mad 25:7; Jer 34:21; 39:5
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
  • 26
  • 27
  • 28
  • 29
  • 30
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Jeremiya 44:1-30

Jeremiya

44 Iri ndiro shoko rakauya kuna Jeremiya pamusoro pevaJudha vese vari kugara munyika yeIjipiti,+ vaya vari kugara muMigdhori,+ muTapanhesi,+ muNofi*+ nemunyika yePatrosi,+ richiti: 2 “Zvanzi naJehovha wemauto, Mwari waIsraeri, ‘Makaona dambudziko rese randakaunzira Jerusarema+ nemaguta ese eJudha, uye nhasi ava matongo, uye hapana ari kugara maari.+ 3 Imhaka yezvakaipa zvavakaita vachindigumbura nekuenda kunopa zvibayiro+ uye kunoshumira vamwe vanamwari vavasina kumbobvira vaziva ivo vacho, kana imi, kana madzitateguru enyu.+ 4 Ndakaramba ndichikutumirai vashumiri vangu vese vaprofita, ndichivatuma ndavatumazve,* ndichiti: “Ndapota musaita zvinhu zvakadai zvinosemesa uye zvandinovenga.”+ 5 Asi ivo havana kuteerera kana kurereka nzeve dzavo kuti vasiye zvakaipa zvavo vachirega kupa vamwe vanamwari zvibayiro.+ 6 Saka kutsamwa kwangu nehasha dzangu zvakadururwa, zvikabvira mumaguta eJudha nemumigwagwa yeJerusarema, akangosara ava matongo asina chinhu, sezvaari nhasi.’+

7 “Zvino zvanzi naJehovha, Mwari wemauto, Mwari waIsraeri, ‘Nei muri kuzviunzira* dambudziko guru, richaita kuti varume vese nevakadzi, vana nevacheche vese vaparare muJudha, pasina anosara? 8 Munondigumburirei nemabasa emaoko enyu, muchipa zvibayiro kune vamwe vanamwari munyika yeIjipiti yamakaenda kunogara? Muchaparara mova chinhu chinoshandiswa pakutuka uye chinhu chinoshorwa pakati pemarudzi ese epanyika.+ 9 Makanganwa here mabasa akaipa chaizvo emadzitateguru enyu nemabasa akaipa chaizvo emadzimambo eJudha+ nemabasa akaipa chaizvo emadzimai awo,+ uyewo mabasa enyu akaipa chaizvo nemabasa akaipa chaizvo emadzimai enyu,+ akaitwa munyika yeJudha nemumigwagwa yeJerusarema? 10 Nanhasi havasi kuzvininipisa,* havasi kutya,+ uyewo havasi kufamba mumutemo wangu nemirau yangu yandakaisa pamberi penyu imi nemadzitateguru enyu.’+

11 “Saka zvanzi naJehovha wemauto, Mwari waIsraeri, ‘Ndasarudza kukuunzirai dambudziko, kuti ndiparadze vaJudha vese. 12 Ndichatora vaJudha vakasara avo vakashinga kuenda kunyika yeIjipiti kunogara ikoko uye vachaparara vese munyika yeIjipiti.+ Vachaurayiwa nebakatwa, uye vachapera nenzara; kubva kumudiki kusvika kumukuru, vachaurayiwa nebakatwa uye nenzara. Uye vachava chinhu chakatukwa, chinhu chinotyisa, chinoshorwa uye chinozvidzwa.+ 13 Ndicharanga vaya vari kugara munyika yeIjipiti, sekuranga kwandakaita Jerusarema nebakatwa, nenzara, uye nedenda.*+ 14 Uye vaJudha vakasara avo vakaenda kunogara kunyika yeIjipiti havazopukunyuki kana kupona kuti vadzokere kunyika yeJudha. Vachashuva kudzokera kuti vanogara ikoko, asi havazodzokeri, kunze kwevashoma vachapukunyuka.’”

15 Varume vese avo vaiziva kuti madzimai avo akanga achipa zvibayiro kune vamwe vanamwari, nemadzimai ese akanga akamira ipapo, vari boka guru, nevanhu vese vakanga vachigara munyika yeIjipiti,+ muPatrosi,+ vakapindura Jeremiya vachiti: 16 “Shoko rawatiudza muzita raJehovha hatisi kuzoriteerera. 17 Asi tichatoita mashoko ese atataura nemiromo yedu, kuti tipe Mambokadzi Wedenga* zvibayiro nekumudururira mipiro yezvinwiwa,+ sezvatakaita isu nemadzitateguru edu, madzimambo edu, nemachinda edu tiri mumaguta eJudha nemumigwagwa yeJerusarema, pataidya chingwa tichiguta, takapfuma, uye tisina kana dambudziko. 18 Kubva patakarega kupa Mambokadzi Wedenga* zvibayiro nekumudururira mipiro yezvinwiwa, hatisisina chatiinacho uye tapera nebakatwa nenzara.”

19 Uye madzimai akatiwo: “Pataipa Mambokadzi Wedenga* zvibayiro tichimudururira mipiro yezvinwiwa, takambomugadzirira makeke emupiro akaumbwa saiye, nekumudururira mipiro yezvinwiwa tisina kubvumirwa nevarume vedu here?”

20 Jeremiya akabva apindura vanhu vese, varume nemadzimai avo, nevanhu vese vaaitaura navo, achiti: 21 “Zvibayiro zvamakapa mumaguta eJudha nemumigwagwa yeJerusarema,+ imi nemadzitateguru enyu, nemadzimambo enyu, nemachinda enyu nevanhu vemunyika yacho, zvakayeukwa naJehovha uye zvakauya mumwoyo make! 22 Jehovha akazopedzisira asisakwanise kuramba achiona tsika dzenyu dzakaipa nezvinhu zvinosemesa zvamakaita, uye nyika yenyu yakava dongo, chinhu chinotyisa uye chinoshandiswa pakutuka, isina anoigara, sezvazviri nhasi.+ 23 Makapa zvibayiro izvi uye makatadzira Jehovha, muchirega kuteerera inzwi raJehovha, uye kufamba mumutemo wake, mumirau yake nemuzviyeuchidzo zvake, ndokusaka mawirwa nedambudziko iri, sezvazvava nhasi.”+

24 Jeremiya akabva ati kuvanhu vese nekuvakadzi vese: “Inzwai shoko raJehovha, imi vaJudha vese vari munyika yeIjipiti. 25 Zvanzi naJehovha wemauto, Mwari waIsraeri, ‘Zvamakataura nemiromo yenyu, imi nemadzimai enyu, makazvizadzisa nemaoko enyu nekuti makati: “Tichatozadzisa mhiko dzedu dzekuti tipe Mambokadzi Wedenga* zvibayiro nekumudururira mipiro yezvinwiwa.”+ Vakadzi imimi muchatozadzisa mhiko dzenyu, moita zvamakapika.’

26 “Saka inzwai shoko raJehovha, imi vaJudha vese vari kugara munyika yeIjipiti: ‘“Ndiri kupika nezita rangu guru,” anodaro Jehovha, “kuti zita rangu harichazoshandiswizve pakupika nechero murume weJudha+ munyika yese yeIjipiti anoti, ‘NaChangamire Ishe Jehovha mupenyu!’+ 27 Zvino ndiri kuramba ndakavatarisa kuti ndiunze dambudziko, kwete chinhu chakanaka;+ varume vese veJudha vari munyika yeIjipiti vachaparara nebakatwa uye nenzara, kusvikira vasisipo.+ 28 Vashoma chete ndivo vachapukunyuka bakatwa, vodzokera kunyika yeJudha vachibva kunyika yeIjipiti.+ Uye vaJudha vese vakasara, vakaenda kunyika yeIjipiti kunogara ikoko vachaziva kuti ishoko raani rakazadzika, ravo kana kuti rangu!”’”

29 “‘Ichi ndicho chiratidzo kwamuri,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha, ‘chekuti ndichakurangai munzvimbo ino, kuti muzive kuti mashoko angu ekuti ndichakuunzirai dambudziko achatozadzika. 30 Zvanzi naJehovha: “Ndiri kuisa Farao Hofra, mambo weIjipiti, mumaoko evavengi vake uye evaya vari kutsvaga kumuuraya,* sekuisa kwandakaita Mambo Zedhekiya weJudha muruoko rwaMambo Nebhukadhinezari* weBhabhironi, uyo aiva muvengi wake, achitsvaga kumuuraya.”’”*+

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe