RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwex nyaya 10
  • Vakafunga kuti aiva Mufundisi wavo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vakafunga kuti aiva Mufundisi wavo
  • Zvakaitika
  • Mashoko Akafanana
  • Kuwana Chokwadi Panzvimbo Isingambofungirwi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
  • Zvibereko Zvekuparidza Nezvingoro Pasi Rese
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2018
  • Zvese Zvakabva Pakunyemwerera!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2021
  • Ndava Kuziva Mwari Wandinonamata
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
Ona Zvimwe
Zvakaitika
ijwex nyaya 10
Varume vaviri vari kutaura neChapupu kumakuva. Mumwe wacho ari kunongedzera kune vanhu vari paguva.

Vakafunga Kuti Aiva Mufundisi Wavo

Osman nemudzimai wake nemwanasikana wavo vaiparidzira nechingoro chemabhuku kunze kweyadhi yemakuva muChile. Pasina nguva mudungwe wevanhu vaiva pamariro wakasvika uchiridza mumhanzi une ruzha. Vamwe vanhu vaivapo vakafunga kuti Osman aiva mufundisi wekuchechi kwavo, saka vakaenda kwaari, vakamumbundira vachiti, “Maita henyu nekusvika nenguva, Mufundisi, tanga tichitarisira kuuya kwenyu!”

Kunyange zvazvo Osman akaedza kutsanangura, boka racho raiva neruzha harina kuzvinzwisisa. Kwapera maminitsi mashoma boka racho raenda kumakuva, vamwe vanhu vashoma vakadzoka ndokuti kwaari, “Mufundisi tamirira imi kumakuva.”

Ruzha rwacho parwakamboderera, Osman akakwanisa kutsanangura kuti aiva ani uye kuti nei aiva panzvimbo iyi. Pashure pekunge boka racho raratidza kusafara nekusauya kwemufundisi wavo, vakakumbira Osman vachiti, “Mungada kuuya here mutaure mashoko mashoma emuBhaibheri kuvanhu vari pano?” Osman akabvuma.

Pavaifamba vachienda kuguva, Osman akavabvunza nezvemufi wacho ndokufunga magwaro mashoma ekutaura navo. Paakasvika paguva, akaudza vanhu vaivapo kuti aiva ani ndokutsanangura kuti semumwe weZvapupu zvaJehovha, anoita basa rekuudza vanhu mashoko akanaka.

Zvadaro, achishandisa Zvakazarurwa 21:3, 4 uye Johani 5:28, 29, akatsanangura kuti hachisi chinangwa chaMwari kuti vanhu vafe. Akati, chokwadi, nekukurumidza Mwari achamutsa vakafa, uye vachawana mukana wekurarama nekusingaperi panyika. Osman paakapedza kutaura, vakawanda vakamumbundira neunyoro uye vakamutenda nekuvaudza kwaakaita “mashoko akanaka aJehovha.” Akabva adzokera kuchingoro chemabhuku. Vapedza kuviga, vamwe vaiva pamariro acho vakauya kuchingoro chemabhuku ndokubvunza Osman nemhuri yake mibvunzo yeBhaibheri. Vakabva vakurukura kwekanguva, uye vakatora anenge mabhuku ese aiva pachingoro.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe