RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w12 7/1 pp. 12-15
  • Bhaibheri Rinochinja Upenyu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Bhaibheri Rinochinja Upenyu
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Mashoko Akafanana
  • Bhaibheri Rinochinja Upenyu Hwevanhu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Bhaibheri Rinochinja Upenyu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Bhaibheri Rinochinja Upenyu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Bhaibheri Rinochinja Upenyu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
w12 7/1 pp. 12-15

Bhaibheri Rinochinja Upenyu

CHII chakabatsira mumwe mukadzi wokuPhilippines kuti arege zvoudhakwa uye avandudze upenyu hwemhuri yake? Mumwe murume wokuAustralia aifarira karati zvikuru, akakwanisa sei kuva muparidzi wemashoko akanaka asingadi zvekurwa? Verenga unzwe kuti vanhu ava vanoti chii.

“Handina kungomuka ndachinja.”—CARMEN ALEGRE

GORE ROKUBEREKWA: 1949

NYIKA: THE PHILIPPINES

NHOROONDO YOUPENYU: MUSIYADZASUKWA

MARARAMIRO ANDAIITA: Ndakaberekerwa muSan Fernando, guta riri muruwa rwunonzi Camarines Sur. Asi ndava nenguva yakareba ndichigara kuAntipolo, muruwa rwunonzi Rizal. Guta reAntipolo riri munzvimbo ine makomo, miti neuswa hwakawanda, uye pandakatamira kuno raiva guta duku chaizvo. Kashoma pandaiona munhu aifamba kana kwasviba. Asi iye zvino Antipolo yava guta guru rine vanhu vakawanda.

Ndakaonana nomurume anonzi Benjamin ndava nekanguva ndichigara kuAntipolo, tichibva taroorana. Kumisa imba kwaisava mutserendende sezvandaifungira. Ndakatanga kudhakwa ndichiitira kuti ndikanganwe nhamo dzangu. Mabatiro andaiita murume wangu nevana vangu airatidza mwoyo wakaipa wandaiva nawo. Ndakanga ndisingagoni kuzvidzora uye ndakanga ndisingavaitiri mwoyo murefu. Ndaisaremekedza murume wangu. Saka zviri pachena kuti mhuri yedu yakanga isina mufaro.

KUCHINJWA KWAKAITWA UPENYU HWANGU NEBHAIBHERI: Editha, hanzvadzi yomurume wangu, mumwe weZvapupu zvaJehovha, uye akatikurudzira ini naBenjamin kuti tidzidze Bhaibheri neZvapupu. Takabvuma kudzidza tichitarisira kuti zvinhu zvive nani mumhuri medu.

Takadzidza chokwadi chinofadza muBhaibheri. Pane zvataidzidza, mashoko ari pana Zvakazarurwa 21:4 ndiwo akanyanya kundibaya mwoyo. Ndima iyi inotaura nezvevanhu vachagara muparadhiso pasi pano panenge pachitonga Umambo hwaMwari ichiti, Mwari “achapukuta misodzi yose pamaziso avo, rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipozve.” Ndaidawo kuzova mumwe wevanhu vachawana makomborero aya.

Ndakaona kuti pane zvakawanda zvandaifanira kuchinja pamafungiro nemaitiro angu. Handina kungomuka ndachinja unhu hwangu asi nokufamba kwenguva ndakazorega kudhakwa. Ndakadzidzawo kuti ndaifanira kuitira mhuri yangu mutsa uye mwoyo murefu. Chimwe chandakadzidza ndechokuti ndaifanira kuremekedza murume wangu, uye kuti ndaifanira kumutsigira pakutungamirira kwaanoita mhuri yedu.

Ini naBenjamin takabayiwa mwoyo chaizvo nezvatakaona patakatanga kupinda misangano yeZvapupu zvaJehovha. Takaona kuti Zvapupu hazviiti zvokubheja, zvoudhakwa uye hazvisarurani. Vanoremekedza munhu wose. Zvaiva pachena kuti tainge tawana chitendero chechokwadi.—Johani 13:34, 35.

KUBATSIRWA KWANDAKAITWA: Zvinhu zvavandudzika zvinoshamisa mumhuri medu. Tava kuwirirana nemurume wangu Benjamin uye tinonakidzwa nokudzidzisawo vamwe Bhaibheri. Vanakomana vedu vaviri nemadzimai avo vava kudzidzawo Bhaibheri. Tine tarisiro yokuti nokufamba kwenguva vachabatanawo nesu pakushumira Jehovha, nokuti uhwu ndihwo upenyu hwakanakisisa.

“Ndaiona sokuti hapana angandirova.”—MICHAEL BLUNSDEN

GORE ROKUBEREKWA: 1967

NYIKA: AUSTRALIA

NHOROONDO YOUPENYU: AINYANYOFARIRA KARATI

MARARAMIRO ANDAIITA: Ndakakurira muAlbury, guta rakanaka chaizvo uye rakabudirira riri muNew South Wales. Albury iguta rakanaka chaizvo kugara, kunyange hazvo muchimboparwawo mhosva sezvinongoitwa mumaguta akawanda eko.

Ndakakura ndichirarama upenyu hwomutambarakede. Kunyange zvazvo vabereki vangu vakarambana ndiine makore manomwe, vaitipa zvose zvataida pakurarama ini nemukoma wangu nehanzvadzi dzangu mbiri. Ndakawana dzidzo yakanaka chaizvo pane chimwe chikoro chisiri chehurumende chaipfuura zvimwe zvose zvomunzvimbo yacho. Baba vangu vaida kuti kana ndapedza chikoro ndiite zvebhizimisi. Asi ndainyanya kufarira zvemitambo uye ndaigona chaizvo zvekarati nokuchovha bhasikoro. Ndakazopinda basa pane rimwe garaji uye basa racho raindiwanisa nguva yakawanda yokuita zvemitambo zvandaifarira.

Ndaidada kuti ndaiva murume akagwinya. Dzimwe nguva ndaiona sokuti hapana angandirova. Ndaida kushandisa simba rangu uye karati kuti ndirove vanhu vose vose. Asi mudzidzisi wangu wekarati paakaona kuti ndaida kugara ndichirova vanhu, akandidzidzisa kuti ndive netsika kwadzo uye kuti ndizvidzore zvakanyanya. Aigara achindiudza kukosha kwazvakaita kuti nditeerere mitemo yekarati.

KUCHINJWA KWAKAITWA UPENYU HWANGU NEBHAIBHERI: Pandakatanga kudzidza Bhaibheri, ndakaona kuti Jehovha anovenga zvokurwa. (Pisarema 11:5) Pakutanga ndaiona sokuti karati wakanga ungoriwo mutambo wakanaka unotambwa zvisina ngozi. Ndaiona sokuti unhu hwandaidzidziswa kukarati hwaienderana nezvinodzidziswa neBhaibheri. Murume nomudzimai vaidzidza neni Bhaibheri vaiva nemwoyo murefu chaizvo. Havana kumbondiudza kuti ndaifanira kuregedza zvekarati, asi vakangoramba vachidzidza neni chokwadi cheBhaibheri.

Ruzivo rwangu rweBhaibheri zvarwairamba ruchiwedzerawo uye kuda kwangu Jehovha kuchiwedzerawo, ndakatanga kuchinja maonero angu. Ndakabayiwa mwoyo pandakadzidza nezvemuenzaniso waJesu Mwanakomana waJehovha. Kunyange zvazvo Jesu aiva nesimba chaizvo, haana kumbobvira arwa nevanhu. Ndakanyanya kubayiwa mwoyo nemashoko ake ari pana Mateu 26:52 anoti: “Vose vanotora bakatwa vachaparara nebakatwa.”

Kuramba ndichidzidza nezvaJehovha kwakaita kuti ndiwedzere kumuda uye kumuremekedza. Kuziva kuti Musiki wedu ane simba guru neuchenjeri hwose ane hanya neni kwakandikurudzira chaizvo. Ndakabayiwa mwoyo nokuziva kuti kunyange dai ndaizoita zvinomuodza mwoyo, kana kuti pandaiona sokuti handingazvikwanisi ndofunga zvokukanda mapfumo pasi, haaizomborega kundibatsira, chero bedzi ndaizoramba ndichiedza nepandaigona napo. Ndakanyaradzwa nevimbiso yake inoti: “Ini, Jehovha Mwari wako, ndakabata ruoko rwako rworudyi, Ndini ndiri kuti kwauri, ‘Usatya. Ini ndichakubatsira.’” (Isaya 41:13) Pandakaona kuti Jehovha akanga andiratidza rudo rwakadaro, ndakatsidza kuti handisi kuzokanda mapfumo pasi.

Ndaiziva kuti kurega karati ndicho chinhu chaizondiomera pane zvose. Asiwo ndaiziva kuti izvi zvaizofadza Jehovha uye kuti kumushumira kwaikosha kupfuura zvinhu zvose zvandaizorega. Ndakazonyatsobatsirwa nemashoko aJesu ari pana Mateu 6:24 anoti: “Hapana munhu anogona kushandira vanatenzi vaviri.” Ndakaona kuti zvakanga zvisingaiti kuti ndirambe ndichiita zvekarati uku ndichida kushumira Jehovha zvakazara, nokuti ndaizongodzokera kukarati chete. Nguva yakanga yasvika yokuti ndisarudze tenzi wandaida kushumira.

Kurega karati kwaiva kwakandiomera. Mumwe mwoyo waiti ramba uchiita mumwe uchiti rega. Kuziva kuti ndaifadza Jehovha kwaiita kuti ndifare. Asiwo ndainzwa sokuti ndakanga ndava kurasisa mudzidzisi wangu wekarati. Kazhinji vaya vanoita zvekarati vanoona kurasisa mumwe munhu sechivi chisingaregererwi. Vamwe vacho vanotozopedzisira vazviuraya nokuti nyadzi dzinenge dzavakurira.

Handina kukwanisa kunotsanangurira mudzidzisi wangu kuti sei ndakanga ndava kusiya zvekarati nemhaka yenyadzi. Saka handina kumbomuudza, uye handina kuzombotaurazve naye iye nevamwe vandaiita navo zvekarati. Ndaiziva kuti ndainge ndaita zvakanaka pandakarega karati. Asiwo hana yangu yaindipa mhosva kuti ndainge ndisina kutsanangurira vamwe vangu nezvechitendero changu chitsva. Ndaiona sokuti ndainge ndaodza mwoyo Jehovha ndisati ndatombotanga kumushumira. Zvose izvi zvaiita kuti ndishushikane. Kakawanda pandaiedza kunyengetera kuna Jehovha ndaizongoerekana misodzi yava kuyerera.

Jehovha anofanira kunge akaona chimwe chinhu chakanaka pandiri, nokuti akaita kuti hama nehanzvadzi dzomuungano yedu dzinditsigire. Handigoni kutsanangura kudzama kwakaita rudo, kunyaradza uye ushamwari hwavakandiratidza. Ndakanyaradzwawo nenhoroondo iri muBhaibheri yaDhavhidhi naBhatishebha. Kunyange zvazvo Dhavhidhi akaita zvivi zvakakomba, Jehovha akamuregerera paakapfidza nomwoyo wose. Pandakafungisisa nhoroondo iyi, zvakandibatsira kuti ndisanyanya kunetseka nokutadza kwangu.

KUBATSIRWA KWANDAKAITWA: Ndisati ndadzidza Bhaibheri ndakanga ndisina basa nomumwe munhu, ndaingonyanya kuzvifunga ini. Asi ndichibatsirwa naJehovha nomudzimai wangu akanaka wandava nemakore manomwe ndakaroorana naye, ndava kunzwira vamwe tsitsi chaizvo. Tine ropafadzo yokudzidza Bhaibheri nevanhu vakawanda, kusanganisira vane upenyu hunosuruvarisa. Kuona vanhu vachichinja mararamiro avo pavanoona rudo rwaJehovha kunoita kuti ndifare chaizvo, kupfuura zvandaizoita nokuita zvekarati.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 14]

“Kuziva kuti Musiki wedu ane simba guru neuchenjeri hwose ane hanya neni kwakandikurudzira chaizvo”

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 15]

“Ndinokutendai Nenyaya Idzi Dzakanaka!”

Wanakidzwa nokuverenga nhoroondo mbiri dzapfuura here? Idzi ndedzimwe dzenyaya dzinopfuura 50 dzakabudiswa muNharireyomurindi kutanga muna August 2008. Nyaya dzinoti “Bhaibheri Rinochinja Upenyu” dziri kufarirwa chaizvo nevaverengi vedu. Nei vakawanda vachibayiwa mwoyo nadzo?

Vanhu vanotaurwa munyaya idzi vakabva mumamiriro ezvinhu akasiyana-siyana. Vamwe vacho vaiita sevari kufambirwa zvakanaka nezvinhu vasati vadzidza nezvaJehovha Mwari, asi vakanga vasina chinangwa muupenyu. Vamwe vaiva nematambudziko akakura akadai sehasha dzakanyanya, kushandisa madhiragi uye kudhakwa. Vashoma vavo vakakura vachiziva Jehovha asi vakambotsauka kwekanguva. Zvose izvi zvinoratidza kuti zvinoita kuchinja mararamiro edu kuti tifadze Mwari. Uye kuita izvozvo kwagara kunotobatsira. Nyaya idzi dziri kubatsira sei vaverengi vedu?

Mumwe muverengi anotsanangura kubatsirwa kwakaitwa vamwe vasungwa mujeri revakadzi nenyaya iri muNharireyomurindi yaFebruary 1, 2009.

◼ Anoti: “Vasungwa vakawanda vanonzwisisa manzwiro evanhu vanotaurwa munyaya yacho. Vanonyanya kubayiwa mwoyo nemapikicha evanhu vacho vasati vadzidza chokwadi uye vazochidzidza uye nenhoroondo yemararamiro avaiita. Vasungwa vakawanda ndiwo mararamiro avaiita. Vaviri vacho vakatanga kudzidza Bhaibheri mushure mokuverenga nyaya idzi.”—C. W.

Vamwe vaverengi vakabayiwa mwoyo chaizvo nenyaya idzi. Somuenzaniso, Nharireyomurindi yaApril 1, 2011 ine nyaya yaGuadalupe Villarreal uyo akarega zvoungochani kuti anamate Jehovha. Ona tsamba mbiri chete patsamba dzakawanda dzakanyorwa nevaverengi vedu vachitaura nezvenyaya iyi.

◼ “Nyaya yaGuadalupe yakandibata-bata chaizvo. Zvinoshamisa chaizvo kuona kuti kuda Jehovha neShoko rake kunogona kunyatsochinja munhu zvakadaro!”—L. F.

◼ “Kare ndaimboedza kuparidzira munhu wose, kusanganisira vanoita zveungochani. Asi munguva pfupi yapfuura ndakaona kuti ndanga ndava nekatsika kokusavaparidzira ndichiona sokuti havambochinji. Nyaya yaGuadalupe yakaita kuti ndichinje mafungiro angu. Yakandibatsira kuti ndione vanhu ivavo semaonerwo avanoitwa naJehovha, uyo anovaona sevanhu vanogona kuzova vanamati vake.”—M. K.

Imwewo nyaya yakabata-bata vaverengi vakawanda ndeyaVictoria Tong, yakabuda muNharireyomurindi yaAugust 1, 2011. Victoria akatsanangura kushungurudzwa kwaakaitwa achiri muduku. Akati pakanga pava nemakore achishumira Jehovha asi aiva achiri kuona sokuti Jehovha haangambodi munhu akaita saiye. Akataurawo chakazoguma chaita kuti aone kuti Jehovha anomuda. Inzwa zvakataurwa nevamwe vaverengi nezvenyaya iyi.

◼ “Nyaya yaVictoria yakanditi dyo-o pamwoyo. Ndakasangana nematambudziko akawanda muupenyu hwangu. Ndinogara ndichirwisana nepfungwa dzisina kunaka kunyange zvazvo ndava nemakore ndiri Chapupu chakabhabhatidzwa. Nyaya yaVictoria inondikurudzira kuti ndiedze kuona zvakanaka zvinoonekwa naJehovha pandiri.”—M. M.

◼ “Pandaiva muduku ndaiedza chaizvo kuti ndirege kuona zvinonyadzisira izvo zvakanga zvandipinda muropa. Munguva pfupi ichangopfuura ndakambozvionazve. Ndakakumbira kubatsirwa nevakuru vechiKristu uye iye zvino handisisiri kuzviona. Vakuru vakandivimbisa kuti Mwari anondida uye ane ngoni. Kunyange zvakadaro dzimwe nguva ndinombozviona semunhu asina zvaanobatsira, sokunge kuti Jehovha haangambondidi. Kuverenga nezvaVictoria kwakandibatsira chaizvo. Ndava kuziva kuti pandinoona sokuti Mwari haangambondiregereri, zvinoita sokuti ndiri kuti chibayiro cheMwanakomana wake hachigoni kufukidza zvivi zvangu. Ndakabvisa pepa renyaya yacho muNharireyomurindi zvokuti ndinogona kuiverenga ndichidzamisa pfungwa pose pandinombonzwa sokuti handibatsiri. Ndinokutendai nenyaya idzi dzakanaka!”—L. K.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe