Chitatu, July 30
Hatingaregi kutaura pamusoro pezvinhu zvatakaona nezvatakanzwa.—Mab. 4:20.
Tinogona kutevedzera vadzidzi vaJesu nekuramba tichiparidza kunyange hurumende ikarayira kuti tirege kuparidza. Tinogona kuva nechivimbo chekuti Jehovha achatibatsira kuti tiite ushumiri hwedu. Saka nyengetera kuti uve neushingi neuchenjeri uye kumbira Jehovha kuti akubatsire kutsungirira matambudziko. Vakawanda vedu tiri kutambura pamusana pekurwara kana kuti zvimwe zvinhu zvinotishungurudza, zvakadai sekufirwa, matambudziko emhuri, kutambudzwa, kana kuti mamwewo matambudziko. Uye zvinhu zvakadai sezvirwere zvinopararira uye hondo zvakaita kuti matambudziko akadai awedzere kuoma. Durura mwoyo wako kuna Jehovha. Muudze nezvedambudziko rako sekuudza kwawaizoita shamwari yepedyo. Iva nechokwadi chekuti Jehovha “achagadzirisa zvinhu.” (Pis. 37:3, 5) Kuramba tichinyengetera kuchatibatsira kuti ‘titsungirire pakutambudzika.’ (VaR. 12:12) Jehovha anoziva zviri kusangana nevanamati vake. “Anonzwa kuchemera kwavo kubatsirwa.”—Pis. 145:18, 19. w23.05 5-6 ¶12-15
China, July 31
Rambai muchiva nechokwadi chezvinhu zvinogamuchirika kunaShe.—VaEf. 5:10.
Kana tiine zvisarudzo zvinokosha zvatinoda kuita, tinofanira kunzwisisa “kuti kuda kwaJehovha ndekupi” tobva taita maererano nakwo. (VaEf. 5:17) Kana tikatsvaga mazano eBhaibheri anoshanda pamamiriro edu ezvinhu, tinenge tichiratidza kuti tinoda kuva nemafungiro aMwari panyaya yacho. Uye patinoshandisa mazano ake, kakawanda kacho tinoita zvisarudzo zvakanaka. Muvengi wedu Satani, uyo “akaipa,” anoda kuti tirambe takanyura mukuita zvinhu zviri munyika ino kuitira kuti tishaye nguva yekushumira Mwari. (1 Joh. 5:19) Zviri nyore chaizvo kuti muKristu atange kuisa pfungwa pakutsvaga pfuma, padzidzo, kana kuti pabasa, pane kuti adziise pamikana yaainayo yekushumira Jehovha. Kana izvozvo zvikaitika, zvinenge zvichiratidza kuti muKristu iyeye ari kukanganiswa nemafungiro enyika. Zvinhu izvi hazvina hazvo kuipa, asi hazvifaniri kuva pekutanga muupenyu hwedu. w24.03 24 ¶16-17
Chishanu, August 1
Matambudziko emunhu akarurama mazhinji, asi Jehovha anomununura maari ese.—Pis. 34:19.
Cherechedza pfungwa mbiri dzinokosha dziri mupisarema riri pamusoro apa dzinoti: (1) Vanhu vakarurama vanosangana nematambudziko. (2) Jehovha anotinunura mumatambudziko edu. Jehovha anotinunura sei? Imwe nzira ndeyekutibatsira kuti tinyatsoona upenyu hwemunyika ino sezvahuri. Kunyange zvazvo Jehovha achivimbisa kuti tichava nemufaro pakumushumira, haativimbisi kuti tichava neupenyu husina matambudziko iye zvino. (Isa. 66:14) Anotikurudzira kuti tiise pfungwa dzedu pane ramangwana, patichava neupenyu hwaanoda kuti tinakidzwe nahwo nekusingaperi. (2 VaK. 4:16-18) Panguva ino ari kutibatsira kuti tirambe tichimushumira zuva rimwe nerimwe. (Mari. 3:22-24) Tingadzidzei kubva pamienzaniso yevashumiri vaJehovha vakatendeka vanotaurwa muBhaibheri uye vemazuva ano? Tinogona kungoerekana tasangana nematambudziko. Asi patinovimba naJehovha, acharamba achititsigira.—Pis. 55:22. w23.04 14-15 ¶3-4