RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwhf nyaya 1
  • Zvaungaita Kuti Udzore Hasha

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvaungaita Kuti Udzore Hasha
  • Mazano Ekubatsira Mhuri
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zvaunofanira kuziva
  • Zvaunogona kuita
  • Bhaibheri Rinotii Nezvehasha?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Kushatirwa Kwakaipa Here Nguva Dzose?
    Mukai!—1994
  • Chazvakaipira Kuva Nehasha
    Mukai!—2012
  • Kudzora Hasha
    Mukai!—2012
Ona Zvimwe
Mazano Ekubatsira Mhuri
ijwhf nyaya 1
Mudzimai akagumbuka kuti ari kusuka ndiro ega murume wake achiona TV

MAZANO EKUBATSIRA MHURI

Zvaungaita Kuti Udzore Hasha

Murume kana kuti mudzimai wako anoita chimwe chinhu chinokugumbura wobva waedza kusazviratidza. Asi mumwe wako anoona kuti pane zvisina kumira zvakanaka okubvunza nezvazvo. Unobva watowedzera kugumbuka. Ungaita sei kuti udzore hasha dzako panoitika zvinhu zvakadaro?

  • Zvaunofanira kuziva

  • Zvaunogona kuita

Zvaunofanira kuziva

  • Hasha dzinogona kukanganisa utano hwako. Ongororo dzakaitwa dzinoratidza kuti hasha dzinokonzera zvirwere zvakadai seBP, mwoyo, depression, uye dzinovhiringidza kugaiwa kwechikafu mumuviri. Hasha dzinokonzerawo kuti munhu ashayiwe hope, ashungurudzike, aite zvirwere zveganda uye sitiroko. Ndosaka Bhaibheri richiti: “Rega kutsamwa. . . , [nekuti kunokukuvadza].”—Pisarema 37:8.

  • Kunyepedzera kunge usina kugumbuka kunokuvadzawo. Kuramba takagumbuka kwakafanana nechirwere chinotikuvadza nechemukati. Semuenzaniso, unogona kupedzisira wava munhu anongoshora zvinhu zvese zvese. Izvi zvinoita kuti utadze kugarisana zvakanaka nemumwe wako uye zvinogona kutokanganisa wanano yenyu.

Zvaunogona kuita

  • Tsvaga zvakanaka zvinoitwa nemumwe wako. Nyora zvinhu zvitatu zvaunofarira pane mumwe wako. Paachazoita zvinhu zvinokugumbura, funga nezvezvinhu zvaunofarira paari zvawakanyora. Izvi zvinogona kukubatsira kuti udzore hasha dzako.

    Zvinotaurwa neBhaibheri: “Ratidzai kuti munoonga.”—VaKorose 3:15.

    Mudzimai ari kusuka ndiro achifunga kubatsirwa basa kwaanoitwa nemurume wake, kuteererwa kwaanoitwa paanenge achitaura uye kubatsirwa kwaanoitwa paanenge achirwara
  • Iva munhu anoregerera. Chekutanga, edza kuona zvinhu semaonerwo azvinoitwa nemumwe wako. Izvi zvichaita kuti uve munhu anonzwira tsitsi. (1 Petro 3:8) Chizvibvunza kuti, ‘Ndanyanya kutadzirwa here zvekuti handikwanisi kuregerera mumwe wangu?’

    Zvinotaurwa neBhaibheri: ‘Zvakanakira munhu kuti aregerere kudarika.’—Zvirevo 19:11.

  • Taura manzwiro ako zvine mutsa uye tanga wafunga. Usashandisa mashoko anoratidza kuti uri kupa mumwe wako mhosva. Semuenzaniso, panzvimbo pekutaura kuti, “Haundifoneri uchindiudzawo kuti uri kupi, hautomborina kana basa neni,” zviri nani uti, “Ndinonetseka kana kwadoka ndisingazivi kuti uri kupi.” Kutaura zvakanaka-naka kunogona kukubatsira kuti udzore hasha.

    Zvinotaurwa neBhaibheri: “Kutaura kwenyu ngakuve nenyasha nguva dzose, kwakarungwa nomunyu.”—VaKorose 4:6.

  • Nyatsoteerera mumwe wako. Kana wataura manzwiro ako, ipa mumwe wako mukana wekuti apindure usingamudimburiri. Kana apedza kutaura, dzokorora nemashoko mashoma zvaataura kuti uone kana zvawanzwa zviri izvo. Kungoteerera chete kunogona kukubatsira chaizvo kuti udzore hasha.

    Zvinotaurwa neBhaibheri: ‘Kurumidza kunzwa, unonoke kutaura.’—Jakobho 1:19.

Tim naJennifer

“Kana ukanyepedzera kuita seusina kugumbuka, dambudziko racho richaramba riripo uye uchazopedzisira wataura mashoko asina kunaka. Zviri nani kukurukura nezvedambudziko racho muchiremekedzana. Kana tapedza kutaurirana, ini nemurume wangu tinowanzoti, ‘Ngatichiitai zvinhu zvedu tichiwirirana.’”—Jennifer, nemurume wake, Tim.

Jade naCorey

“Chimwe chinhu chandinofarira pamurume wangu ndechekuti anogara achinditeerera uye anonzwisisa kana paine zviri kundinetsa. Kunyange kana asingabvumirani neni, anokoshesa zvandinotaura. Haaiti kuti ndinzwe sekuti zvandinotaura hazvina musoro.”—Jade, nemurume wake, Corey.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe