GEORGIY PORCHULYAN | NYAYA YEUPENYU
“Kuda Kwandinoita Jehovha Kwandisimbisa”
Ndaiva nemakore 23 pandakaendeswa kumusasa wevasungwa munharaunda yeMagadan, kuSiberia. Ndaingova negore rimwe chete ndabhabhatidzwa semumwe weZvapupu zvaJehovha. Sezvo ndakanga ndichiri mutsva muchokwadi uye ndaiwanzoita zvinhu ndisina kunyatsofunga, pandakaedza kekutanga kuparidzira mumwe musungwa, takapotsa tarwa.
Asi chii chakaita kuti ndisiye zvechiKomonisiti, ndobatana nechitendero chaivengwa neHurumende? Uye rudo rwaJehovha nekundidzidzisa kwaaiita, zvakandibatsira sei kuvandudza unhu hwangu mumakore ese andaishandiswa zvakaoma ndiri mune imwe nyika?
Kuedza Kupedza Udzvinyiriri Uye Kutsvaga Rugare Rwepfungwa
Ndakaberekwa muna 1930, mune mumwe musha uri kuchamhembe kweMoldova waigara varombo unonzi Tabani. Vabereki vangu vaishanda zvakaoma pane rimwe purazi kuti vatiriritire sezvo taiva vana 6. Taiva varombo. Amai vangu vaipinda chechi yeRussian Orthodox uye baba vangu vaipinda Roma. Vabereki vangu vaigara vachipopotedzana nezvezvinhu zvakaipa zvaiitwa nevapristi.
Pandakanga ndava nemakore 18 ndichangopedza chikoro, ndakabatana nesangano reKomsomol, iro raiva sangano revechidiki raidzidzisa zvechiKomonisiti. Chinangwa chesangano iri chaiva chekudzidzisa vechidiki kuti vazova nhengo dzeBato rechiKomonisiti. Pasina nguva, ndakasarudzwa kuva munyori weboka remunzvimbo medu. Ndaifarira zvavaidzidzisa zvekuti vanhu vese ihama nehama, uye vakaenzana uye kuti hapana anofanira kudzvinyirirwa, asi pandaiona udzvinyiriri neuori hwakanga hwakazara munyika, zvaindipedza simba.
Sezvo ndaiva nhengo yesangano reKomsomol, ndaitofanira kutsigira chisarudzo chakanga chaitwa nehurumende yeSoviet Uniona chekuvhara machechi. Munzvimbo mataigara maivawo neZvapupu zvaJehovha. Kunyange zvazvo ndaiona kuti vaiva vanhu vakatendeka uye vane rugare nevamwe, ndaiona sekuti vanozonyanyisa. Handina kumbofunga kuti ndaizobatsirwa nemumwe wavo kuwana mhinduro dzemibvunzo yangu.
Babamukuru vangu vainzi Dimitriy, avo vaigara pedyo nesu, vaiva mumwe weZvapupu zvaJehovha. Rimwe zuva muna 1952, vakandibvunza kuti, “Georgiy, unoda kuzoitei muupenyu?” Ndakanga ndisati ndambobvunzwa mubvunzo iwoyo. Chokwadi ndechekuti ndaiva nemibvunzo yakawanda yandakanga ndisina mhinduro. Semuenzaniso, ndaigara ndichizvibvunza kuti, ‘Kana Mwari ariko, sei achisiya vanhu vachitambura kudai?’ Kwemazuva 8 akatevera, babamukuru vakapindura mibvunzo yandaiva nayo vachishandisa Bhaibheri. Dzimwe nguva taitaura nezvaMwari kusvika kuma3:00 dzemangwanani!
Dzimwe nguva Georgiy naDimitriy vaiita usiku hwese vachikurukura Bhaibheri
Pashure pekukurukura navo, ndakasarudza kudzidza Bhabheri. Ndakatanga kunzwisisa kuti ndina Baba vekudenga vanondida zvechokwadi. (Pisarema 27:10) Kunyange zvazvo ndainge ndisati ndava neruzivo rwakawanda rweBhaibheri, kuda kwandaiita Jehovha kwainge kwakasimba zvekuti ndakaita chisarudzo chakanaka. Ndakabva ndasiya Bato rechiKomonisiti pasinei nekutyisidzirwa nasachigaro webato racho wemunharaunda yedu. Pashure pemwedzi 4 kubva pandakatanga kudzidza Bhaibheri, ndakazvitsaurira kuna Jehovha, ndokubhabhatidzwa muna September 1952.
Kuda Kwangu Jehovha Kunoedzwa
Panguva iyoyo, Zvapupu zvaJehovha zvainge zvakabhanwa. Kunyange zvakadaro, ndaida kuratidza nezviito kuti ndinoda Jehovha saka ndakazvipira kuendesa mabhuku anotsanangura Bhaibheri kune zvimwe Zvapupu zvaigara munzvimbo dzakasiyana-siyana. Zvakanga zvisiri nyore nekuti vamwe vanhu vaiti vakaona munhu wavaisaziva munzvimbo yavo vaigona kuudza mapurisa. Kunyange zvimwe Zvapupu zvaifunga kuti pamwe ndaiva mumwe wevatumwa vemapurisa vainge vanyepedzera kuva nhengo dzeungano. Asi pasina nguva zvakava pachena kuti ndaisava musori. Pangopera mwedzi miviri kubva pandakabhabhatidzwa, ndakasungwa, nemhosva yekuendesera vanhu mabhuku akabhanwa.
Ndakaita rinenge gore rese ndakavharirwa ndichimirira kuti nyaya yangu itongwe, uye panguva iyoyo mapurisa aindibvunzurudza vachida kuti ndirambe zvandaitenda. Asi ndainge ndava kunyatsoda Jehovha Mwari. Pava paya, nyaya yangu yakazonotongwa muguta rinonzi Odessa, kuUkraine. Vabereki vangu nevana vemumba medu, avo vainge vasati vava Zvapupu zvaJehovha, vakashevedzwa kuti vanzwe nyaya yangu ichitongwa.
Ndakatongwa zvichinzi ndakanyengerwa kuti ndibatane neboka rine ngozi. Dare raida kuti vabereki vangu nevana vemumba medu vafunge kuti ndainge ndarasika pfungwa. Vabereki vangu vakatanga kutya, uye vakachema ndokundiudza kuti ndisiye zvekuva Chapupu. Asi ndakaramba ndakadzikama ndichibva ndaudza amai vangu kuti: “Musanetseka. Handina kunyengedzwa. Ndakawana zvandaitsvaga muupenyu hwangu, uye handisi kuzombozvisiya.” (Zvirevo 23:23) Ndaisava neruzivo rwakawanda rweBhaibheri, asi zvishoma izvozvo zvandaiziva nezvaJehovha zvakandibatsira kuramba ndakavimbika. Papfuura makore 6, vabereki vangu vakazonzwisisa zvandaitenda zvekuti naivowo vakazova Zvapupu zvaJehovha.
Dare rakati Georgiy ainge abatana neboka rine ngozi, vabereki vake vachizvinzwa
Ndakatongerwa kugara mujeri kwemakore 15 ndichishandiswa zvakaoma ndikaendeswa kunharaunda yeKolyma, kuSiberia uko kwaiva nemisasa yakawanda yevasungwa vaishandiswa zvakaomarara. Kuti vaite kuti vasungwa vaite zvavanoda, magadhi nevamwe vaichengeta vasungwa vaitirova uye vaitinyima zvekudya. Ndakambotanga ndichinetseka kuti ndichararama sei.
Kuona Rudo rwaMwari Uye Kudzidziswa Naye
Mumusasa wandakaendeswa maiva neZvapupu pa34. Ndichangosvika, vamwe vavo vakandibvunza pachivande kuti: “Muboka renyu muna vanaJehonadhabhi here?” Ndakabva ndangoziva kuti vaiva Zvapupu. Ndivo chete vaishandisa shoko iroro remuBhaibheri! Hama idzi dzaiva neruzivo, dzakandidzidzisa kushandisa mazano eBhaibheri pazvainge zvakaoma uyewo kuva neunhu hunofanira kuva nemuKristu hwakadai seungwaru.
Mumusasa ndaishanda pane mumwe muchina. Rimwe zuva, mumwe wandaishanda naye ainzi Matphey akatanga kuzvirova dundundu achiti aiziva mazita evasande 50 nemusoro. Pandakataura mashoko ekunyomba vanhu ivavo vanonzi vasande, Matphey akanga ava kuda kundirova, ndikabva ndatiza. Ndakarwadziwa pandakaona hama dzichindiseka. Ndakabva ndati: “Ko muri kusekei? Ndanga ndichida kuparidza!” Vakabva vandiudza zvakanakanaka kuti chinangwa chedu ndechekuudza vanhu mashoko akanaka, kwete kuvagumbura. (1 Petro 3:15) Matphey aitsoropodza zvaiita nehurumende uye aisairemekedza, asi aibatwa-batwa neruremekedzo rwairatidzwa neZvapupu kumagadhi nevamwe vaiva nezvinzvimbo. Akazotanga kufarira zvinodzidziswa neBhaibheri. Handimbofi ndakakanganwa usiku hwaakabhabhatidzwa pachivande mudhiramu raiva nemvura yaitonhora.
Patakatanga kusvika mumusasa, ini nedzimwe hama dzechidiki mbiri takanzi tipinde zvidzidzo zvematongerwo enyika. Pakutanga, takaramba kuenda. Taifunga kuti sevaKristu, kuva pamisangano iyoyo kwainge kwakafanana nekutsigira zvematongerwo enyika. (Johani 17:16) Izvi zvakaita kuti tipiwe chirango chekugara muchitokisi chainge chiine rima kwemavhiki maviri. Patakazobudiswa, dzimwe hama dzakatitsanangurira kuti hazvinganzi tatsigira zvematongerwo enyika nekungopinda misangano iyoyo. Asi kuti taitogona kushandisa mukana iwoyo kupa uchapupu. Hama idzodzo dzaiva nerudo dzakatibatsira kuti tive vakachenjera uyewo vanobvuma kuchinja pazvinenge zvakakodzera.
Kundidzidzisa kwavaiita nemwoyo murefu kwakaita kuti ndione kuti Jehovha aindida. Semuenzaniso, mumwe musungwa aiva mupristi akanzi ashande semukuru wevaiita zveakaunzi. Pese paaingosangana neni panguva yekudya, aindikwazisa achiti, “Hesi mwanakomana waDhiyabhorosi!” Mumwe musungwa wataiva naye akabva andiudza kuti ndipindure ndichimutsvinyirawo ndichiti, “Hevoi Baba!” Pandakaita zvaakandiudza, ndakarohwa zvakaipisisa. Hama padzakaudzwa zvainge zvaitika, dzakaita kuti ndione kuti zvandakanga ndaita zvainge zvisina kunaka. (Zvirevo 29:11) Ndakabva ndaenda kunokumbira ruregerero kumupristi wacho.
Ndisati ndaendeswa kumusasa, ndaipinda misangano yechiKristu pachivande usiku kana kuti mangwanani-ngwanani. Asi mumusasa makanga musina pekuhwanda. Saka zuva rega rega, ini nedzimwe hama taimira takaita denderedzwa, magadhi achitiona, tobva takurukura magwaro atainge tafanonyora patumapepa tudikidiki. Taiita izvi kuti tibate nemusoro magwaro akawanda kuti tizoramba tichiayeuka. Kana tikaona gadhi achiuya pataiva, taibva tamedza tumapepa twuya twaiva nemanotsi edu.
Zvapupu zvaiverenga Bhaibheri magadhi akatarisa, sezvo pakanga pasina pekuhwanda
Jehovha Akandiratidza Rudo Kunyange Pandakaendeswa Kune Imwe Nyika
Makore ekuma1960 achangotanga, Georgiy paakanga abudiswa mumusasa wevasungwa
Pandakabudiswa mumusasa muna 1959, ndakaendeswa kunharaunda yeKaraganda kuKazakhstan. Kunyange zvazvo ndakanga ndichiri musungwa uya anenge achiongororwa ari kumba, ndakakumbira vakuru vakuru mazuva 20 kuti ndinochata. Ndakabva ndaenda kunharaunda yeTomsk kuRussia, uko kwaiva neimwe hanzvadzi yakanaka uye yakatendeka yandaizivana nayo yainzi Maria. Sezvandaiwanzoita, handina kumbotenderera, ndakangotaura zvandaida. Ndakamuudza kuti: “Maria, handina nguva yekuti timboita zvekufambidzana. Ngatichatei!” Akabvuma tichibva taita muchato waisava nevanhu vakawanda. Maria akafarira kuti ndainge ndatsungirira miedzo yakawanda chaizvo, uye aida kundibatsira kuti ndirambe ndichishumira Jehovha.—Zvirevo 19:14.
Mumakore ekuma1960, taisakwanisa kuparidza paimba neimba, asi pese paimuka mukana wekuparidza, taiushandisa. Pataikokwa kwakasiyana-siyana kana kuti pataimboenda kunozorora, taiwanzoudza vanhu tariro yedu yekurarama nekusingaperi panyika pano. Pamwe pacho tisu taitotsvaga mikana yekutaura nevanhu. Semuenzaniso, taienda kunoona dzimba dzaitengeswa, tobva tatotanga kutaura nevaridzi vacho nyaya dzaiita kuti tipedzisire tavaparidzira. Izvi zvakaita kuti ini naMaria titange kudzidza Bhaibheri nevanhu 6 avo vakazova Zvapupu zvaJehovha.
Pamwe pacho taiwana mukana wekuparidza panguva yesarudzo dzezvematongerwo enyika. Rimwe zuva, mapurisa epachivande akauya kufekitari kwandaishanda nedzimwe hama. Vakabva vatibvunza pamberi pevamwe vashandi 1 000 kuti sei Zvapupu zvaJehovha zvisingaiti zvematongerwo enyika. Mukuru wemainjiniya nevamwe vashandi vakabva vatimiririra. Vakaudza mapurisa kuti taiva vanhu vakanaka, vanoshanda nesimba. Zvavakaita zvakaita kuti tiwane simba rekutsanangura zvatinotenda, tichishandisa magwaro ataiziva nemusoro. Kushinga kwatakaita kupa uchapupu kwakaita kuti vamwe vataishanda navo 4 vade kudzidza Bhaibheri, vachibva vatobhabhatidzwa gore risati ratombopera.
Makore ekuma1970 achangotanga, vakawanda vaida chokwadi vakava Zvapupu zvaJehovha muKazakhstan, saka takaona zvakakodzera kuronga kuita gungano rekutanga. Asi taizozviita sei zvisingaonekwi nemapurisa? Takaronga kuriita panguva imwe chete nemuchato mumusha waiva pedyo neguta reAlmaty. Muchato wakaitwa, tikaitawo gungano, uye pakanga paine vanhu vanopfuura 300! Mudzimai wangu nedzimwe hanzvadzi vakashanda chaizvo kugadzira nzvimbo yacho uye kubika zvekudya zvainaka. Vanhu vakanga varipo vakanyanya kufarira dzidziso dzeBhaibheri dzakataurwa nevakurukuri vanenge 12 vakapa hurukuro. Musi iwoyo, ndakapa hurukuro yeBhaibheri kekutanga pamberi pevateereri vakawanda.
Rudo rwaMwari Rwakatisimbisa Mumiedzo
Georgiy nemudzimai wake,Maria, nemwanasikana wavo, Lyudmila
Mudzimai wangu wandaida, Maria, akaramba ari mubatsiri wangu akatendeka kweupenyu hwake hwese. Aiva munyoro uye aizviisa pasi, achigara achiisa Umambo pekutanga. Kunyange zvazvo aimbova mukadzi akagwinya, akabatwa nechirwere chinonzi osteoporosis icho chakaita kuti aite makore anoda kusvika 16 asingakwanisi kumuka. Ndakakwanisa kuramba ndichimuchengeta zvakanaka ndichibatsirwa nemwanasikana wedu ane tsitsi Lyudmila, kusvikira paakazoshaya muna 2014.
Pandaiona mudiwa wangu achitambura, ndaipera simba. Kunyange zvakadaro, taiverenga Bhaibheri uye nyaya dzinokurudzira, kusvikira zuva raakashaya. Taiwanzotaura nezvenyika itsva. Dzimwe nguva ndaichema chinyararire ndiri padivi pake. Asi pese pataiverenga nezvevimbiso dzaJehovha, zvaiita kuti tidzikame, tobva tawanazve simba.—Pisarema 37:18; 41:3.
Georgiy naLyudmila vachitandara nevamwe vaKristu
Kubva pazuva randakanyatsonzwisisa kuti Jehovha anondida, ndiri kuona kuti ari kunditsigira uye ari kundichengeta. (Pisarema 34:19) Pandakanga ndichiri mukomana ndisati ndava neruzivo, ndakaona rudo rwake kuburikidza nevaya vaindibatsira nemwoyo murefu kuvandudza unhu hwangu. Pandaitambura mumusasa uye muutapwa, ndaiona kuti Jehovha ainditsigira neShoko rake. Akandipawo simba rekuti ndichengete mudzimai wangu Maria, kusvikira paakashaya. Iye zvino ndinogona kutaura kuti kuda kwandinoita Jehovha ndiko kwandisimbisa upenyu hwangu hwese.
a Kazakhstan, Moldova, neUkraine zvaiva mune yainzi Soviet Union kusvikira muna 1991.